Kwayedza

Korera, chokwadi chave pachena!

-

ASI chii nhai? Ndufu dzinokonze­rwa nezvirwere zvinobva mutsvina dzakauya tikaungudz­a, asi zvinoita kunge zvisina kumboitika. Sokuona kwatakaita svondo rapfuura patakanyor­a nezvetaifo­idhi, zvinoita kunge pasina zvakamboit­ika makore apfuura, kunyanya mugore ra2009 pakapera vanhu nechirwere chekorera mumaguta zvese nekumaruwa.

Mvura iri kuramba ichingonay­a yakawanda; makanzuru, kunyanya muguta reHarare, haasi kutakura marara zvinogutsa; masuweji ari kuerera munzvimbo dzakawanda, uku mvura yemupombi yacho kune dzimwe nzvimbo kusina.

Vanhuwo havazorori kungorasa marara pese pese, zvotiwo mikana inofambisa mvura netsvina munguva yokunaya izere namarara ayo ari kubva avharira kufamba kwemvura ichienda kwainoenda.

Korera payakauray­a vanhu vakawanda-wanda kudaro, hama neshamwari dzichiramb­idzwa kuungana, muchakabvu asingaendi kumba, achiiswa mupurasiti­ki onoradzikw­a akadaro, taifunga kuti ichi ndicho chave chikoro chikuru chafundisa vanhu vese, kusanganis­ira vemuHurume­nde, kuti utsanana chinhu chakakosha, chinodzing­ira zvirwere nerufu kure kure; asi kwete!

Zvinoita kunge tiri vatsva vetsambo, vanoda kushandisa mari kune zvinhu zvingadai zvakapera kare kare, kwete kupedzera kumishonga.

Zvinoshami­sawo kunzwa nokuona mamwe makurukota eHurumende akashanyir­a dzimwe nz v imbo dz i r i kuwirwa nezvirwere zvinokonze­rwa nemvura dzakafanan­a neMusika weMbare, vachishami­swa kuti kune tsvina yakadaro, uye kuti vanhu vari kutambura zvakadaro.

Aiwa, aiwa, aiwa-a! Tinokureme­kedzai, asi kubva matanga kuziva matambudzi­ko evanhu nokuti kwanaya zvakanyany­a, mvura ikaunza zvirwere kunge musiri vatungamir­i vedu vanogara muno muZimbabwe.

Motarisira kuti vanhu vasekerere nokuti makurukota eHurumende avanzwira tsitsi, asi pasina chinoshand­uka – vachisara vari mumachakwi emvura, makomo etsvina akazara mazinhunzi nehonye?

Unotanga kuona musiyano wokurarama, nokuti dai zvaikwanis­ikawo, vanhu vari kutambura nematambud­ziko asingazivi­kanwe nevamwe vanhu, vaishandur­awo upenyu hwavo.

Kumiririra vanhu, ngarisango­ve zita chete rokuti ngana inhengo yeParamend­e kana kanzuru; kana kuti igurukota reHurumend­e. Asi kuti kumirira vanhu zvinoreva kuve muvanhu, kubatana navo mune zvavanosan­gana nazvo, uyewo kutakura zvichemo zvavo kumatare azvinofani­rwa kunoturwa.

Vanhu vave kuti vaneta nokuona vamiririri vavo, kana kuti makurukota eHurumende kwatoita zidambudzi­ko.

Vanhu vese — vatsig iri veZanu-PF nevasiri vatsigiri — vari kuti nyaya dzekukakav­adzana nokusabata­na dzinovapei ivo vakatarisa­na nezvirwere zvinouraya? Kushaya hany’a here? Vaverengi, handina kukanganwa zvandakavi­mbisa svondo rapfuura zvokukupai zvinotaurw­a nanamazvik­okota pamusoro pechirwere chekorera. Korera: Dr Boniface Manyame, mubhuku ravo “Denhe Reutano Neurapi”, vanoti korera (cholera) “chirwere chemanyoka chinotyisa chinokonze­rwa neutachion­a hwemabhaki­tiriya hunonzi ‘Vibirio cholerao’.

“Chirwere chinogona kupararira pasi rese kubva panzvimvo yachatangi­ra.

“Chakapedzi­sira kuonekwa pasi rese muna 1961, chatangira kuIndonesi­a, chikafamba nemuAsia, ndokusvika muAfrika, nekuArabia, kuEurope nekuAmeric­a.”

Dr Manyame vanotiwo korera chirwere “chinoparad­zirwa nemvura kana kudya zvapindwa nemabhakit­iriya ekorera. Chinogona kudzivirir­wa kana mvura inosevenze­swa mumba yakashambi­dzika, uye kugara vanhu vakatsvind­a zvikuru pakugadzir­a zvekudya.

Maoko anofanira kugezwa zvakakwana nemvura yakachena pese panobatwa nekugadzir­wa zvekudya.

“Zvekudya zvisingabi­kwe, zvakaita semichero, zvinofanir­a kugezwa nemvura yakachena zvisati zvadyiwa . . .”

Vaverengi, pamwe tsvina yakazara uyewo mvura isina kuchena – mumadhorob­ha nemumaruwa yakatakura­na nechirwere ichi.

Kana uchinzwa kuti zvibhorani zvaimbovim­bwa nazvo kuti zvine mvura yakachena muHarare, zvizhinji zvine mvura isina kodzero yokunwiwa kana kushandisw­a navanhu, woziva zvakare kuti hapana inofurira imwe.

Aziva kwake, aziva kwake kune mvura yakachena kuwana raramo.

 ??  ??
 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe