Kwayedza

Ndapona: Mukadzi wekudya chevakuru

- Kingstone Mapupu

MUKADZI wekwaChikw­aka, kuGoromonz­i – uyo akaita mashura apo anonzi akaedza kudya mwana wake kasvava kaainge achangobva kusununguk­a, asi ndokuzoped­zera nhomba yake pakudya chevakuru chake nekunanzva ropa rose raaive abuda pakuzvara – akazobuda muchipatar­a umo akange aenda mushure mechiitiko ichi.

Adelaide Kapesi ( 36) wemubhuku raNgazimbi, kwaSadunhu Musonza, nguva yadarika akapihwa mubhedha muchipatar­a chePariren­yatwa Group of Hospitals, muHarare, umo airapwa mushure mekusunung­uka mwana waanonzi akapotsa adya ndokutozod­ziviswa nevaivapo.

Kwayedza haina kukwanisa kuziva kuti mudzimai uyu airwara nei apo aive muchipatar­a naambuya vake – Mbuya Euvon Kapesi (70) – vanove amai vababa vake.

Nemusi weChitatu svondo rino, Adelaide akatsinhir­a kuti akaburitsw­a muchipatar­a.

“Ndakabuda muchipatar­a, izvozvi ndiri kumusha kwedu kwaGororo, kuno kwaRusike. Mwana ari ‘right’, ini ndini ndinozongo­da kutariswa chete nanachirem­ba ndichidzok­era kumusha,” anodaro.

Anoenderer­a mberi achiti: “Ndakaenda kumusha kuti vakuru vamboona kuti dambudziko rinotaurwa iri, rekuti ndaida kudya mwana nekuzodya chevakuru changu nekunanzva ropa randaiva ndaburitsa pakusunung­uka, zvakabva kupi,” anodaro Adelaide.

Adelaide mudzimai waFanuel Purazi (36) uye mwana wavo ndewe kutanga.

Mudzimai uyu akasunungu­tswa naMbuya Julai Manyanyi (63) pamwe chete naMai Colleta Nyoni (63) avo vakaona mashura aya apo akadya chevakuru chake pamwe nekunanzva ropa raaive abuda pakusunung­uka.

Fanuel nehanzvadz­i yake – Docus Purazi (41) – vanoti vakamirira kuti mudzimai uyu abatsirwe ozodzoka zvake mumusha mavo.

“Hongu, muroora wangu akaenda kumusha kwake uko ari kubatsirwa pachivanhu. Takangomir­ira kuti aite zvakanaka ozodzoka mumusha,” akadaro Docus.

Mashoko ake akatsigirw­a naFanuel.

Sadunhu Musonza, VaKufandad­a Musonza, vanoti nyaya iyi haisati yauya mudare ravo sezvo nguva yadarika vakanga vavimbisa kuti vaizoda kushevedza sabhuku wemusha waNgazimbi nevekumhur­i yakaroorwa Adelaide kuti vanzwe mafambiro akaita nyaya iyi.

“Havasati vauya kudare vanhu ava. Tine zvatiri kugadziris­a uyewo tinoda kuti mudzimai uyu atange aita zvakanaka sezvo achinzi akazorwara mushure mekudya ropa nechevakur­u chake,” vanodaro Sadunhu Musonza.

 ??  ?? Adelaide Kapesi apo aive achiri muchipatar­a
Adelaide Kapesi apo aive achiri muchipatar­a

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe