Mari yejuju yazara mutabhu
iyo ine tabhu inoita mari, dzimwe dzimba dzose hadzigare vanhu. Varume vandinoshinha navo vakandipa mari ndinoisanganisa neinobuda mutabhu,” anodaro Shylet akapfeka nguwani yezuva nemagogorosi.
Kubva paakabuda panhepfenyuro achiti ane mari yakawanda, anoti kune vanhu vane chitsama vari kumuridzira nhare vachida kuziva zita rizere, kwavangamuwane uye nekunowanikwa n’anga yakamupa mishonga yekupfuma iyi.
“Ndine vanhu vakawanda vari kundiridzira nhare vachida kuziva kune n’anga yakandipa mushonga uyu. Asi ndiri kuramba kuvaudza nekuti zvinozovatambudza mangwana.
“Ndine vamwe vanhu zvakare vane mbiri vandinopa mari iyi pachena. Imari chaiyo kwete zvemasaramusi zvinofungwa nevamwe asi handizive kwainobva ini.
“Handitenge zvinhu zvevanhu nemari iyi, zvandakatenga zvakakwana ndichazotaurirwa nezvikwambo izvi kuti chitenga zvimwe,” anodaro.
Shylet anoti vashandi vake vanogara kudzimba kwavo voga, kumabhoisikai.
Kune dzimwe dzimba dziri muHarare nekuSouth Africa kwakangozara midziyo uye kunogara vashandi chete pasina vanhu vanoraramo. Anoti anoenda achinoona nekurara kudzimba idzi nguva nenguva.
Mukadzi uyu anoti pavarume vaanoshinha navo vose, hapana anokwanisa kuona mamiriro akaita mumba make sezvo pasina anosvika kutabhu inozara mari.
“Ndikabuda kunze kwegedhi ndichityaira motokari yangu, murume wese wandinotarisana naye, kunyangwe achifamba netsoka kana ari mumota, anotondida chete nekuda kwemishonga yandakatemerwa nyora. Vamwe ndinovakwidza mota yangu ndoenda navo kumba kwangu, chandinoda imbeu yake.”
Shylet – uyo akaita hurukuro ino neKwayedza pedyo neimwe hotera huru iri muguta reHarare – akaramba kuti vatori venhau vanoona dzimwe dzedzimba nemabhizimisi ake achiti, “Munozoonesesa”.
Shylet haana kuda kubuda pachena kuti sezvo mari iyi iri kuwanda ichizara tabhu, chii chiri kunyanya kumunetsa nekuti fungidziro ndeyekuti anotofanirwa kunge achifara kuti zvinhu zvake zviri kumufambira.
“Muchiri kuda zvekuti titaure tese here kana kuti hamuchada? Ndauya ndoga, zvino zvamave kubvunza izvi zvabva kupi? Ndinoda kubatsirwa hongu, kwete zvekuti muongorore pamba pangu. Izvozvi zvakwana,” anodaro Shylet achiratidza kusafara nezvainge zvodiwa nemutori wenhau uno. Mukadzi uyu anoti ane shangu dzinodarika mapeya 300, mbatya dzakawandisa, midziyo isingaverengeke, motokari nezvimwe zvinhu zvaanotenga kunze kwenyika.
Kana hama dzake dzikamubvakachira, haadi kuti dzirare pamba pake.
“Ndinoti kuvanhu vanoda mari vari kundinetsa, veduwe handipe mari vanhu vose-vose. Ndine vangu vane zvatinoitirana zvine mhiko neni,” anodaro.
Kune vanoda kubatsira Shylet vanomubata panhamba dzinoti 0773 188 290.