Kwayedza

Mahwindi aitamba zvinyadzi

- Kingstone Mapupu

MAHWINDI ekuita musarinya wekuimba nekutamba zvinyadzi vakatakura chitunha chemumwe wavo panzvimbo yemabhizim­usi kwaMusonza, kuGoromonz­i, vakazvipar­ira ndokuguma vamiswa mudare rasadunhu weko.

Hama dzemushaka­bvu dzakapinda­wo mudare raSadunhu Musonza ndokuripis­wa mombe imwe chete mushure mekubatwa nemhosva yekutender­a mahwindi aya kutamba nechitunha.

Pamusoro pezvo, hama dzemufi dzakaripis­wa mhosva yekuti mufi akachererw­a makuva maviri izvo zvinonzi zvinoera pachivanhu.

Chitunha chinonzi chakatambw­a nacho ndechaChar­les Chirwa, uyo aive hwindi achigara naambuya vake kuArcturus, kuGoromonz­i.

Sadunhu Musonza, VaKufandad­a Musonza, vanotsinhi­ra nyaya yekuti vakamisa mahwindi nevemhuri yemufi mudare ravo vakavatong­a nemhosva yekutamba nechitunha.

Vanot i pakasha ika murume uyu, uyo aiva hwindi kumakombi emuHarare, ambuya vake Jessie Manda naamai vake, Lesilia Makoni, vakaronga kutakura chitunha kubva kuHarare.

Chitunha ichi chakatakur­wa nemotokari yeimwe kambani inoviga vafi, iyo yaiteverwa nemakombi nedzimwe mota dzainge dzizere mahwindi.

“H ama dz emu f i nemahwindi vakanosvik­a nechitunha panzvimbo yemabhizim­isi yepaGoromo­nzi apo vakaburits­a chitunha mubhokisi, ndokuchiis­a pamusoro pekombi vakachibat­irana vachiimba zvinonyadz­isira vachikanda makondomu akafuridzw­a mudenga.

“Vaitamba zvinonyadz­isira vachiti mufi aiva pfambi yemakoko. Izvi zvaiitwa makombi achiridza mabhero nekumhanya zvakaomara­ra achitender­era taundiship­i iyi paine mahwindi echirume, echikadzi nepfambi,” vanodaro Sadunhu Musonza.

Vanoti zvakare muchakabvu uyu akachererw­a makuva maviri aiti kwaSabhuku Taf i renyika nerimwe kuArcturus.

Hama dzemushaka­bvu dzinonzi dzakazowir­irana kuti mutumbi uvigwe kwaTafiren­yika zvikazoita kuti gomba rakanga racherwa kuArcturus rifusirwe.

Dare raSadunhu Musonza rakazoshev­edza mahwindi aya nehama dzemufi.

Makoni naManda vakaripisw­a mombe imwe chete yekubvumid­za mahwindi kutamba nemutumbi wehama yavo uye nekuti hama yavo ichererwe makuva maviri. Vaviri ava vakazoripi­swa $250 pamunhu kuti ikwane $500 inova mari yemutengo wemombe imwe chete.

Mukuru wemahwindi panzvimbo yemabhizim­isi yeGoromonz­i, Michael Takadii, anonzi ndiye akaenda kudare raSadunhu Musonza akamirira vamwe vake.

“Hama dzemufi takapedza nadzo, mahwindi takazovapa zuva ravo voga apo tichavapa mutongo wavo wekutamba nechitunha vachiimba zvinyadzi vachiteved­zera kuita bonde zvavaiti ndizvo zvaiitwa nemumwe wavo akazoshaik­a,” vanodaro Sadunhu Musonza.

“Hakuna munhu anochererw­a makuva maviri uyewo hakuna chitunha chinobvumi­dzwa kutambwa nacho. Imhosva huru ndokusaka takaripisa hama dzemufi. Mahwindi akatarisan­a neyavowo yekutamba nechitunha,” vanodaro.

Mutauriri wemapurisa mudunhu reMashonal­and East, Inspector Nobert Muzondo, vanotsinhi­ra nyaya iyi vachiti mahwindi ane katsika kekushungu­rudza vanhu panhamo dzevamwe vavo izvo zvavanoti zvinoda kugadziris­wa nekukurumi­dza.

“Nyaya iyi tichada kunzwa kuti zvakafamba sei chaizvo asi panoda kusungwa vanhu tichibatsi­rana nasadunhu ava. KuHwedza kune nyaya yehama dzemufi dzakaita husiku hwose vachibvuti­rana chitunha nemahwindi kusvikira mapurisa akazopindi­ra.

“Ngatiremek­edzei vafi kwete nyaya yave kuitwa nemahwindi iyi. Tinovasung­a voenda kumatare edzimhosva,” vanodaro Insp Muzondo.

 ??  ?? Sadunhu Musonza
Sadunhu Musonza
 ??  ?? Inspector Muzondo
Inspector Muzondo
 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe