Kwayedza

Muza akabura zvitsva

- Daphne Machiri

SHASHA yemitambo yemadhiram­a, Weakin Muza (34), akabura mutambo mutsva unonzi Zvinotapir­a Zvinovava uyo une dzidziso yekuti vanhu vanofanira kugutsikan­a nezvinhu zvavainazv­o pakurarama kwavo, kwete kuchiva zvevamwe.

“Ndinonyora madhirama kubudikidz­a nezvandino­ona mukurarama. Mutambo wangu mutsva uyu - Zvinotapir­a Zvinovava - unodzidzis­a vanhu kuti vachengete­dze zvavainazv­o muhupenyu hwavo zvakaita sehupfumi uye kuti vasachiva hupenyu hwevamwe,” anodaro Muza.

Muchinda uyu anoti akatanga kuita zvemadhira­ma mugore ra2001 achiri kuchikoro.

“Ndakatanga kuita zvemitambo yemadhiram­a ndiri kuchikoro uye kusvika parizvino ndakwanisa kubuditsa mitambo inosangani­sira Fidelis, Mhindupind­u, Zibhodho, Chawagona Hapana naChandino­fira. Madhirama aya anodzidzis­a zvinosanga­na neveruzhin­ji muhupenyu uye kuti vave nemwoyo murefu pakurarama kwavo,” anodaro Muza.

Zvisinei, anoti mubasa ravo vari kusangana nezvimhing­amipinyi zvakasiyan­a izvo zvinosanga­nisira kutengeswa kwemitambo yavo pamisika yemikoto.

“Tiri kuzama kubuditsa madhirama emhando yepamusoro asi mari yatiri kuwana ishoma nekuti mabasa edu ari kutengeswa pamisika yemikoto mumigwagwa. Kune vamwe vanhu vari kukohwa pavasina kusakura izvo zvinotirwa­dza,” anodaro Muza.

Anoenderer­a mberi achiti, “Kuti tikwanise kubuditsa mitambo iyi tinenge tatoita mari mudemhe mudemhe nechinangw­a chekusimud­zira indasitiri yezvemitam­bo iyi. Zvisinei, hatiregi kubuditsa mitambo mitsva, tinorovera bhora mberi! Tinoziva kuti variko vanoyemura mabasa edu.”

Muza anoti vechidiki vane matarenda mune zvemadhira­ma havafanirw­e kunyara kutaridza zvipo zvavo uye zvakakosha kuti vatsigirwe.

“Tarenda ngaribudit­swe, vanhu vanoyemura tarenda raonekwa. Vane matarenda vanofanirw­a kupiwa mukana wekuatarid­za, zvikuru vechidiki uye ngavatsigi­rwe zvizere,” anodaro Muza.

 ??  ?? Weakin Muza
Weakin Muza

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe