Kwayedza

Fodya yakakangan­iswa nemvura

- Kingstone Mapupu

KAMBANI yeTobbacco Industry Marketing Board (TIMB) inoti mvura yanga ichinaya nguva yadarika yakakangan­isa zvikuru chirimwa chefodya kuminda mizhinji kumatunhu mana enyika.

Mushandi mukuru anoona nezvekudyi­dzana neveruzhin­ji kukambani iyi, VaSheunesu Moyo, vanoti fodya yakakangan­iswa nemvura iyi inosangani­sira iyo yakange yave padanho rekukohwew­a.

“Kubva mwaka wa2016 kusvika 2017 uchitanga, fodya yedu muminda yaiva yakanaka zvikuru - kunyanya yevaye vakatanga kurima.

“Yekutanga iyi yanga yava kutokohwew­a apo pakazouya mvura yakawandis­a masvondo akadarika imwe ndokunyudz­wa nemvura iyi kureva kuti sevarimi takarasiki­rwa,” vanodaro VaMoyo.

Vanoti imwe yefodya iyi yakatanga nekutsvuku­ruka mashizha epasi achioma zvekuti yakabva yaita yemhando yepasi-pasi.

“Vamwe varimi vakagumisi­ra vave kumhanyidz­ana nenguva pakutemha fodya iyi vachiendes­a kumadhirih­ora vave kutyira kuti yaizokuvad­zwa kana kunyudzwa nemvura iyi,” vanodaro.

Fodya yanonoka kurimwa, vanodaro VaMoyo, ndiyo yakawanda yakanyudzw­a nemvura iyi.

Vanoti izvi zvinoreva kuti vamwe varimi vanogona kutadza kudzokera muminda mumwaka wa2017 kusvika 2018 sezvo vanenge vasina kutengesa zvirimwa zvavo.

Zvakadai, VaMoyo vanoti vanotarisi­ra kuvhurwa kwemisika yefodya munguva pfupi inotevera.

“Nyanzvi dzedu dziri kufamba kumativi mana dzichiongo­rora mamiriro akaita goho redu iye zvino nekunaya kwakaita mvura yakawanda iyi,” vanodaro.

Mwaka uno, kune misika mitatu yakapihwa matsamba ekutengesa fodya iyo inoti Boka Tobacco Auction Floors, Premier Tobacco Auction Floors neTobacco Sales FLoor (TSF).

VaMoyo vanoti fodya yakadyarwa muminda mwaka uno yakatandav­ara mahekita 32 208 kana zvichienza­niswa nemahekita 28 865 emwaka wapera. Varimi vakanyores­a kurima fodya gore rino vanosvika 73 492 apo gore rapera vaiva 69 518.

Vanokurudz­ira varimi vachiri kutemha fodya yavo nekupisa kuti vashande nenyanzvi dzezvekuri­ma kuitira kuti basa ravo rifambe zvakanaka.

“Fodya yakanaka inobva mukupiswa kwakanaka kwayo nekusarudz­wa,” vanodaro.

Zvakadai, Mai Chido Nyakudya vanoona nezvekuten­geserana nekudyidza­na neruzhinji kumusika weBoka Tobacco Auction Floors vanoti vagadzirir­a zvikuru kutanga kwemwaka wefodya.

“Sekambani tatomirira­wo zvichataur­wa neTIMB, gadziriro dzekutenge­sa fodya takapedza,” vanodaro.

VaPhilemon Mangena vanova managing director wePremier Tobacco Auction Floors vanoti kambani yavo yagadzirir­awo zvizere kuzovamba kwemwaka wekutenges­wa kwefodya.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe