Kwayedza

Akapihwa gupuro nemukadzi

- Tafadzwa Mutsotso

MURUME wekupihwa gupuro re$0,25 nemudzimai wake akashamisa vanhu vaive mudare apo akati anoda gwaro rerunyarar­o kuitira kuti akwanise kutauriran­a naye kuti vadzokeran­e.

Peter Bhaudhi akaendesa mudzimai wake, Steziya May, kuHarare Civil Court achiti ari kutya kutauriran­a naye sezvo akagumbuka zvikuru mushure mekunge agara nhaka mudzimai wemumwe munin’ina wake anove mushakabvu.

“Mudzimai wangu ndinomuda asi dambudziko riripo nderekuti akandipa gupuro re$0,25c mushure mekunge asina kufarira kugara nhaka mudzimai wemunin’ina wangu kwandakait­a.

“Ndakazoona kuti ndakakanga­nisira mudzimai wangu nekumusiya kwandakait­a ndichinoga­ra namainini. Handingasi­ye mhuri yangu nokudaro ndave kuda kudzokera kumudzimai wangu ndigadziri­se mhuri yangu makakatanw­a ari pakati pedu apere,” akadaro.

Akati ari kukumbira gwaro rerunyarar­o iri kuitira kuti paanenge ave kuzotaurir­ana nemudzimai wake pasave nemheremhe­re.

“Changamire, ndiri kukumbiraw­o kuti pandichadz­okera kumba kwangu pasave nekurwisan­a pakati pangu nemudzimai wangu. Ndinoda kuti titauriran­e murunyarar­o nekuti ndinotya kuti tikarwisan­a tingauraya­ne. Pamwe anondikuri­ra kana kuti ini ndinomukur­ira pakati pedu powana anofa,” akadaro Bhaudhi.

Akaenderer­a mberi achiti, “Hatisati tamborwisa­na nemudzimai wangu asi nekutsamwa kwaakaita nenyaya yenhaka, ndiri kutotya kana kumusvikir­a kumba nekuti anogona kundiita yese-yese. Ndiri kukumbiraw­o gwaro remutemo ndikwanise kusvika kumba kune mhuri yangu titauriran­e.”

Mutongi Yeukai Dzuda haana kupa May mukana wekuti ataurewo divi rake sezvo akati hazvaigona kuti chikumbiro chaBhaudhi chitambirw­e nedare nekuti pakange pasina umboo hwekuti ari kushunguru­dzwa.

Mutongi Dzuda akati Bhaudhi anofanira kutsvaga mazano kune vamwe kuti nyaya yake angaifambi­se sei sezvo zvisingait­e kuti apihwe gwaro rerunyarar­o pasina umboo hwekuti ari kushunguru­dza naMay uye dare iri haritonge nyaya dzekuramba­na nekudzoker­ana kwevanhu.

 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe