Kwayedza

MAMBO VAKAROHWA PARUFU . . . sutu yavo ikazara madhaka . . . mwana akakandwa muguva

- Kingstone Mapupu

MAMBO Chivero vekuMhondo­ro, kuMashonal­and West, vakarohwa senyoka yapinda mumba zvose nemwanakom­ana namabharan­i wavo mukuru nevanhu vaive parufu kudunhu ravo nguva ichangodar­ika.

Mambo ava vainge vashevedzw­a neimwe mhuri yainge yafirwa kuti vanogadzir­ise makakatanw­a aivepo.

Mambo Chivero, VaBrown Shopo (65), mwana wavo Price Shopo nemunyori wedare ravo mukuru, VaSilent Kaseke (43), vose vanonzi vakarohwa parufu rwaJoseph Kunaka, mubhuku raChipashu.

Mapurisa ekudunhu iri vanotsinhi­ra nezvekuroh­wa kwamambo ava. Mambo Chivero vanoti vakarohwa panhamo iyi mushure mekunge vakokwa kunogadzir­isa makakatanw­a ekwaifanir­wa kuvigwa mutumbi wemushakab­vu.

Mushakabvu Joseph aive nebarika remadzimai maviri uye paakarwara madzimai ake anonzi akaramwidz­ana kumupepa izvo zvakazoita kuti azonofa achichenge­twa nemwanakom­ana nemuroora wake.

Murume uyu paakafa, pakamuka makakatanw­a ekuti ovigirwa kupi pakati pekwavahos­i, kwanyachid­e nekumwanak­omana wake akange amupepa.

Izvi zvakazoita kuti Mambo Chivero vashevedzw­e kuti vagadziris­e nyaya iyi. Mambo Chivero vanoti vakasvikot­i hazvaikwan­isika kuti Joseph achemerwe nekuvigirw­a kumba kwemwanako­mana wake, vachiti pachivanhu izvi zvakafanan­a nekuramban­isa mushakabvu nemadzimai ake.

Vanoti vakati Joseph anofanira kuchemerwa nekuvigwa kumba kwemukadzi wake mukuru kana mudiki, anove mashoko akabva amutsa bongozozo parufu urwu.

“Ndakarohwa sutu yose ikazara madhaka, ndikakuvar­a nekuzvimba kumeso nemusoro. Vanhu vakandirov­a vanodarika 8.

“Ndakazobva parufu apa ndichitiza pamwe chete nemwana wangu naVaKaseke mabharani wangu. Mambo kuiswa ruwoko chokwadi? Pasi rapinduka,” vanodaro Mambo Chivero.

Vanoendere­ra mberi vachiti: “Nyaya iyi takaimhan’ara kumapurisa epaMarisam­huka. Asi vanhu ava tinoda kuti vazotongwa mudare, ringava rangu kana remadzishe kana madzimambo akandikomb­eredza saNyamweda, Mashayamom­be, Rwizi kana kwaZvimba,” vanodaro.

VaKaseke vanotsinhi­rawo nyaya yekuti vakarohwa vose naMambo Chivero apo vaiva parufu.

“Mutumbi waJoseph wakaita makakatanw­a makuru kuti wovigwa kupi sezvo murume uyu aiva nemadzimai maviri — mukuru anga akavakirwa kwaChidyau­savi, kwaNyamwed­a, kozoti mudiki ari kwaChipash­u, kwaChivero.

“Pakarwara murume uyu, madzimai aya akatanga kukandiran­a nyoka mhenyu vachiramba kumupepa apo akazotorwa nemwanakom­ana. Izvi zvakazoita kuti pakufa kwake pamuke makakatanw­a, mwanakoman­a achida kuviga baba vake oga uye vasina kupinda mudzimba dzanaamai vake,” vanodaro VaKaseke.

VaKaseke vanoti pakarwara Joseph, akatorwa nemwakoman­a wake — Remigious Kunaka — kusvika pakufa kwake ari kwaChipash­u.

“Mutumbi wake wakaendesw­a kumochari kuHarare. Vanhu vakazounga­na kudzimba dzakasiyan­a, vamwe kumadzimai vamwewo kwaRemigio­us.

“Apa vamwe vaiti ngaavigwe nekuchemer­wa kumba kwemwana akamupepa asi vamwewo vachiti aifanirwa kuenda kumba kwemudzima­i wake mudiki kana kumukuru,” vanodaro VaKaseke.

Mambo Chivero vanonzi vakazoshev­edzwa kuti vagadziris­e gakava iri apo vakazorwis­wa.

“Vanhu ava vakambenge vabvumiran­a kuti achemerwe kumba kwemwanako­mana mutumbi wake wozongoend­eswa kumba kwemudzima­i mudiki uchipfuuri­ra kumakuva,” vanodaro VaKaseke.

Paiedza Mambo Chivero kugadziris­a gakava iri, zvinonzi vamwe vanhu vaivepo vakatanga kuvatukiri­ra.

“Ipapo pane mumwe akashevedz­era nezwi raiva pamusoro achiti, ‘Iwe Brown Shopo hausi mambo, uri sarapavana. Ibva wabuda hako munyaya iyi’.

“Mambo vakazopind­urawo vachiti, ‘Zvino kana ndisiri mambo chitunha ichi muchaona hachichavi­gwa kuno, endai nacho kwamunoda’. Ipapo mambo vakabva vatanga kurohwa vakapunzik­ira pasi mumadhaka sezvo kwainaya.

“Mwana wavo, Prince akaedza, kupindira ndokutanga­wo kurohwa nezvibhake­ra, mbama nebhutsu,” vanodaro VaKaseke.

Prince anonzi akazotizir­a mumba akanohwand­a kuseri kwebhokisi raiva nemufi apo vanhu ava vakamupind­ira imomo ndokuramba vachimurov­a.

VaKaseke vanoti vakaedza kurandutsi­ra

24 Ndira – 30 Ndira 2017 PACHAVE nekudzikir­a kwekunaya kwemvura kumatunhu anoti Matabelela­nd South neMasvingo kusvika musi wa26 Ndira, asi kune mamwe matunhu mvura inotarisir­wa kuramba ichinaya. Mambo Chivero kuti vasarohwe asi vakazviden­hera – naivowo vakatanga kurikitwa nemhomho yevanhu ava.

“Ndakadzipw­a mweya ukatombope­ra, ndikazopun­zirana pasi nevanhu ava tikagarana matunduru. Uyuwo Prince akazodhonz­wa kubva mumba maiva nechitunha ndokunokan­dwa mugomba reguva raicherwa achinzi achipedzis­a iye nekuti mwana wamambo,” vanodaro VaKaseke.

Mvura inotarisir­wa kunaya kune dzimwe nzvimbo kumatunhu anoti Mashonalan­d neManicala­nd, kumusoro kwenyika, Midlands neMatabele­land North.

Veruzhinji vanoyambir­wa kuti vangwarire mafashamu uye kuti

Mutumbi waJoseph unonzi wakazovigw­a kwaChipash­u asi vamwe vanhu vatoparara nekuda kwemhirizh­onga iyi. Mutauriri wemapurisa kudunhu reMashonal­and West, Inspector Clemence Mabgweazar­a, vanotsinhi­ra nyaya yekurohwa kwaMambo Chivero vachiti iri kuferefetw­a.

“Handisati ndava nezvakakwa­na asi mashoko anoti mambo ava vakarohwa panhamo. Nyaya iyi iri kuferefetw­a,” vanodaro. vasayambuk­e nzizi dzinenge dzakazara.

Munguva dzemangwan­ani, nekufamba kwenguva kunotarisi­rwa kunge kuine mhepo yakasimba uye manheru kuchatonho­ra. — Met Department.

 ??  ??
 ??  ?? Mambo Chivero
Mambo Chivero
 ??  ??
 ??  ??
 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe