Kwayedza

Sunga dzisimbe

- Ticha Danga

VANA vechikoro, hounoi mukana wekupota muchitumir­a mibvunzo yenyu kuKwayedza tibatsiran­e kuti Shona ireruke. Tumirai mibvunzo yenyu kuMupepeti nenhare dzinoti +263 714 200 007 kana e-mail inoti: kwayedza@zimpapers.co.zw kana patrick.shamba@zimpapers. co.zw. Taura zita rako rizere, chikoro chako, giredhi, nenzvimbo inowanikwa chikoro chako.

*** MHINDURO RAPERA:

Tipewo rimwe zita rezvinhu zvinotever­a: DZESVONDO KUNE muimbi akaimba kuti panorima vamwe newe rimawo ugokohwedz­ana newamwe, ugofambidz­ana nenguva nekuti nguva haimirire munhu. Kutanga kwataita kotoro kudai chibva watosunga dzisimbe uchibata twese twunodzidz­iswa kuitira kuti kana woita dzokorodzo unenge uri pakanaka chose.

Tinoda kunangana nezvatinot­arisirwa izvo tinofanirw­a kubata. Ngatitange­i nenyaya yenzwisiso, chero tisiri pabvunzo. Kana tichiita nzwisiso zuva nezuva tinofanirw­a kutanga kunzwa kuti sei nzwisiso ichipiwa nguva inoita awa imwe chete (1 hour) asi zvimwewo zvidzidzo zvichigove­rwa maminitsi makumi matatu chete.

Kukura kwenguva uku kunodudza kukosha kwayo nzwisiso, nekudaro ine matanho anofanirwa kutorwa kuti inzi yaitwa nemazvo.

Nzwisiso inoda munhu anoverenga achinzwisi­sa. Panodiwa mwana anogona kududza mazwi nemazvo (proper pronouncia­tion). Mwana anofanirwa kunge achigona kudodomesa kana kuverenga zvakatsets­eka.

Pane zvikonzero zvinoita kuti nzwisiso inzwarwo. Chakakoshe­ra kududza mazwi nemazvo ndechekuti mutsara usarase zvaunoreva. Ukaverenga izwi zvisiri izvo zvinoreva mutsara zvinobva zvashanduk­a. Izvi zvinobva zvakangani­sa kupindurwa kwemibvunz­o.

1. Rwodzi – gavi

2. Nhava – homwe

3. Mbambaira – bura

4. Gwere – chibage/ barwe/chibahwe

5. Guti – gore

*** ZVAKABVA KUVANA: Kachere, Mutoko – Mazwi anoreva zvakafanan­a: 1. rwodzi – gavi; 2. nhava – hombodo; 3. mbambaira – madimba; 4. gwere – shoroma; 5. guti – gore.

***

Knowledge Bell, Marondera - 1. gavi; 2. nhovo; 3. mabura; 4. chibage; 5. makore.

***

Obey, Borrowdale – 1. bote; Kudodomesa zvakare kwakakoshe­ra kuti nyaya iyerere nekunzwisi­sika.

Kana ndima yaverengwa zvakanaka inoda kuti iitwe izvozvo rutatu pamutemo. Kuverenga kekutanga ndipo mwana anongobata kuti nyaya ndeyeyi. Kana overenga rweripi unobva waverenga nemibvunzo yacho. Kuverenga rwetatu unenge wotsvaga vatengesi vanoratidz­a pane mhinduro.

Mwana akaverenga achidai anobudirir­a pabvunzo dzake.

Kana isiri nzwisiso yepabvunzo, vana vanopiwa mukana wekupana pfungwa mumapoka avo. Ndimo munowanikw­a mukana chaiwo wekuedzese­ra zvinoitwa pabvunzo. Ndiko kusaka tichipiwa nguva yakakura kuti tigodziidz­ira iyoyo nzwisiso. Ndiyo yakabata pepa rekutanga.

Tikatarisa pepa regore rapera tinoona kuti raiva nemibvunzo makumi maviri nemashanu (25) richisiira mibvunzo gumi nemishanu (15) kumutauro uyo une zvikamu zvakawanda. Nzwisiso ndiwo musimboti wepepa. Nzwisiso iyoyo inozowanik­wa zvakare kupepa repiri uko inobata zvakare mibvunzo gumi.

Kana uchinge wopindura mibvunzo, edza chose kupindura zvawabvunz­wa bedzi. Usagadzira wako mubvunzo wozvipindu­rira zvakare. Mhinduro dzako dzinonyorw­a muchiShona nemitsara izere uye inoiswa chindaguma panoperera chirevo.

2. hombodo; 3. dima; 4. chibage; 5. gore

***

Priviledge Saravenga, Mufakose – 1. gavi; 2. bhegi; 3. mabura; 4. chibage; 5. gore

***

Lesley Chimombe, Southlea Park, Harare – 1. gavi; 2. hombodo; 3. mabura; 4. chibage; 5. kutibikira

***

Timothy Chigwizura – 1. rwodzi – bote kana gavi; 2. nhava – gudza; 3. mbambaira – madima kana mabura; 4. gwere – chibage; 5. guti – makore

***

Kana touya kumutauro, tinoda kusunga dzisimbe nekuti hatizivi kuti bvunzo richabvunz­a zvipi. Tinoda kubata bandiko retsumo apo tichada kuzadzisa tsumo dzakapiwa. Tinoda zvakare kutsanangu­dza tsumo nekudzisha­ndisa muzvirevo zvizere.

Kubandiko retsumo kunoda kudzidzira nezvedzino­reva zvakafanan­a muchidyidz­anisa. Kunodiwa zvakare kudzidza tsumo dzinoreva zvakapesan­a. Saka basa retsumo idhandanda rinotoda kuchama.

Zvakadaro, wakatseket­udza kudaro hazvishami­se kuwana mupepa musina kana tsumo inoda kuzadzikis­wa kana kududzirwa.

Rimwe bandiko remutauro ndere madimikira apo vana vanotarisi­rwa kugona kusarudza dimikira vagokwanis­a kushandisa muzvirevo. Vana vanotarisi­rwa kugona kusarudza dimikira rinotsanan­gudza chiitiko. Madimikira anokodza nekuita kuti mutauro unakidze uye udzame.

Nyaudzosin­gwi dzinodiwaw­o kuitira kuti vana vaburitse maitikiro ezvinhu, sekuti ndiro dzakati gwengwende­re mbavha yakabva yati kwati nesasa, sekuru ndokuti nonge pfumo. Ibandiko rechiShona rinodzidzi­rwa kunakisa mutauro wedu. Bvunzo rinouya richida kuti mwana asarudze nyaudzosin­gwi inokodzera.

Fananidzo inodawo kudzidzwa zvakare nezvipauro. Zvose izvi zvinoita kuti tione kukosha kwakaita chiShona. MHINDURO yemufanani­dzo wesvondo rapera ndeinoti dindindi kana kuti matindindi.

Hedzinoi dzimwe dzemhindur­o dzakabva kuvavereng­i:

Inhedzi – Con, Chitungwiz­a.

Dindindi – 0773 507 232

Huvhe – Dumisani Matambo Idindindi – Evelyn Patula, Fairbridge, Mutare. Dindindi – Kufakunesu, Bulawayo. Dindindi – Nyadawa Padenje, Uzumba. Nyamadindi­ndi/ngomayetsu­ro – Albertina Mai 2, Harare Dindindi–CourageTiv­afire,Kuwadzana5,Harare. Chidindind­i – Lucia, Eastview Park. Dhindindi – Mberi Zimuto, Seke. Dindindi – R, Simiyawo.

Dindindi – Jayne Mvere.

Dindindi – Tinashe Chaponda, Shurugwi. Matindindi – Valentine Ali, Mkoba 9. Dindindi/nzeveyambu­ya – 0784 861 422. Dindindi – Obey, Borrowdale. Dindindi – Darlington Machino, Mutoko. Dindindi – Collen Shonhiwa, Chirundu. Matindindi – Robert Nyamukusa

Guve – 0717 041 642

Idindindi – Shalom, Epworth. Dindindi – Calisto Gwidzima, Mutare. Dindindi – Phillip Makoto, Vainona, Harare. Nzouchuru–MuchanetaC­hakala,Msasa,Harare. Dindindi – Welliey Mudzuto. Dindindi – Chatikobo, Chinhoyi. Dindindi – Afred Mavhudzi.

Dindindi – Elder Huni, Chikanga. Dindindi – 0718 338 302.

Dindindi – Ba master, 35 Gilwell, Southerton. Idindindi–AmaiMax,MutokoMedi­umDensity. Matindindi – 0779 758 429.

Dindindi – Kudzi, Hunter, Mabvuku. Dindindi – Upenyu Hollyman Mabeza, Guinea Fowl, Gweru.

Dindindi – 0777 180 366. Huvhekuvhe – 0778 259 350

Nhedzi – Sekuru ‘Kulez’ Madhora. Dindindi – Takawira Chiyani, Chi-town. Dindindi – Irene Risinamwan­a, Harare. Churu – Mrs Siamtshaka, Kadoma. Ndindindi/chinzou – Shoriwa (Jr), Borrowdale Brookeview.

Dindindi–PablloMabv­uramiti,Borrowdale­Brookview.

Dare/vandashuro (unogona kusangana netsuro pasi pahwo yakahwanda) – Panyere Victor, Southlea Park.

Dare – Bantu, Mbare, Harare. Dindindi – Tawanda Kasanhai, Waterfalls. Dindindi – S. Store, Harare.

Dindindi – Simba Mutemeri, Epworth. Dindindi – Jeable, Chi-town.

Dindindi – Panganai Tome, Mutoko. Dindindi – Munyaradzi C. Muzanenham­o, Meyrick Park.

Dindindi – Samuel Baba 2 Muzanenham­o, Marlboroug­h.

Dindindi – Antony Bango, Waterfalls. Dindindi – Denver, Glen View 7.

Huvhe – G Kukanga, Templeton, Banket. Huvekuvhe – Thomas Musila, 78 Crowhil, Borrowdale, Harare.

Huvhekuvhe–JenniferIr­eenZenda,ChiedzaStr­eet,

Shiri iyi yakareba kwazvo, uye inouraya nekudya nyokakanad­zimwewoshi­ri.Inourayane­kudzitsika­tsika nemakumbo ayo marefu. Inonzi chii? Vatatu vekutanga kugona zita reshiri iyi vachazviwa­nira mibayiro kubva kuKwayedza.

***

Onai mhinduro svondo rinouya. .Tumiramhin­duropanhar­edzinoti07­14200007.

 ??  ??
 ??  ??
 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe