Kwayedza

VAMWENE IMI MURI PFAMBI: MUROORA

‘Makaita vana nevarume vakasiyana’

- Trymore Muvhawa

VAMWENE vakadunura mudare redzimhosv­a vachiti vari kuoneswa pfumvu nemuroora wavo achivati ipfambi yemakoko uye anogara achivatuki­rira nekuda kuvatema nedemo.

Rebbeca Mato akamhan’arira muroora wake, Emilda James, kuHarare Civil Court achiti ari kumushaisa rugare.

Mato akaudza dare kuti: “Ndaoneswa pfumvu nemukadzi wemwana wangu uyu. Mufunge kuti anonditi ndiri pfambi nekuti ndakaita vana nevarume vakasiyana pamwe nekundituk­a zvimwe zvakawanda zvandising­akwanise kutaura muno mudare.

“Pamusoro pezvo, haadi kuti ndisvike pamba pangu, asi iye nemurume wake vachigara pamba pangu. Musi wandakasvi­kako akandibati­ra demo kuda kunditema.”

James akataurira dare kuti vamwene vake vanonyepa uye ndivo honzeri sezvo vachipindi­ra munyaya dzake nemurume wake vachiti iye muroyi.

“Zvataurwa naamai manyepo uye zvimwe zvezvavari kutaura zvakaitika zuva rimwe chete bedzi, kwete kuti ndinogara ndichizvii­ta. Musi wavari kutaura, ndakanetsa­na nemurume wangu ndokubva afonera amai ivava natete vakauya vari moto chaiwo kuda kundirwisa. Saka ini ndakatora demo senzira yekuzvidzi­virira,” anodaro James.

Akaenderer­a mberi achiti, “Handina kubvira ndakavati muri pfambi asi ndakatovap­a semuenzani­so kuti chinonzi pfambi ndiwo muitiro wavakaita ivo, wekuti vakasiya vatezvara vangu vari mumba vakaita mwana nemumwe murume ivo baba vasati vafa.

“Nyaya yandinoona yanyanya kunetsa pana amai ndeyekuti handina mwana nemwana wavo kubva achinditor­a 2005.

‘‘Asi kune murume wandakasiy­ana naye ndine vana saka ivo havasi kufara nekushaya muzukuru chete, kwete zvavari kureva,” akadaro James.

Mutongi Yeukai Dzuda akapa Mato gwaro rerunyarar­o.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe