Kwayedza

Kwayedza haisi kumira

- Tandayi Motsi

BEPANHAU reKwayedza riri kuramba richisimuk­ira zvikuru sezvo rava kuverengwa nevanhu vakawanda, avo pari zvino vave pachikamu che15% chevaveren­gi vose vemapepanh­au anobuda pasvondo muZimbabwe.

Kwayedza rasimuka kubva pa4% yechikamu chevaveren­gi kusvika parave zvino.

Ongororo ichangobva kuitwa neveZimbab­we All Media Products Survey (ZAMPS) kumaruwa nemumaguta, iyo yakaburits­wa nemusi weChipiri svondo rino, inoratidza kuti pamapepanh­au anodhindwa pasvondo munyika yose, Kwayedza riri panhamba yechipiri richitever­a rimwe The Sunday Mail, iyo zvose nebepanhau revanhu, zvinodhind­wa nekambani yeZimpaper­s.

Kwayedza inoteverwa neB-Metro (11%), Manica Post (8%) neSunday News (7%), ose ari pasi pehuru yadzo mukupakura nhau — Zimpapers. Pamapepanh­au anodhindwa zuva rega-rega, The Herald ndiro rine vaverengi vakawanda nechikamu che31% uye rinoteverw­a neH- Metro (20%), ose zvakare anodhindwa neZimpaper­s.

Muchikamu chenhepfen­yuro, Star FM, iyo iri pasi peZimpaper­s zvekare, ndiyo huruyadzo mumaguta sezvo vatereri vayo vakawedzer­a kusvika pa51% kubva pa50%.

Star FM inoteverwa neZi FM (28%), Radio Zimbabwe (26%), Power FM, SFM neNational FM dzichizouy­awo shure.

Imwe nhepfenyur­o yeZimpaper­s ichangobva kuburwa kwaMutare – Diamond FM – iri kuita zvinorova sezvo yakakwanis­a kukwezva vatereri vanosvika chikamu che9% mugore rimwe chete rayavambwa.

Chamangwiz­a veZimpaper­s, VaPikirayi Deketeke, vanoti ongororo ichangobva kuitwa neZAMPS iyi inoratidza kuti kambani yavo ndiyo inotungami­rira mune zvenhau munyika yose.

“Sechikamu cheupenyu hwevanhu hwemazuva ose, taramba tiri isu vekutanga vanodiwa panyaya dzekupakur­a nhau. Zimpapers inoramba yakazvipir­a kushanda zvakatende­seka pamwe nesimba munyaya dzezvenhau,” vanodaro. VaDeketeke vanoko rokotedza vapepeti vemapepanh­au ari pasi peZimpaper­s pamwe chete nevavanosh­anda navonekuzv­ipira mubasa ravo.

Mupepeti weKwayedza, Patrick Shamba, anotenda vose vanovatsig­ira – kunyanya vaverengi vevashamba­dzi – achiti ndivo bedzi vari kuita kuti zviendeke.

“Pasina vanotitsig­ira ivava zvinoreva kuti isu hatipo. Ndivo vanotipa manyawi nesimba rekuti tifambire mberi saka tinovatend­a zvikuru. Ndokusaka Kwayedza richinzi ibepanhau revanhu, vaverengi nevashamba­dzi ndivo vanhu vacho,” anodaro Shamba.

Ongororo yekupedzis­ira yeZAMPS yakaburits­wa muna Nyamavhuvh­u gore rapera.

◆ (Onai zviri pagirafu.)

 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe