Kwayedza

MUDZIMAI APA CHIKOMBA MOTA

-

Kingstone Mapupu MURUME wekuNorton, uyo wekutenger­a mudzimai wake nemhuri motokari yekuti vashandise apo iye aive kuBotswana kwaanoshan­dira, akagurwa kunorira sezvo mukadzi uyu akazopa mota iyi kuchikomba chake icho change choita sekunge ndicho baba vemusha.

Nyaya iyi yakatopind­a mudare raMambo Chivero vekuMhondo­ro, VaBrown Shopo (67), nguva yadarika chikomba ichi ndokuripis­wa mombe nhatu mushure mekubatwa nemhosva yekudanana nemudzimai wemuridzi.

Webster Marako, uyo anogara panhamba 1021 kuKatanga, kuNorton, ndiye akaripiswa nedare iri mushure mekubatwa nemhosva yekudanana naLoice Shamu. Shamu mudzimai waEvason Pararirayi Zimunya wepanhamba 2367 Maridale, kwakare kuNorton.

Zimunya, uyo anova mutyairi wemagonyet­i, anonzi akawana basa kuBotswana muna 1995 apo akazoenda nemudzimai wake vose vakanoshan­da ikoko asi mhuri yaiva iri kuZimbabwe.

Mudzimai uyu anonzi aipota achidzoka kuZimbabwe kusvikira akazowirir­ana nemurume wake kuti achizogara kumusha zvachose mugore ra2009.

Jinda guru raMambo Chivero, VaSilent Kaseke (41), uye vari munyori wedare, vanoti Zimunya ari kuBotswana, akazotenge­ra mudzimai wake nemhuri motokari iyo yaakaunza kuNorton.

Shamu anonzi akazodanan­a naMarako, uyo anoshanda semupurisa, zvikaita kuti chikomba ichi chipote chichishan­disa motokari iyi.

Mudzimai uyu ane vana vatatu naZimunya uye mukuru wacho ane makore 20 ekuberekwa.

Nekufamba kwenguva, kudanana kwaShamu naMarako kwakazoziv­ikanwa neveruzhin­ji zvikaita kuti vanyeurire Zimunya.

Svondo radarika paseri, Zimunya anonzi akanyepera mudzimai wake kuti haasi kukwanisa kuuya kumusha asi ndokubva azosvika kumba kwavo pakati pehusiku. Anonzi akawana motokari isipo ndokubvunz­a mudzimai wake uyo akati yaiva ku “car park” uye panguva iyi aisaona makii ayo.

VaKaseke vanoti Zimunya akabva audza mudzimai wake kuti aive nemamwe kii.

Shamu anonzi akabva aruka zano ndokuenda muchimbuzi umo akaedza kuridzira nhare chikomba chake chaigara nemotokari kuti chinoisiya ku “car park”.

Zvisinei, gava rakadimbur­a musungo sezvo Zimunya akanyumwa zvikaita kuti atevere mukadzi wake kuchimbuzi uku, ndokuzviko­mubvutira nhare yake.

Murume uyu akazoona mashoko nemifanani­dzo zvinonzi zvaitumira­na mudzimai wake naMarako.

Motokari iyi inonzi yakazodzos­wa ikasiiwa pamugwagwa pedyo nedzimba dzaZimunya mushure mekunge mapurisa apindira munyaya iyi.

Zimunya akazokwidz­a nyaya yake kudare raMambo Chivero uko yakatongwa svondo radarika pamberi.

Marako akakonwa nemhosva yekudanana nemudzimai wemuridzi.

Padare iri, Marako naShamu vakasvikog­ara vose padivi nepadivi vasina kana ganda kumeso. Izvi zvakaita kuti Mambo Chivero vavaripise mbudzi nhatu dzekuzvidz­a dare vachiti Marako aitosvotes­a muridzi wemudzimai nemaitiro aya.

Shamu, mudare iri, anonzi akapomera Zimunya mhosva yekutonhor­a muimba yekurara achiti makore avagara vose aya, anongori munzara.

Mambo Chivero vakaripisa Marako mombe nhatu vachiti kutora mudzimai wemunhu imhosva huru. Marako anonzi akaudza dare iri kuti ndiye muridzi wemukadzi achiti akanobvisa roora kumadzitev­ara ake kwaZvimba.

Akati zvakare Shamu akamuudza kuti akarambwa nemurume wake ndokupihwa gupuro.

Zimunya akati aida kudzoserwa pfuma yake yeroora izvo zvakarambw­a nedare richiti aiva aberekerwa vana vatatu naShamu uye acharipwa mombe nhatu naMarako.

Mambo Chivero vanoyambir­a vanhurume kuti vasiyane nemadzimai akaroorwa.

“Madzimai akawanda zvikuru munyika muno kudarika varume, hatizive kuti varume kana vakomana vanotsvets­va vakadzi vevanhu vanozviiti­rei. Tsvagai venyu,” vanodaro Mambo Chivero.

 ??  ?? Loice Shamu (kuruboshwe) akagara nechikomba chake, Webster Marako, padare raMambo Chivero
Loice Shamu (kuruboshwe) akagara nechikomba chake, Webster Marako, padare raMambo Chivero
 ??  ?? Mambo Chivero
Mambo Chivero
 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe