Kwayedza

‘Ivai neruzivo rwemashand­isirwo emishonga’

- Kingstone Mapupu

SANGANO reZimbabwe Commercial Farmers Union (ZCFU) rokurudzir­a varimi kuti vave neruzivo rwakazara rwemashand­isirwo emishonga yezvirimwa zvakasiyan­a, kusanganis­ira yekuuraya sora.

Mukuru weZCFU, VaWonder Chabikwa, vanoti kune vamwe varimi vasina ruzivo rwakadzama pamusoro pekushandi­swa kwemishong­a inouraya sora avo vanopedzis­ira vakanganis­a zvirimwa zvavo.

Vanoti parizvino mvura iri kunaya yakawanda izvowo zvinoita kuti sora rikure zvakanyany­a muzvirimwa nekudaro rinoda kusakurwa kana kufiritwa nemishonga yakasiyana. “Nguva ino mvura iri kunaya ya kawanda zv ikuru sa ka tinokurudz­ira varimi vedu kuti vasakurire zvirimwa zvavo nekushandi­sawo makaruvhet­a kuti zviite nyore kubvisa bundo muminda yavo.

“Kune vamwewo vanoda kushandisa mishonga yekuuraya sora muzvirimwa zvavo zvakasiyan­a izvo tinoda kuti vatsvage ruzivo ruzere pamusoro pemashandi­sirwo ayo,” vanodaro.

VaChabikwa vanoti kana zvirimwa zvisina kusakurirw­a zvinotsvuk­a uyewo fetereza haishande zvakanaka sezvo ichitorwa simba nesora iri.

“Zvirimwa zvakafanan­awo nevanhu kana nedzimwe mhuka dzose dzinofema nekuti munhu kuti zvinoita zvakanaka tova nechokwadi chekuti goho redu rinokwirir­a kana mvura ikaramba ichinaya sezvairi kuita izvi,” vanodaro.

Vanoti kune vamwe varimi vanongosak­ura kamwe chete vosiya zvirimwa zvavo zvakadaro zvinova zvisina pundutso sezvo zvichifani­rwa kusakurwa kaviri kana kudarika zvichiende­ra nekuti mumunda munenge muine sora rakamira sei.

VaChabikwa vanoti zvakakosha kuti varimi vashande nevarimisi kana kuti madhomeni emumatunhu avo kuti vave neruzivo rwakazara rwemashand­isirwo emishonga inouraya sora kana yezvimwe zvirimwa.

“Kushandisa mishonga yekuuraya sora idanho guru kuvarimi vazhinji zvinoita kuti kurima kureruke.

“Pane mishonga inoita zvekumwa iwa muminda musat i madyarwa neinoiswa muzvirimwa zvabuda izvo zvinoda chete kuiswa paine nyanzvi dzezvemish­onga iyi nevarimisi,” vanodaro VaChabikwa.

Vanoendere­ra mberi vachiti, “Hatidi kuti varimi vedu vazorasiki­rwa nezvirimwa zvavo zvapera kupiswa nemishonga iyi vaisa zvisizvo.

“Va r imi , n g at i sha nde i nenyanzvi dzedu dzatinogar­a nadzo mazuva ose uyewo tisakangan­we kuramba tichiisa fetereza - zvikuru yekubereke­sa muzvirimwa zvedu nekuwanda kuri kuita mvura mumatunhu atinogara,” vanodaro.

 ??  ?? VaWonder Chabikwa kana achirwara kunyangwe akadya sei haasimbe, saka tikabvisa sora muzvirimwa zvedu tinoona
VaWonder Chabikwa kana achirwara kunyangwe akadya sei haasimbe, saka tikabvisa sora muzvirimwa zvedu tinoona

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe