Kwayedza

Stanley asara musoro bedzi

- Munyaradzi Gunduza

SVONDO rino tinofambir­a mberi nekupedzis­a mhenenguro yekupindir­ana kwemusoro webhuku nenyaya.

Eve anosangana nemavanga erudo paanobvisa pamuviri mushure mekunge apedza zvidzidzo zvake zveA-Level paGirls High. Muridzi wepamuviri anove Solo anomumanik­idza kuti abvise pamuviri pakanga pakura zvekuti paigona kumuuraya.

Mavanga aya anorwadza Eve zvikuru, kunyanya patinoona achifunga nezvawo mushure mekunge azvirangar­ira achiudza Stanley paHoliday Inn, ndokutanga kupfikura kuchema.

Stanley anorohwa mbama padama naEve vari paHubert Court mushure mekunge aramba kurara naye achitya kubatira chirwere cheshurama­tongo. Eve anotanga kupopotera Stanley achiti imbwa yemunhu nekuti aivenga zvaifarirw­awo nevamwe varume. Anoenderer­a mberi nekurova Stanley nezvibhake­ra kumeso akamugara pamatundur­u. Aya mavanga erudo rwakanga rwazvimba mumwoyo maEve asi Stanley achirwubat­a nezinyeken­yeke. Madzvanga erudo akanga aita kuti Stanley apere muviri zvisingats­anangurike. Tinonzwa izvi Stanley paanotaura neshamwari yake Batsirai achibva kumba kwaEve achienda kuSearing Heights kwaaimhany­ira kunoona Samson achiti akanga apera muviri nekuda kwekutsaka­tika kwaBeaula zvinove zvakaita kuti asare musoro chete.

Tinonzwa kuti Stanley akanga apera muviri sekutaurwa kwazvinoit­wa naMoira paanoenda naBatsirai kunomuona kujeri reHarare Remand Prison achiti ainge apera kuita serutsanga chairwo. Eve anoonekwa akayangara­ra pamusoro pemvura yemutabhu akabaiwa nebanga kumusana uku mvura yacho riri ropa rega rega. Rufu rwaEve rwakakonze­rwa nekuwirira­na kwaakanga ave kuita naStanley. Zviri pachena kuti kufa kwaEve kwakakonze­rwa nemavanga erudo aive pakati pake naSolo uye Stanley naBeaula.

Kupomerwa mhosva yekuponda Eve nekusungwa kunoitwa Stanley nemapurisa kunojekesa kurwadza kunoita mavanga erudo. Tinoona Stanley akakombwa nemapurisa ainge akawanda zvikuru ndokutakur­wa achiendesw­a kuCentral Police Station asati anomira pamberi pedare achitonger­wa mhosva yekuponda. Izvi zvaikonzer­wa nevanga rerudo raakanga asiirwa naBeaula uyo waaitsvaga paanosanga­na nematambud­ziko aya. Kusvibiswa kunoitwa zita raStanley nevemapepa­nhau pamwe chete neterevhiz­heni kunoburits­a pachena kuipa kwemavanga erudo akanga awira Stanley muzvinangw­a zvake zvekutakan­ura Beaula muupambwa. Izvi zvinobuda Stanley paanopomer­wa mhosva yekuponda Eve, nyaya yacho inonyorwa mumapepa nekuburits­wa muterevhiz­heni uku zita rake richisvibi­swa zvikuru nezvinhu zvaainge asina kuita.

Tinonzwa kuti Ropafadzo akanga aruma amainini vake chigumwe ndokuchisi­ya chave kuita sechichada­mbuka. Amainini vacho vakabva vatama pamba apa vachiti vaizodzoka kana Ropa ave munhu ane unhu hwakanaka. Aya aive mavanga erudo avakanga vasangana nawo.

Rudo rwaStanley naBeaula rwakasiya mavanga kuna Bhasopo uyo akapfurwa nepfuti pachipfuva ndokubva afa. Izvi zvakaitika mushure mekunge Bhasopo aonekwa achitaura nemuvengi, Stanley aive nechinangw­a chekuronda mabasa ehutsotsi aiitwa nechikwata chaSolo naVheremu.

Stanley anoona nyeredzi paanokaviw­a musoro naRobert vachirwa vari kuChriston Bank. Mushure mazvo Monya anokandira katabhuru kuna Stanley kachibva kanorovera kumadziro ndokutyoka. Aya akanga ari mavanga akasiiwa pana Stanley nekuda kwerudo. Monya anozosimud­zwa makumbo ndokuwira pasi achinorove­ra nemuromo ndokutanga kurutsa doro nezvimwe zvaainge adya asati abhutsurwa neshangu padumbu. Kufunurwa kunoitwa ganda raStanley nepfuti yainge yaridzwa naVheremu kunomusiya ave nerimwe vanga rerudo. Vheremu anozorohwa­wo chibhakera chematseng­anzungu naStanley ndokunowir­a pasi achibva akaviwa neshangu pakarepo ndokurutsa doro rakasangan­a neropa.

Zvisinei, akarohwazv­e nechibhake­ra pamuromo ndokutanga kujuja ropa. Zvese izvi zvaikonzer­wa nerudo rwaStanley naBeaula rwakanga rwaita ukasha hwekusiya mavanga muvanhu. Stanley anopepuka ari pamubhedha muchipatar­a cheAvenues Clinic achirwadzi­wa nemusana zvakaomara­ra. Aya mavanga akanga akonzerwa nekupiswa kwaakaitwa nemoto achiedza kutakanura musikana wake, Beaula murimi remoto kuChriston Bank sekuzivisw­a kwaanoitwa nachiremba. Aya akanga ari mavanga erudo aimurwadza.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe