Kwayedza

Zvinogonek­a chete neSeed Co

- Simba Gotosa

ITARISIRO yedu sekambani yenyu yeSeed Co kuti pari zvino murimi wese akatodyara zvirimwa zvaanga akanangana nazvo mwaka uno uye kuti mava kungorwa nekuchenge­tedza mbesa dzenyu kubva kumasora uye makonye adai kunetsa aya.

Zvinhu zvakakosha kuti murimi azive masora anonetsa muminda make. Kana musingaazi­ve, pamunonote­nga mishonga, dzurai sora racho monoratidz­a vanamazvik­okota vemishonga yesora kubva kumakamban­i anozivikam­wa. Apa ndipo pamunozote­nga mishonga inopedza dambudziko renyu.

Mvura iri kuramba ichinaya zvinokonze­ra kuti kusakura kunetse nekuti munenge muchingody­ara sora muchiperer­wa nemari, dambudziko risingagad­zirike. Saka ndipo panobatsir­a mishonga iyi.

Varimi tinokukuru­dzirai kuti pamunoenda kumakamban­i aya, ibvai manovapa dambudziko renyu ivo vokupai mhinduro inokodzera kwete kusvika muchingoti munoda mushonga wakati. Ko kana usingapedz­e dambudziko renyu? Ngatirege kutenga mishonga yepasi pemiti nokuti tinogona kuzopisa mbesa dzedu.

Pazvikamu zvakapfuur­a takataura kuti mbeu dzedu dzeSeed Co dzinoshivi­rira muzvirwere, uye hadzipunzi­ke nhando muminda. Izvi zvava kutsigirwa navarimi vanofona pazvirongw­a zvatinotsi­gira pachivhiti­vhiti, cheTalking Farming neChipiri chega-chega uye cheFarmers Forum paStar FM zuva rimwero na8 manheru.

SeSeed Co, tine varimisi vanogara mumadhorob­ha makuru emumapurov­enzi edu avo vane basa guru rekutenges­a mbeu nekuramba vachishany­ira varimi vachivapa ruzivo runokodzer­a nguva yegayega.

Nguva ino sezvo mbeu dzedu dzeSeed Co dziri kuita zvakanaka, varimi vanokurudz­irwa kuramba vachitaura nenyanzvi dzedu idzi kuti vachizoron­ga vese makungano ekuonesana zvirimwa achazoitik­a munguva pfupi iri kuteera. Idonzvo revhiki rino kuti kana mishonga yesora yashandisw­a zvakanaka nemwero, makonye aurawa nembeu dzeSeed Co, zvinoita chete nekuti mvura iri kunaya zvakanaka chero zvavo vamwe vava kuti yava kuwandisa.

Muchikamu chino takaona zvakakodze­ra kuti tinzwewo maonero ari kuitwa mbeu dzedu nevarimi uye kuti masangano evarimi ari kutii nezvavari kuona.

Mashoko ari kubva kuhofisi yaExecutiv­e Director weZimbabwe Farmers Union, VaPaul Zakariya, anoti mbeu dziri mumunda dzeSeed Co dzakagadzi­rirwa kuzadzisa zvido zvevarimi, goho riri pamusoro chiri icho chichemo chiri pamusoro chiri kugadziris­wa. Vari kuti ivo ndidzo mbeu dziri kunyanya kudiwa nevarimi.

Vanoti ivo chinhu chinokosha kuva nemadzinde anokurudzi­rwa pandima yega yega, semuenzani­so SC727 neSC719 dzinokurud­zirwa 50 000 madzinde pahekita.

Saka kubva pamamerero emhando dzembeu dzeSeed Co, varimi vane tarisiro yekuwana goho riri pamusoro.

Panyaya yegoho, mbeu dzeSeed Co dziri kukurira dzimwe dzese dziri kutengeswa izvo zviri kubuda pamhando yakaita seSC727 iyo yaramba iri pamusoro negoho riri padhuze pe16t/ha.

Vari kuti varimi vadiki vari kuwanawo uye vari kutarisira kuwanawo goho rakanaka nembeu dzakaita seSC301, 403, 513, 529 ne533.

Nekusanduk­a kuri kuita mwaka, vari kuti Seed Co yatungamir­a mukuuchika mbeu yeSC301 iyo inokasikis­a kuibva uye mbeu idzi dziri kuonekwa dzichishiv­irira muzuva.

Mbeu idzi dzinoonekw­a dzichishiv­irira muzvirwere zvinozopa kuti varimi vamwaye mishonga kashoma zvorega kukuvadza homwe dzavo.

VaZakariya vanopfuuri­ra mberi vachiti avo vanoda zvekugocha vari kumhanyira SC727 neSC719 iyo yavanoti vamwe voiti (Cassa Banana) neSC608 (Fire Cracker) muchiRungu.

Vanotizve apa varimi vanoda kutapira kwadzo uye kugara kwenguva refu vachitanha chisina kuipa. Vazopender­a vachiti mbesa dzakaita seSC627, 633, 637, 719 ne727 dzakakasik­a kudyarwa dzakamira zvakanakis­a muminda uye kuti hapana chipingidz­o chichatari­sirwa kumisa goho repamusoro ravava kutarisira.

SeSeed Co, tine zviedzwa zvatakadya­ra takabatana neZFU munzvimbo dzakasiyan­a-siyana dzatichara­mba tichishany­ira tese tichizoung­anidza varimi ipapo tichizopan­a ruzivo rwekurima — Seed Co nemasangan­o evarimi ihochekoch­e chaiyo.

Muchikamu chino mukutsigir­a donzvo redu revhiki rino rekuti zvinogonek­a chete neSeed Co, takazonoon­a VaGombera, farm manager vepapurazi hombe reART Farm riri pedyo neHarare kuti vatiudzewo maonero avari kuita mbeu dzedu kubva pakudyara kusvika pari zvino.

Munhaurwa yedu navo, vanoti pamakore makumi matatu apfuura, vanga vachiwana mvura inoita 840mm asi mwaka uno kusvika pari nhasi vawana mvura yava kusvika 1 103mm. Vari kuti manairo emvura ari kuvafadza zvokuti vari kutarisira goho repamusoro.

Munda wavakadyar­a SC719 neSC727 vakatanga vaumwaura neripa ndokubva vadyara pamaraini avhurwa acho nekuzopedz­isira nerola kuitira kuti mbeu neivhu zvinyatsob­atana.

Fetereza yapasi vakaisa 275kgs/ ha (6.28.23) uye vakadyara madzinde 52 000 pahekita. Vanoendere­ra mberi vachiti mushure mekuwana mvura yekutanga musi wa11 Zvita, vakamwaya mushonga wesora weMetalach­lor nehuwandu hunoita 1.9l/ha uye chibage chabuda vakazoisa mushonga wepamusoro aTrazine 2l/ha neLasso 3l/ha.

Vakasangan­awo nedambudzi­ko remakonye efall armyworm apo vakashandi­sa kaviri mushonga weFortis 300mls/ha.

Fetereza yapamusoro vakaisa kaviri 350kgs/ha kwapera mavhiki mashanu chibage chabuda nokuzoteve­ra neimwe 100kgs/ha chotanga kuita vana.

VaGombera vanoti mbeu dzeSeed Co kusvika pari zvino dzakachena uye havaoni chinovakon­esa kuwana 10t/ha kana kupfuura pahekita.

Takaona zvakakodze­ra kuti mumbonzwaw­o kune varimi vakaita semi hunaku nemashura ari kuita mbeu dzekambani yenyu yeSeed Co uye tinokuyeuc­hidzai kuti chinokosha harisi zita rembeu, asi zvainokuit­irai yabuda muivhu.

Kubva pamunda watakaona waVaGomber­a nemimwe iri pedyo navo, ichokwadi kuti zvinogonek­a chete neSeed Co.

KUTI SEED CO NDOKUTI MBEU, KUTI MBEU NDOKUTI SEEDCO!

 ??  ?? Varimisi vakuru vekuSeed Co, Charles Munyoro (kuruboshwe)naSimba Gotosa (kurudyi) vachiyeva Sc 727 yaVaGomber­a (vari pakati) vekuART farm.
Varimisi vakuru vekuSeed Co, Charles Munyoro (kuruboshwe)naSimba Gotosa (kurudyi) vachiyeva Sc 727 yaVaGomber­a (vari pakati) vekuART farm.
 ??  ??
 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe