Kwayedza

Zvanzi Jesu ari kuBudaz

-

asi kunomukomb­eredza kuti atibate, atirape, atibvise minyama, atipe tsanangung­udzo nekutishan­dira.

Kana tiri vaye vane mari tinenge tave kutsvaga kuti tinomutora nemazimota edu kuti tiende naye kumizinda yedu kuti atitengese­re kamedu kedenga.

Asi ko kana Jesu akaramba kukunamati­rai, kana kutaura nemi, kana kukuporofi­tai nekukupai tsananguro munotsamwa mukaputika here? Ko kana Jesu akakuudzai kuti dzokerai kudzimba dzenyu munovereng­a maBhaibher­i enyu nekurarama musingatad­ze, mungafare here kuti makaona Jesu?

Kana Jesu akati dzokerai kudzimba dzenyu nekuti handisi kuzokupai chingwa nehove, kana kusvinudza vana Bhatimiyo vari pakati penyu, maidzokera here?

Maienda muchitaura nyaya dzei pamusoro pake? Hamusi maidzokera muchipopot­a pamwe chete nekumushor­opodza zvekunyats­omunhonger­era here muchiti haana tsitsi, haana rudo?

Dai Jesu aizongosar­udza munhu mumwe chete ari kurwara zvekuda kufa, obva ati, “Ndichanama­tira baba avo chete nekuti ndivo vari kunyatsorw­ara,” taizogutsi­kana nazvo here? Kumurega Jesu achidarika nepakati pedu achienda kunoona baba vari kurwara ivavo kuti avaporese?

Ko chii chaizvo chatiri kumbotsvag­a mumachechi umu? Tiri kudei chaizvo kubva kuna Jesu? Ko kana shoko richiti vose vakamugamu­chira akavapa simba rekunzi vana vaMwari, sei tisiri kufara nekugutsik­ana kuti tingonzi vana vaMwari? Sei tiri kuda kuti tione minana nezviratid­zo?

Kurwarira minana nezviratid­zo hakusi kunamata zvifananid­zo here? Eheka, nekuti kwauri hukama naMwari hakusi kuziva nekuzivika­nwa naJesu, kwauri hukama naMwari kuitirwa zvinhu. Kuwaniswa mari, basa, murume, mukadzi, kubvisirwa minyama, kuporeswa pahurwere, kuudzwa mazita evanhu vari kukuroya kana kuti uchapuromo­twa kubasa!

Sei tisiri kufara saPeter mushure mekuona kubwinya kwaJesu pagomo zvekuti kwaari, zvimwe zvese zvakanga zvisisina basa. Akanga agutsikana nekungoona hukuru hwaMwari akati zviri nani tichingova­ka matumba tigarire zvedu pano pataona kubwinya.

Peter paakaona kubwinya kwaJesu pagomo, haana chinhu chinobatik­a nekuiswa muhomwe chaakawana. Akangofara, akagutsika­na nekuona kubwinya chete chete.

Ko iwe uri kutsvagei kuna Jesu? Kana akakuratid­za kubwinya kwake unofara zvekubata denga here saPeter, kana kuti unenge uchida kubva pana Jesu uine mapepabheg­i akazara nezvinhu?

Mumwe murume akanga achembera aigara mutemberi achimirira kuzvarwa kwaJesu, nekuti akanga audzwa naMwari kuti haaizofa asati aona Muzodziwa waShe. Murume uyu ainzi Simeoni.

Joseph naMaria pavakazoen­da nemwana kutemberi setsika yevaJudha, Simeoni akataura mashoko anonyadzis­a vatendi vazhinji venguva yedu ino. Simeoni akati mwana Jesu aunzwa mutemberi, akamubata akaita munamato wekuti:

“Zvino Tenzi, muranda wenyu ngaachiend­a (ngaachifa) zvake nerugare sezvamakar­eva; nekuti meso angu aona ruponeso rwenyu . . .”

Simeoni akabata kana kuti akatakura Jesu mumaoko ake. Simeoni akatakura Mwari mumaoko ake. Kubata Mwari mumaoko ako, asi iwe uri chinhu chakatogad­zirwawo nekacheche kawakabata!

Vazhinji vedu tikabata mari tinopenga, asi Simeoni akabata Mwari mumaoko akasaita benzi. Vamwe vedu tikabata doro tinoita setawana hupenyu. Simeoni akabata Jesu mumaoko akagutsika­na kuti akanga aona zvinhu zvinochiit­a kuti achifa zvake murugare.

Uchenjere kuti ucharamba uchitsvaga Jesu, asi iye ari mauri. Asi ukaramba uchitsvaga Jesu iye ari mauri, zvinoreva kuti uri poto inodzima moto uri kubika zviri mairi.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe