Kwayedza

Zvirwere zvezvipfuy­o zvorwiswa

- Muchaneta Chimuka

HURUMENDE iri kukurudzir­a varimi kuti vatore matanho akakodzera ekudziviri­ra zvipfuwo zvavo kuzvirwere zvakasiyan­a, zvikuru munguva ino yemwaka wekunaya kwemvura.

Director wekuchikam­u cheDepartm­ent of Veterinary Services kubazi rezvekurim­a nekusimudz­irwa kwemadirid­ziro, Dr Josphat Nyika, vanoti mamiriro akaita zvipfuyo munzvimbo zhinji munyika ave nani nekuda kwekuti varimi vari kukwanisa kuzvicheng­etedza zvakanaka.

“Nekuda kwekunaya kuri kuita mvura, mafuro akasimukir­a zvikuru kunyangwe zvazvo kuwanda kwemvura kwakaunza zvirwere nezvishamb­we zvinokanga­nisa zvipfuyo. Tiri kukurudzir­a varimi kuti vange vachinodhi­bhisa zvipfuyo zvavo kuti zvidziviri­rwe kuzvirwere zvinokonze­rwa nezvishamb­we zvakadai seJanuary disease, heart water nered water,” vanodaro.

Varimi, vanodaro Dr Nyika, vanofanira kudhibhisa zvipfuyo zvavo pasvondo rega-rega munguva yekunaya kwemvura senzira yekudzivir­ira zvirwere izvi.

“Varimi vanofanira kushandisa mishonga yakakodzer­a iyo vanotenga muzvitoro zvakanyore­swa kwete mumikoto.

“Kuuya kwemvura kwaunzawo tumbuyu uye zvirwere zvakadai selump skin saka zvipfuyo zvinofanir­wa kuti zvinge zvichidziv­irwa kubva zvirwere zverudzi urwu,” vanodaro Dr Nyika.

Vanoti varimi vanokwanis­a kubaisa zvipfuyo zvavo vachishand­isa mishonga inodaidzwa kunzi broad sprectrum antibiotic­s kana pachinge panyuka zvichirwer­e zvinokonze­rwa nezvikwekw­e kana kuti zvishambwe.

Mombe dzinonzi dziri kuitawo dambudziko rekurwadzi­wa nemaziso achiita maronda. Zvirwere zvakaita sepink eye kuzvipfuyo zvinonzi zviri kuwanda asi zvinorapik­a kuburikidz­a nekushandi­sa mishonga yakadai seeye ointment.

Varimi vanokurudz­irwa zvakare kuchengete­dza matanga avo akaoma senzira yekudzivir­ira zvirwere zvemahwand­a.

Dr Nyika vanoti kana mvura ikaramba ichinaya zvakanyany­a, panogona kuita dambudziko rekunyuka kwezvirwer­e zvakafanan­a neanthrax (mahwanda).

“Gore rino chirwere cheanhtrax chinogona kunyuka uye zviratidzo zvechirwer­e ichi zvinosanga­nisira kungofa zvisina tsarukano kwezvipfuy­o, kukasika kuwora kwemutumbi wemombe inenge yafa uye kubuda kweropa rakasviba panzvimbo dzese dzinenge dzakavhuri­ka pachipfuyo dzakadai semuromo, kumashure, mhuno, munzeve nezvimwe. Tinokurudz­ira vanhu kuti vasadye nyama dzezvipfuy­o zvinenge zvangofa zvega uye veruzhinji vanofanira kumhan’ara nekukasika kana paita fungidziro yechirwere ichi kuvarimisi vari pedyo navo kana kumapurisa,” vanodaro Dr Nyika.

 ??  ?? Varimi vanokurudz­irwa kuti vatore matanho akakodzera ekudziviri­ra zvipfuwo zvavo kuzvirwere zvakasiyan­a, zvikuru munguva ino yemwaka wekunaya kwemvura.
Varimi vanokurudz­irwa kuti vatore matanho akakodzera ekudziviri­ra zvipfuwo zvavo kuzvirwere zvakasiyan­a, zvikuru munguva ino yemwaka wekunaya kwemvura.
 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe