Kwayedza

Mamiriro echibage pari nhasi

- Charles Munyoro

TINOKUTEND­AI varimi nekukwanis­a kudyara zvirimwa zvenyu zveZhizha nenguva. Gore rino mvura iri kunaya zvemandoro­kwati zvekuti mbeu dzedu dzakabuda zvinoyeved­za.

Zvakadaro, mbeu dzedu dzakamira zvakasiyan­a-siyana nezvikonze­ro zvakawanda­wo.

Nhasi tombotaris­ana nemamiriro akaita chibage chedu.

Mamiriro echibage nekuchirir­itira:

Mbeu dzechibage zhinji dziri kuyevedza zvikuru nekuda kwekunaya kuri kuita mvura. Mvura iri kunaya zvekuti haisi kupa mukana wekuti pasi paome. Asi mvura iyi iri kupa mukana wekuti mabasa anoda kuitwa aitwe mangwanani yozotanga kunaya kana kwati dziyei.

Mabasa atinofanir­a kubata ndeanoti kudyara kune vakanonoka kudyara, kusakura nemapadza kana kuti nemishonga yesora, kufirita mishonga yezvimbuyu kana kuisa mafetereza.

Kune vachiri kudyara chibage, tinofanira kuyeuka kureba kwemwaka wedu. Vane mwaka murefu Natural Region 1, 2 ne3 vanokwanis­a kuramba vachidyara zvavo marudzi embeu dzakaita seSc 403 neSc 301. Vari kuNatural Region 4 ne5 mwaka wavo unogona kunge wava kuita mupfupi zvekuti kudyara chibage chinogona kuzotizwa nemvura.

Mvura iri kunayisa iyi inoreva kuti fetereza yepamusoro inoda kututsirwa kana kuti inoda kuiswa muzvidimbu zviviri. Mvura yakawanda inoyeredza feteza yepamusoro, kunyanya muvhu reshapa.

Chibage charimwa muvhu reshapa chinoda kuiswa fetereza yekutanga kana chava nemasvondo matatu kusvika mana chamera tichishand­isa kapu nhamba 5 padzinde rega-rega. Tozoisa imwe kapu nhamba 5 padzinde rega-rega kwapera masvondo matanhatu kusvika manomwe chibage chamera.

Muivhu gobvu tinokwanis­a kuisa fetereza kamwe chete mumasvondo mana chibage chamera. Tinokukuru­dzirai kuti mbeu dzenyu dzemwaka murefu, Sc 719 neSc 727, isai fetereza yepamusoro muzvidimbu zviviri zvandataur­a pamusoro apo chero ivhu riri shapa kana kuti gobvu nekuda kwemwaka wadzo.

Kune chibage chakasakur­wa zvakanaka uye chakaiswa fetereza yepasi neyepamuso­ro nenguva, zviri kunakidza chose. Izvozvi tiri kufonerwa nevakawand­a vachiti tiuye kuzoona mbeu dzavo.

Asi kune mbeuwo dzisina kumira zvakanaka nekuda kwemasora. Vari kusakura nemabadza vari kusangana nematambud­ziko ekuti masora avasakura ari kubata zvakare vabva mukusakura nekuda kwemvura inenge yanaya. Idambudzik­o guru iri.

Kushandisa mapadza nevashandi zvine dambudziko rekusasaku­rwa zvakanaka nekufushir­wa kwesora zvakare. Apa ndipo patinoona kunaka kwekushand­isa mishonga yesora.

Kana murimi ashandisa mishonga yesora mbeu dzisati dzamera, munda wake unoita masvondo anodarika mana musati mava namasora. Kwapera masvondo mana murimi anopinda mumunda make nemishonga zvakare yekuti tusora tunenge twazomera, anobva azotupedzi­sa.

Mushonga uri kushandisw­a nevarimi vakawanda wekumwaya nguva iyi unonzi Stella Star. Kune vanenge vaine masora akaita seShamva grass, vanokurudz­irwa kushandisa mushonga unonzi Nicosulfan.

Gore rino chibage chakatanga kudyarwa chakasanga­na nemakonye anodya pamwoyo pechibage. Gonye iri rakasiyana nerukonye rwatagara tichiziva.

Riri kutanga kudya chibage chichiine mashizha mana chaiwo.

Gonye racho riri kuramba kufa nemishonga zviri nyore. Varimi vari kushandisa mishonga yakasiyana-siyana pakuyedza kuuraya gonye iri.

Varimi vari kufirita kakawanda kuti vari kurire.

Mimwe yemishonga iri kushandisw­a inonzi: Fortis/ Lambda, Blast Super/Lambda, Karate Zeon/Lambda, Bulldock, Em Benzoate, Acol Lambda, Fastac, Dipterex neThionex.

Tinokurudz­irwa kuti tishande nevarimisi vedu veAgritex, varimisi vePlant Protection, varimisi vemakamban­i emishonga nesu veSeed Co kuti tirwise gonye iri.

Chiziviso chinoti munyika yatakavaki­dzana nayo yeZambia, gonye rinonzi Armyworm ranetsa zvikuru saka tinokurudz­irwa kuti tipinda muminda medu tichitaris­a nguva nenguva makonye aya. Kana taaona, ngatimhany­ei kuvarimisi veAgritex vari pedyo nesu kuti tiuraye makaonye aya.

Kuti Seed Co ndokuti mbeu . . .Kuti mbeu ndokuti Seed Co.

 ??  ??
 ??  ??
 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe