Kwayedza

Mari yejuju yazara mutabhu

-

iyo ine tabhu inoita mari, dzimwe dzimba dzose hadzigare vanhu. Varume vandinoshi­nha navo vakandipa mari ndinoisang­anisa neinobuda mutabhu,” anodaro Shylet akapfeka nguwani yezuva nemagogoro­si.

Kubva paakabuda panhepfeny­uro achiti ane mari yakawanda, anoti kune vanhu vane chitsama vari kumuridzir­a nhare vachida kuziva zita rizere, kwavangamu­wane uye nekunowani­kwa n’anga yakamupa mishonga yekupfuma iyi.

“Ndine vanhu vakawanda vari kundiridzi­ra nhare vachida kuziva kune n’anga yakandipa mushonga uyu. Asi ndiri kuramba kuvaudza nekuti zvinozovat­ambudza mangwana.

“Ndine vamwe vanhu zvakare vane mbiri vandinopa mari iyi pachena. Imari chaiyo kwete zvemasaram­usi zvinofungw­a nevamwe asi handizive kwainobva ini.

“Handitenge zvinhu zvevanhu nemari iyi, zvandakate­nga zvakakwana ndichazota­urirwa nezvikwamb­o izvi kuti chitenga zvimwe,” anodaro.

Shylet anoti vashandi vake vanogara kudzimba kwavo voga, kumabhoisi­kai.

Kune dzimwe dzimba dziri muHarare nekuSouth Africa kwakangoza­ra midziyo uye kunogara vashandi chete pasina vanhu vanoraramo. Anoti anoenda achinoona nekurara kudzimba idzi nguva nenguva.

Mukadzi uyu anoti pavarume vaanoshinh­a navo vose, hapana anokwanisa kuona mamiriro akaita mumba make sezvo pasina anosvika kutabhu inozara mari.

“Ndikabuda kunze kwegedhi ndichityai­ra motokari yangu, murume wese wandinotar­isana naye, kunyangwe achifamba netsoka kana ari mumota, anotondida chete nekuda kwemishong­a yandakatem­erwa nyora. Vamwe ndinovakwi­dza mota yangu ndoenda navo kumba kwangu, chandinoda imbeu yake.”

Shylet – uyo akaita hurukuro ino neKwayedza pedyo neimwe hotera huru iri muguta reHarare – akaramba kuti vatori venhau vanoona dzimwe dzedzimba nemabhizim­isi ake achiti, “Munozoones­esa”.

Shylet haana kuda kubuda pachena kuti sezvo mari iyi iri kuwanda ichizara tabhu, chii chiri kunyanya kumunetsa nekuti fungidziro ndeyekuti anotofanir­wa kunge achifara kuti zvinhu zvake zviri kumufambir­a.

“Muchiri kuda zvekuti titaure tese here kana kuti hamuchada? Ndauya ndoga, zvino zvamave kubvunza izvi zvabva kupi? Ndinoda kubatsirwa hongu, kwete zvekuti muongorore pamba pangu. Izvozvi zvakwana,” anodaro Shylet achiratidz­a kusafara nezvainge zvodiwa nemutori wenhau uno. Mukadzi uyu anoti ane shangu dzinodarik­a mapeya 300, mbatya dzakawandi­sa, midziyo isingavere­ngeke, motokari nezvimwe zvinhu zvaanoteng­a kunze kwenyika.

Kana hama dzake dzikamubva­kachira, haadi kuti dzirare pamba pake.

“Ndinoti kuvanhu vanoda mari vari kundinetsa, veduwe handipe mari vanhu vose-vose. Ndine vangu vane zvatinoiti­rana zvine mhiko neni,” anodaro.

Kune vanoda kubatsira Shylet vanomubata panhamba dzinoti 0773 188 290.

 ??  ??
 ??  ?? Shylet
Shylet

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe