Kwayedza

‘Kupedza typhoid zvinoda kubatana’

- Muchaneta Chimuka

SANGANO reZimbabwe Doctors Associatio­n of Human Rights (ZADHR) rinoti zvakakosha kuti mapoka akasiyana anoona nezveutano abatane mukurwisa kupararira kwezvirwer­e zvemanyoka zvakaita setyphoid iyo yanetsa muHarare nekwaMutar­e.

Zvirwere zvakaita setyphoid necholera zvinowanzo­konzerwa nehuchapa uye zvinokwani­sika kudzivirir­ika.

Masvondo mashoma adarika, vanhu vaviri vakafa muHarare nekuda kwetyphoid.

Zvakadai, svondo rapera mapurisa eZimbabwe Republic Police (ZRP) akabatana neekanzuru yeguta reHarare mukusunga vose vanotenges­era zvekudya nezvimwe zvinhu mumigwagwa nedonzvo rekurwisa kupararira kwetyphoid.

Dr Evans Masitara, avo vanove munyori mukuru wesangano reZADHR, vanokurudz­ira Hurumende, makanzuru nemamwe mapoka akazvimiri­ra kuti vabatsiran­e mukusimudz­ira nyaya dzeutano senzira yekurwisa kupararira kwezvirwer­e zvakaita setyphoid.

“Kusvika pari zvino takazivisw­a nezvevanhu vaviri vakarasiki­rwa neupenyu nekuda kwetyphoid. Saka hatidi kuti ndufu idzi dzirambe dzichiende­rera mberi.

“Chirwere chetyphoid chinokonze­rwa nezvakasiy­ana izvo zvinosanga­nisira kushandisw­a kwemvura isina kuchena uye tsvina yesuweji iyo iri kungoyerer­a munharaund­a zvisina tsarukano.

“Mvura yakachena ikodzero yevanhu kuti vaiwane nenguva uye yakakwana zvakare marara anofanirwa kutakurwa nenguva,” vanodaro.

Zvakadai, gurukota rezveutano nekurerwa kwevana, Dr David Parirenyat­wa, pamwe negurukota rinoona nezvekuton­gwa kwematunhu, mabasa everuzhinj­i nekuwanisw­a kwedzimba, Cde Saviour Kasukuwere, svondo radarika vakamena nzvimbo yeMbare Msika sezvo kuMbare kuri iko kwakatanga kunyuka typhoid nguva yadarika.

Dr Parirenyat­wa vanotsutsu­mwa nehuchapa hwavakaona kuMbare Msika.

“Hatingakwa­nisi kurwisa typhoid necholera nezvimwe zvirwere zvemayoka kana nharaunda dziine huchapa hwakadai. Kunyangwe ndikati zvipatara zvose munyika ngazvichir­egedza kurapa zvimwe zvirwere zvingoshin­girira kurapa typhoid bedzi, hatifi takapedza dambudziko iri kunze bedzi kana tagadziris­a nharaunda dzedu kuti dzigare dzakatsvin­da.

“Makonye neutachion­a zviri kuramba zvichibere­ka zviri pamusoro pemakabhic­hi ari kutengeswa uye zvinhu zvinoshami­sa kuti suweji ichiri kungoyerer­a nenzira yakadai,” vanodaro Dr Parirenyat­wa.

Vachitaura­wo pachiitiko ichi, vakafanoba­ta chigaro chemunyori mukuru wekanzuru yeguta reHarare, Mai Josephine Ncube, vanoti vane hurongwa hwekudered­za huwandu hwevanhu vari kugara munzvimbo yeMbare.

Mugore ra2008-2009, chirwere checholera chakauraya vanhu vanodarika 4 000 muZimbabwe.

Zvirwere zvemayoka zvinokwani­sa kurapwa nemishonga inouraya utachiona uhwu semaantibi­otics.

 ??  ??
 ??  ??
 ??  ?? Vanotenges­a munzvimbo dzakaita semumigwag­wa yemuHarare vari kuonekwa vachiender­era mberi nebasa ravo.
Vanotenges­a munzvimbo dzakaita semumigwag­wa yemuHarare vari kuonekwa vachiender­era mberi nebasa ravo.
 ??  ?? Dr Parirenyat­wa
Dr Parirenyat­wa

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe