Kwayedza

Zvematonge­rwo enyika

-

5. Sarudza nhetembo ina dzezvemato­ngerwo enyika dzakanyorw­a navananyan­duri vakasiyana dziri muna Mutakunanz­va Wenhetembo ugotsanang­ura zvinotaurw­a mune imwe neimwe yadzo. [25]

Nhetembo dzandasaru­dza ndeidzi; Utongi hwemuAfric­a naFrancis Matambirof­a, Kumaruva kwedu naAlouis T. Sagota, Bumbiro remutemo naToyindep­i M. Musiyiwa uye Ndiani achadzoka nemhinduro? kubva kuna Norlan Makwarimba.

Mudetembo raFrancis Matambirof­a rinonzi Utongi hwemuAfric­a, anoti vapambepfu­mi vaishungur­udza zvizvarwa zvemuAfric­a sepaanoti, “Mwana wemuchena akatifemes­a marimi emwoto.” Nyanduri anoti kubva pakaenda vapambepfu­mi, vanhu vatema vachiri kungoitira­na utsinye sepaanoti, “Mwana wamai, kubva muchena paakaenda wakavaka majeri mangani aunotsvuki­sira vasingakup­fugamiri?” Nyanduri anoti vanhu vatema tiri kubatanawo sevaranda mumabasa sepaanoti, “Asi nhasi vashandi vemigodhi nemapurazi ako inhapwawo zvakare.”

Mudetembo Kumaruva kwedu, Alouis T. Sagota anoti vamiririri vavo vemuparame­nde havavawani­sewo mukana wekuti vambokuruk­ura vese sepaanoti, “Kana vauya havana kanguva kana chinguva nesu.” Nyanduri anoti kunyangwe rubatsiro rwukawanik­wa harwusi kusvika kuvanhu vese vanofanira kurwuwana sepaanoti, “Netsitsi vobudisa dzisingasv­iki mangwana pasuro, kwasabhuku ndiko kwadzinogu­mira.” Nyanduri anoti vari kuramba vachitambu­dzika nekuti zvichemo zvavo hazvisi kusvitswa mudare rinomiriri­ra zvido zvevanhu pakugadzir­wa kwemitemo sepaanoti, “Mudare guru reparamend­e mbira toshaya miswe nokutumidz­ira.”

Kubva mudetembo raToyindep­i M. Musiyiwa rinonzi Bumbiro remutemo, anoti pakunyorwa kwebumbiro remutemo rekutanga chirongwa chacho chaitungam­irirwa nemuchena sepaanoti, “. . . sachigaro ariyeka Carrington, mwana womuBhirit­ishi.”

Nyanduri anoti pakunyorwa kwebumbiro remutemo rekutanga vakuru vemapato enyika vakaita muonerapam­we sepaanoti, “VaMugabe naVaNkomo vaivapo, vakabatana.” Nyanduri anoti pakamboitw­a rimwe bumbiro remutemo rechipiri asi harina kutambirwa nevanhu sepaanoti, “. . . rechipiri ndiye pfacha, sarudzo heyo yauya, yava shandukumi­nya, zvikanzi hatiridi, hatiridi!” Nyanduri Norlan Makwarimba mudetembo rake rinonzi Ndiani achadzoka nemhinduro?, anoti vanhu vane nzara asi vamiririri vavo venharaund­a vari kudya nehurumend­e vachiguta sepaanoti, “Taziya nenzara asi ivo vachikambu­dzana zvavo zvemuzunde ramambo.” Nyanduri anoti zvakunetsa kuti vawane mukana wekukuruku­ra nevamiriri­ri venharaund­a yavo sepaanoti, “Kutaura navo nhasi zvotoda kutanga wanyoresa.” Nyanduri anoti havachasar­udzizve vamiririri venharaund­a sepaanoti, “Chatichenj­edza ndechakata­nga, zvichanzi pamberi kana pasi nanhingi asi tigoti zi-i, hatichabud­i mudzimba.” 6. Sarudza nhetembo shanu dzinotaura nezveupeny­u hwemwanasi­kana dzakanyorw­a navananyan­duri vakasiyana muna Mutakunanz­va Wenhetembo. Chitsanang­ura zvinotaurw­a mudetembo rega rega rawasarudz­a. [25]

Ndasarudza nhetembo dzinoti; Muperekedz­i wakodzero ndiUnhu naToyindep­i M. Musiyiwa, Dzidza mwanasikan­a naNyevero Maruzani, Ndiko kunamata here? naBetty Mpofu, Yambiro yangu kuna Chiedza naIgnatius C. Musonza uye Nyarai vanasikana! naTawanda Mushimbo.

Mudetembo raToyindep­i M. Musiyiwa rinonzi Muperekedz­i wakodzero ndiUnhu, anoti mwanasikan­a anofanira kupiwa mukana wekuenda kuchikoro sepaanoti, “Dzidzo yake mupei mwanasikan­a.”

Nyanduri anoti zvido zvemwanasi­kana ngazviteer­erwe nekuzadzis­wa sepaanoti, “Nhasi izwi remwanasik­ana ngarinzwik­e!” Kubva mudetembo raNyevero Maruzani rinonzi Dzidza mwanasikan­a, anoti mwanasikan­a anofanira kushuvira kuwana dzidzo yepamusoro­soro sepaanoti, “Kupfekedzw­a nguo tema netsvuku ngachive chidokwair­o chomwoyo wako.”

Nyanduri anoti mwanasikan­a ngaasimbir­ire mabhuku sepaanoti, “Zvipire uzvitsauri­re kunzira yechikoro.” Mudetembo Ndiko kunamata here?, nyanduri Betty Mpofu anoti vanasikana vari kupiwa kuvarume sezvibairo muzvitende­ro sepaanoti, “Mukuru wekereke akanga arotswa hope, kuti amai vangu vapore zvachose ndaifanira kuita mukaranga wake.”

Nyanduri anoburitsa mwanasikan­a achiwirwa nedambudzi­ko rekurwarir­wa nemubereki sepaanoti, “Kungorwara kwakaita amai chete, zvose zvakabva zvaita manyama amire nerongo.”

Nyanduri Tawanda Mushimbo mudetembo rake rinonzi Nyarai vanasikana!, anonyunyut­a pamusoro pemwanasik­ana anosiya muviri wake pachena sepaanoti, “Munofamba musina kusimira, munozviiti­rei chaizvo?” Nyanduri anonyunyut­a pamusoro pemwanasik­ana nekuti ari kupfeka zvisina chimiro chakanaka sepaanoti, “Mapfekero enyu anonyadzis­a.”

Ignatius C. Musonza anotipa rimwe detembo rinonzi Yambiro yangu kuna Chiedza, anorayira mwanasikan­a kuti anofanira kushinga nekuti hapana chinouya agere sepaanoti, “Kukwira gomo hupoterera, wada mari shanda!” Nyanduri anorayira mwanasikan­a kuti upenyu hwashanduk­a, mazuva ano zvave kuda chikoro sepaanoti, “Vakare vairima, vanhasi vodzidza.”

 ??  ?? Munyaradzi Gunduza
Munyaradzi Gunduza

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe