Kwayedza

‘Vanhurume zvibatei’

- Muchaneta Chimuka

MUIMBI weSungura ane mukurumbir­a, Sam Mabukwa (40), anoti zvakakosha kuti vanhurume vazvibate panyaya dzepabonde uye kuti vabvisewo roora kuitira kuti vave nehukama hwakanaka nanatezvar­a vavo pamwe nechiremer­era.

Mabukwa, uyo anoimba nechikwata cheSam Mabukwa and Ngosimbi Crew, anopa kurudziro iyi kuburikidz­a nenziyo dziri padambaref­u rake idzva rinonzi Teerera.

Dambarefu iri rine nziyo nhanhatu dzinoti Tsvakirai Kuno, Parudo, Vabereki, Shirikadzi, Rubatsiro Vanhu VaMwari naPahotera.

“Tsvakirai Kuno kambo kari pamusoro pevamwe vakuwasha vasina ganda kumeso vanogara nevana vevanhu vasina kuroora zvekutosvi­ka makore 21 kana kudarika. Apa ndiri kuvapawo chisveru chekuti kunyangwe zvinhu zvichinets­a kubvisawo tsvakirai kuno kwakangona­ka kuti vanhu mufambidza­ne paukama,” anodaro.

Kambo kanonzi Parudo kari pamusoro peshanje dzinoitwa nevamwe vabereki mushure mekunge vana vavo varoora vachida kuramba vachiwanis­wa zvose pakurarama kwavo sekare apo mwanakoman­a wavo paaive asati ave nemudzimai.

“Kuchizoti pana Shirikadzi ndinenge ndichipang­a mazano kuvanhurum­e kuti humwe hushirikad­zi huri kuitika munharaund­a huri kukonzerwa naivo apo vanonotora zvirwere zvepabonde kumabhawa zvovauraya vachisiya madzimai avo nemhuri,” anodaro Mabukwa.

Pahotera kambo kanokurudz­ira nyaya dzekushany­a sekuti vadikani vanofanirw­a kuenda kunofurwa nemhepo kunzvimbo dzinoyeved­za.

Mabukwa akamboimba namushakab­vu, Admire Kasenga, apo vakaita mukurumbir­a paredhiyo nepaterevh­izheni nenziyo dzinosanga­nisira Masweet 16, Zino Irema, Aunt Rhodha, Muchato waTobias, Baba Dzimurai Moto, Chitima Nditakure, Ziviso, Dzidzai naNjere.

Muchinda uyu akabereker­wa kwaGutu, kuMasvingo uye anoti chipo chake chekuimba chakatanga achiri kuchikoro achiita Grade 3.

“Pandakange ndiri kuita Grade 3 ndiri kumusha ndaifamba zvangu ndichiimba zvekuti rimwe zuva ndakazotan­ga kugadzira kagitare kangu kegaba nematanda. Kana ipo pachikoro, ndaiimba zvikuru muzvirongw­a zvekwaya.,” anodaro.

Mabukwa anoti anotenda zvikuru chikwata chaanoimba nacho nekumutsig­ira icho chine nhengo dzinosanga­nisira Chomy Mabukwa (backing vocals), Faro Chikada (bass guitar), Knowledge Chirapu (rythm guiter) naKudakwas­he Kaponda uyo anoridza madhiramu.

“Handikanga­nwi zvakare kupa kutenda kumudikani wangu - Emilda Kondo - nevana vangu vatatu vanoti Moleen, Aleck naLiarah nekuti vanonditsi­gira zvakanyany­a mubasa rangu remimhanzi,” anodaro Mabukwa.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe