Ndiwe wakandizora: Murume Iwe ukati unondida: Mukadzi
MURUME wekuEpworth, muHarare, ari kupomera mudzimai wake kuti akamutapurira utachiona hweHIV achiziva izvo zviri kuita kuti afunge kuda kuzviuraya nekuda kweshungu.
Nelson Tugwi (36) anoti ari kurwadziwa zvikuru nezvakaitwa nemudzimai wake, Lucia Ngaru (38), uyo waanoti haana kumubudira pachena kuti ane utachiona hweHIV pavakadanana uye vave nemakore manomwe vachigara vose.
Zvisinei, Ngaru ari kuramba mhosva yaari kupomerwa naTugwi achiti ari kumunyepera uye pavakadanana vakaenda kunoongororwa ropa vose kunyangwe zvazvo vakambenge vapinda pabonde kamwe chete vasina kudzivirira.
“Ndakatorana naamai ava (Ngaru) muna 2009 tichigara kuEpworth, havana kubvira vandiudza kuti vane chirwere cheshuramatongo. Ndaishamisika nekuti ndaiti ndikati handeyi kunoongororwa ropa sevamwe, amai ava vairamba uye vaitotsvaga nzira dzekuti tisaende. Ndakazozvibata mushure mekunge ndaramba ndichingoshingirira,” anodaro Tugwi.
Anoti pavakanoongororwa ropa kekutanga kuNew Start Centre, iye akawanikwa ari HIV negative apo Ngaru aive HIV positive. Asi pavakazodzokera kechipiri vose vakange vave neutachiona uhu.
“Nyaya iyoyi pandakaibata takaenda kuna amai vake ndichinomhan’ara kuti ndizvo zvandaive ndaitwa nemwana wavo. Asi amai vacho vakatoratidza kusazvifarira vakati ndisaite kuti vehama dzavo vasazive nezvenyaya iyi.”
Tugwi anoti kubvira paakaziva kuti mudzimai wake ane utachiona hweHIV, haana rugare sezvo ari kugara achirohwa naNgaru achibatsirana nehama dzake vachiti anofanira kubva pamba pake.
“Chiri kunyanya kundirwadza ndechekuti kubva pandakaziva nyaya iyi, handisisina rugare pano pamba pangu. Mukadzi uyu anogarondirova nehama dzake achiti ini ndinofanira kubva pamba pangu. Pamba ndepangu, ndini ndakatenga imba iyoyo saka anoda kuti ndibve sei?
“Ndava kugara ndichitya nekuti mukadzi uyu ave kuita tsika yekugara nembiya dzekumasowe muwadhiropu inenge yakakwidibirwa yakanyorwa zita rangu mukati.
“Ndakambopwanya dzimwe nhatu asi ndinongowana dzadzoserwa. Zvakare anoti ndikasabva pamba apa anoda kundifuremera nyaya kuti ndigosungwa nemapurisa,” anodaro Tugwi.
Uyuwo Ngaru anoti murume wake anonyepa sezvo ari iye anotogara achimurova.
“Murume uyu anonyepa, hongu takatorana mugore ra2009 kuMbare tisati taenda kunogara kuEpworth. Musi waakauya kuzorara kumba kwedu kuMbare mangwana acho takafuma tichienda kunoongororwa ropa paNew Start yemuMbare.
“Ini ndakawanikwa ndiine chirwere iye akawanikwa asina, asi akati hazvina basa tinongogara tese nekuti ndakanga ndatora mwoyo wake,” anodaro Ngaru.
Anoenderera mberi achiti, “Iyi ndiyo inonzi ndomene haichemedze nekuti akanditora achizviziva. Hongu, musi wekutanga ndakarara naye asingazvizive asi mangwana acho akange ava kuziva chokwadi. Zvekumurova kana kumudzinga pamba handizvizive asi kuti iye ndiye anogara achindirova zvinozoita kuti hama dzangu dzipindire.”
Anoti kana Tugwi achida kuti abve pamba pake iye haapokane nazvo.
“Kana achida kuti ndibve pamba pake handina dambudziko nazvo, ndinonogara ndega zvangu nekuti ndagara ndinozvishandira. Asi ini ndini ndinenge ndarwadziswa nekuti kugara kwese uku ndini ndinotenga chikafu pamba iye mari yake handioni kuti inoendepi,” anodaro.
Ngaru anotsinhira kuti ichokwadi kuti ane mbiya dzaanogara nadzo dzekuchengetedza wanano yake.
“Kana zviri zvembiya ichokwadi, kuti ndinogara nembiya asi kwete kuti ndeye kumuuraya. Ndakaipihwa nemuporofita ndichida kuchengetedza imba yangu mushure mekuona kuti kupopotedzana kwacho kwanyanya,” anodaro Ngaru.
Zvakadai, mutauriri wesangano reNational Aids Council, Mai Tadiwa Nyatanga-Pfupa vanoti zvakakosha kuti vanhu vatange kuongororwa ropa vose vasati vapinda munyaya dzepabonde.
“Zvakakosha kuti veruzhinji kana vafunga kuroorana kana kushinha vese vatange vaongororwa ropa kwete kuzoenda kunoongororwa ivo vava kugara vese kana kuti vashereketa vese,” vanodaro Mai Nyatanga-Pfupa.
Pasi pemutemo weSection 79 (1) of the Criminal Codification and Reform Act, imhosva kuti munhu atapurire mumwe utachiona hweHIV achiziva.