Kwayedza

Mbuya vekuroya nenyoka vakafa

- Kingstone Mapupu

CHEMBERE yekuZhombe, iyo yakubuda pachena ichiti inoroya zvemandiri­ri uye kuti haichada mabasa erima aya mushure mekunge yatyorwa gumbo apo zvikwata zvevaroyi zvairwira nyama yekamwana, yakashaika neMugovera wakadarika mushure mekurwara kwenguva pfupi.

Mbuya Diana Chibhago Manjengwa (87) vemubhuku raMakota, kwaMambo Gwesela, nguva yadarika vakabuda muKwayedza vachiti ivo nechikwata chavo chevaroyi vakadya nyama dzevanhu vanosvika 20 avo vavakaroya.

Chembere iyi yakati zvakare yakatyorwa gumbo apo vairwira nyama yekamwana nechimwewo chikwata chevaroyi.

Mwanasikan­a waMbuya Manjengwa, Kurai Manjengwa (40), anotsinhir­a kuti amai vake vakafa svondo rapera ndokuvigwa musi weChipiri svondo rino.

“Amai vakashaika mushure mekurwara kwenguva pfupi tikavaviga kuno kuZhombe pamba pavo. Hapana chakaipa chakaonekw­a panhamo pavo zvisinei kuti vamwe vanhu vemusha vakaramwa kuuya panhamo iyi.

“Pakangouya vanhu vashoma uye tinofungir­a kuti izvi zvakakonze­rwa nekuda kwemabasa aibatwa naamai vangu, hamheno,” anodaroro Kurai. Mambo Gwesela nemumiriri wavo, VaPetros Mancitshan­a, vose vanonzi havana kukwanisa kuenda kurufu rwambuya ava. Mbuya Manjengwa nguva yadarika vakabatirw­a mukweshwa wenyoka pamba pavo nechikwata cheZinatha icho chaisangan­isiria muporofita nen’anga.

Vakati nyoka iyi vaiishandi­sa nevamwe vavo mukuroya.

Zvakadai, VaMancitsh­ana pavakataur­wa navo neKwayedza panhare vanoti Mbuya Manjengwa vakareurur­a mabasa avo akaipa kuratidza kuti vakange vasisade zvekuroya.“Nhoroondo yambuya ava chidzidzo kuruzhinji, kuti tisazowana vanhu vanobata-bata zvakare panyaya dzehuroyi. Tinoti vakafamba zvakanaka mushure mekurasa zvakaipa zvavo,” vanodaro VaMancitsh­ana.

 ??  ?? Mbuya Manjengwa
Mbuya Manjengwa

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe