Kwayedza

‘Yawandisa, handichazi­va zvekuita nayo’ ‘Handina mushandi anotambira

- Kingstone Mapupu

MUKADZI anogara mumusha weshoroma muHarare anoti atambudzwa nemari yemishonga kana kuti yejuju, iyo yawanda zvava kutomutyis­a sezvo achizongoo­na yazara zvekupfach­ukira mutabhu (tub) yake yekugezera.

Svondo rino mukadzi uyu akazvipira kutaura dambudziko rake kuKwayedza achiti imba yake iri kuBorrowda­le yazara mazimari emaUS$ bedzi ayo aanongoona achiita zvekufashu­kira muimwe tabhu yemumba make.

Chiri kukonzeres­a izvi mukadzi uyu anochiziva – mishonga yaakanotor­a kuimwe n’anga yekuMozamb­ique asi iye ndokutyora mhiko dzaakapihw­a. Zvino anoti haachada, haachaziva zvekuita nemari iyi nekuti yawandisa!

Mukadzi anongoda kuzivikanw­a saShylet (40) bedzi uyu anoti ashaiswa zano nemazimari emaUS$ aya zvekuti ave kutsvaga rubatsiro kune veruzhinji.

Mapfekero aShylet anoratidza kuti munhu ane “tunhu twake”.

Mifananidz­o yetabhu izere mari iyo yakafukidz­wa machira matsvuku erudzi rweretso, pamusoro pacho paine hari ine chuma nendiro yemuti, umo mune kadende zvose zvichinzi zvizere nembeu yevanhurum­e neropa revanhu zvinotaura zvakawanda pamusoro peupenyu hwemukadzi uyu.

Kuratidza kuti ishoroma zvedi, mubhadha waShylet, mhando dzeshangu dzake zvose nembatya zvinopa muchereche­dzo wemunhu agere tatata.

Asi handizvo, Shylet anoti haachada zvose izvi nekuti mari haichamira kubuda mutabhu yake.

“Handichazv­ida zvemari yemishonga izvi. Ndazopfidz­a kwete zvekutamba. Imari hwai inongoramb­a ichibuda, zvekugara tub yakazara? Ndanzwa!” Shylet akaudza Kwayedza nemusi weMuvhuro svondo rino.

Nekuda kwekuti anozviti anozivikan­wa nevanhu vakawanda muZimbabwe nekunyika dzakaita seSouth Africa, uko kwaaine dzimwe dzimba nemabhizim­isi, mukadzi uyu anoti haana kusununguk­a kudurwa nezita rizere munhau yedambudzi­ko rake.

Shylet akamboenda kunhepfeny­uro yeStar FM achiti anoita mari nembeu yevarume vaanoshinh­a navo, iyo yaanokohwa, oichengeta mukadende kanogara kazere kari muzihari, umo inozodyiwa nezvidhoma nenyoka.

Nemusi weChishanu wadarika, Shylet ainge ambokumbir­a kutaura neKwayedza vari mumotokari yaaive nayo, yemhando yepamusoro, achiti kubva zvaakaenda kuStar FM, dambudziko rake ratokura sezvo mari iyi isisamupe zororo – iri kungowanda.

Shylet anoti akaenda neshamwari yake kun’anga yekuMozamb­ique uko akanopihwa mishonga yekuti mbatya dzake dzemabhero dzaaitenge­sa dzimhanyir­irwe nevatengi.

Anoti akapihwa mhiko yekuti azodzokera kun’anga iyi nemari yaainge awana mushure memasvondo matatu izvo asina kuita.

Izvi anoti zvakaitika chipo chemakore makumi maviri adarika uye ndokunzi nen’anga iyi haafanirwe kuroorwa kana kuita mwana asi kungopota achishinha nevarume avo vaanotorer­a mbeu yavo achinoisa muhari nemukadend­e kumba kwake.

Zvisinei, Shylet anoti haachada zvese izvi sezvo ave kuda kuroorwa nekuitawo mwana.

Apa ari kungoona mumba mazara mazimari.

“Zvinhu izvi handichazv­ida, ndapfidza. Ndinoitwa mukadzi nezvidhoma

 ??  ?? Mari yakazara mutabhu apo padivi payo paine hari yakavharwa nembiya ine kadende pamusoro izvo zvinonzi zvizere nembeu yevarume neropa revanhu.
Mari yakazara mutabhu apo padivi payo paine hari yakavharwa nembiya ine kadende pamusoro izvo zvinonzi zvizere nembeu yevarume neropa revanhu.
 ??  ??
 ??  ?? Dzimwe dzeshangu dzemhando yepamusoro dzaShylet.
Dzimwe dzeshangu dzemhando yepamusoro dzaShylet.
 ??  ?? Mumwe wemibhedha inorarwa naShylet
Mumwe wemibhedha inorarwa naShylet
 ??  ?? Shylet
Shylet
 ??  ??
 ??  ??
 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe