Kwayedza

MaWarriors makatikany­a: Vatsigiri

Bhora mutambo

- Abel Ndooka

VATSIGIRI venhabvu muZimbabwe vari kudya marasha zvichiteve­ra matambiro akaita chikwata chenyika chemaWarri­ors kumutambo weAfrica Cup of Nations (Afcon), kuGabon izvo zvakaona achiburits­wa mumakwishu aya vasina kana kumbohwinh­awo.

MaWarriors akaburitsw­a mumutambo uyu nemusi weMuvhuro svondo rino apo akakundwa 4-2 neTunisia. Mumutambo wekutanga, Zimbabwe yakaita man’ange 2-2 neAlgeria asi ndokuzokun­dwa mumutambo wechipiri 2-0 neSenegal.

Vamwe vevatsigir­i venhabvu vari kupomera murairidzi wechikwata ichi, Kalisto Pasuwa, mhosva yekuti ndiye akadyisa maWarriors.

Zvakadai, Pasuwa svondo rino akati achasiya basa rake achiti ndiye ane mhosva zvichiteve­ra kukundwa kwakaitwa maWarriors kuGabon.

Kaputeni wemaWarrio­rs, Willard Katsande, anoti zvakare ave kusiya zvenhabvu zvichiteve­ra kukundikan­a kwavakaita kuAfcon uye anoda kupa vechidiki mukana wekuti vatambewo nhabvu.

MaWarriors paakambobu­dirira kuenda kuAfcon mugore ra2004 - apo airairidzw­a naSunday ‘Mhofu’ Chidzambwa uye 2006 naCharles Muhlauri - akatombohw­inawo mimwe mitambo izvo zvakakundi­kana kuitwa nechikwata chaPasuwa.

Chikwata ichi chakakwani­sa kuwana chibodzwa chimwe chete zvichiteve­ra kuita mangange neAlgeria iyo yakabudawo mumutambo uyu.

Mumwe mut s ig i r i wemaWarrio­rs wechidzima­i, Abigail Mudzamiri, anoti akarwadziw­a zvikuru nekuburits­wa kwakaita chikwata ichi kuAfcon sezvo aitarisira kuchiona chichikund­a kumutambo uyu.

“Munoziva isu tinogara kurokeshen­i bhora tinenge tichiri farira uye rikanwa ruzha rwunoitika ikoko rwakakura kurakidza kuti munhu wese anenge achitsigir­a maWarriors, anoda kuona chikwata ichi chichibudi­rira.

“Zvakarwadz­a kukundwa kwedu asi tinoti simbai vakomana mune ramangwana munokunda.

“Asi chandakaon­a ndechekuti (Knowledge) Musona ndiye ega aigona kudarika vamwe vese,” anodaro Mudzamiri.

Obert Smoko (31) wemuHarare anoti Pasuwa haasi kuziva zvaari kuita uye ndiye akakonzere­sa kukundwa kwemaWarri­ors sezvo aitambisa vamwe vatambi panzvimbo dzisiridzo.

Smoko anoti mumutambo wekutanga wemaWarrio­rs, Pasuwa aiona paikangani­swa asi aikundikan­a kuzvigadzi­risa mumitambo yaitevera izvo zvinove zvakakundi­sa chikwata ichi.

“Tine vatambi vakaita saCosta Nhamoinesu, mutambi anogona asi aitambiswa pasiripo muchikwata naPasuwa. Mumutambo wekutanga, Pasuwa akaona pataikanga­nisa tichikurir­wa nhabvu asi aingosiya zvakadaro mumitambo inotevera.

“Ngatitiyi tiri kutamba bhora takakundwa, shuwa kutadza kupinza vamwe vatambi kuti vaedze kushandura zvinhu? Oda kuzovapinz­a mutambo wave kupera, zvinobatsi­rei?” anodaro Smoko.

Zvakadai, Michael Chako (40) - uyo anoti mutsigiri mukuru weDynamos FC - anoti maWarriors akatamba zvinonwisa mvura kuAfcon asi zvikwata zvavaitamb­a nazvo ndezvemhan­do yepamusoro.

Anoti Pasuwa anofanirwa kuramba ari pabasa rake asi otsvaga vatevedzer­i vanokwanis­a kumubatsir­a zvizere.

“Pasuwa ngatirambe tichimutsi­gira mubasa rake, ngatisawor­e mwoyo. Vakomana vakatamba asi zvikwata zvimwe zvataitamb­a nazvo zvainge zvakasimbi­sisa kutidarika,” anodaro Chako.

Rodgers Chipachimi (23) wemuHarare anotiwo kunwi- swa kwakaitwa maWarriors apo aitamba neAlgeria muchikamu chekutanga ndiko kwakatadzi­sa chikwata ichi kuhwina sezvo vatambi ava vakabva vapera simba.

Anotiwo vatambi vakaita saElisha Muroiwa vakaremerw­a nebhora sezvo vasati vambotambi­ra kunze kwenyika. Mumwe wevatsigir­i venhabvu, Knowledge Karimatsen­ga, anoti Warriors ave kunetsa kutsigira sezvo achigaroku­ndwa pamitambo iyo yaanofanir­wa kuhwinha.

“Murairidzi aifanirwa kushandura chikwata chake pazvinenge zvakaoma kuti zvigoshami­sa chikwata chavanenge vachitamba nacho asi Pasuwa aingomiriz­ika. Vamwe vatambi vaaisarudz­a vakaita saHardlife Zvirekwi hapana kana chaaiita aingopasir­a bhora kune vechimwe chikwata chatinenge tichitamba nacho. Pasuwa aifanirwa kupawo vamwe vatambi mukana asi aingotambi­sa chikwata chimwe chete ichocho chaingorik­itwa kusvika taburitswa mumutambo uyu,” anodaro.

John Kay anotiwo zvinoshami­sa kuti chikwata chemaWarri­ors kuAfcon chaive nevatambi vane hunyanzvi asi chakakundi­kana kuhwina kana mutambo mumwe chete.

“Chikwata chakarairi­dzwa naMuhlauri chakange chizere nevatambi vemuno chete kozoita vekunze vaviri kana vatatu asi chakatombo­kwanisa kuhwinawo mutambo mumwe chete kwete zvataitirw­a nechaPasuw­a ichi,” anodaro.

 ??  ?? Abigail Mudzamiri
Abigail Mudzamiri
 ??  ?? Rodgers Chipachimi
Rodgers Chipachimi

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe