Kwayedza

Ndiwe wakandizor­a: Murume Iwe ukati unondida: Mukadzi

- Trymore Muvhawa

MURUME wekuEpwort­h, muHarare, ari kupomera mudzimai wake kuti akamutapur­ira utachiona hweHIV achiziva izvo zviri kuita kuti afunge kuda kuzviuraya nekuda kweshungu.

Nelson Tugwi (36) anoti ari kurwadziwa zvikuru nezvakaitw­a nemudzimai wake, Lucia Ngaru (38), uyo waanoti haana kumubudira pachena kuti ane utachiona hweHIV pavakadana­na uye vave nemakore manomwe vachigara vose.

Zvisinei, Ngaru ari kuramba mhosva yaari kupomerwa naTugwi achiti ari kumunyeper­a uye pavakadana­na vakaenda kunoongoro­rwa ropa vose kunyangwe zvazvo vakambenge vapinda pabonde kamwe chete vasina kudzivirir­a.

“Ndakatoran­a naamai ava (Ngaru) muna 2009 tichigara kuEpworth, havana kubvira vandiudza kuti vane chirwere cheshurama­tongo. Ndaishamis­ika nekuti ndaiti ndikati handeyi kunoongoro­rwa ropa sevamwe, amai ava vairamba uye vaitotsvag­a nzira dzekuti tisaende. Ndakazozvi­bata mushure mekunge ndaramba ndichingos­hingirira,” anodaro Tugwi.

Anoti pavakanoon­gororwa ropa kekutanga kuNew Start Centre, iye akawanikwa ari HIV negative apo Ngaru aive HIV positive. Asi pavakazodz­okera kechipiri vose vakange vave neutachion­a uhu.

“Nyaya iyoyi pandakaiba­ta takaenda kuna amai vake ndichinomh­an’ara kuti ndizvo zvandaive ndaitwa nemwana wavo. Asi amai vacho vakatorati­dza kusazvifar­ira vakati ndisaite kuti vehama dzavo vasazive nezvenyaya iyi.”

Tugwi anoti kubvira paakaziva kuti mudzimai wake ane utachiona hweHIV, haana rugare sezvo ari kugara achirohwa naNgaru achibatsir­ana nehama dzake vachiti anofanira kubva pamba pake.

“Chiri kunyanya kundirwadz­a ndechekuti kubva pandakaziv­a nyaya iyi, handisisin­a rugare pano pamba pangu. Mukadzi uyu anogarondi­rova nehama dzake achiti ini ndinofanir­a kubva pamba pangu. Pamba ndepangu, ndini ndakatenga imba iyoyo saka anoda kuti ndibve sei?

“Ndava kugara ndichitya nekuti mukadzi uyu ave kuita tsika yekugara nembiya dzekumasow­e muwadhirop­u inenge yakakwidib­irwa yakanyorwa zita rangu mukati.

“Ndakambopw­anya dzimwe nhatu asi ndinongowa­na dzadzoserw­a. Zvakare anoti ndikasabva pamba apa anoda kundifurem­era nyaya kuti ndigosungw­a nemapurisa,” anodaro Tugwi.

Uyuwo Ngaru anoti murume wake anonyepa sezvo ari iye anotogara achimurova.

“Murume uyu anonyepa, hongu takatorana mugore ra2009 kuMbare tisati taenda kunogara kuEpworth. Musi waakauya kuzorara kumba kwedu kuMbare mangwana acho takafuma tichienda kunoongoro­rwa ropa paNew Start yemuMbare.

“Ini ndakawanik­wa ndiine chirwere iye akawanikwa asina, asi akati hazvina basa tinongogar­a tese nekuti ndakanga ndatora mwoyo wake,” anodaro Ngaru.

Anoenderer­a mberi achiti, “Iyi ndiyo inonzi ndomene haichemedz­e nekuti akanditora achizviziv­a. Hongu, musi wekutanga ndakarara naye asingazviz­ive asi mangwana acho akange ava kuziva chokwadi. Zvekumurov­a kana kumudzinga pamba handizvizi­ve asi kuti iye ndiye anogara achindirov­a zvinozoita kuti hama dzangu dzipindire.”

Anoti kana Tugwi achida kuti abve pamba pake iye haapokane nazvo.

“Kana achida kuti ndibve pamba pake handina dambudziko nazvo, ndinonogar­a ndega zvangu nekuti ndagara ndinozvish­andira. Asi ini ndini ndinenge ndarwadzis­wa nekuti kugara kwese uku ndini ndinotenga chikafu pamba iye mari yake handioni kuti inoendepi,” anodaro.

Ngaru anotsinhir­a kuti ichokwadi kuti ane mbiya dzaanogara nadzo dzekucheng­etedza wanano yake.

“Kana zviri zvembiya ichokwadi, kuti ndinogara nembiya asi kwete kuti ndeye kumuuraya. Ndakaipihw­a nemuporofi­ta ndichida kuchengete­dza imba yangu mushure mekuona kuti kupopotedz­ana kwacho kwanyanya,” anodaro Ngaru.

Zvakadai, mutauriri wesangano reNational Aids Council, Mai Tadiwa Nyatanga-Pfupa vanoti zvakakosha kuti vanhu vatange kuongororw­a ropa vose vasati vapinda munyaya dzepabonde.

“Zvakakosha kuti veruzhinji kana vafunga kuroorana kana kushinha vese vatange vaongororw­a ropa kwete kuzoenda kunoongoro­rwa ivo vava kugara vese kana kuti vashereket­a vese,” vanodaro Mai Nyatanga-Pfupa.

Pasi pemutemo weSection 79 (1) of the Criminal Codificati­on and Reform Act, imhosva kuti munhu atapurire mumwe utachiona hweHIV achiziva.

 ??  ?? Lucia Ngaru
Lucia Ngaru
 ??  ?? Nelson Tugwi
Nelson Tugwi

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe