Mahwindi aitamba zvinyadzi
MAHWINDI ekuita musarinya wekuimba nekutamba zvinyadzi vakatakura chitunha chemumwe wavo panzvimbo yemabhizimusi kwaMusonza, kuGoromonzi, vakazviparira ndokuguma vamiswa mudare rasadunhu weko.
Hama dzemushakabvu dzakapindawo mudare raSadunhu Musonza ndokuripiswa mombe imwe chete mushure mekubatwa nemhosva yekutendera mahwindi aya kutamba nechitunha.
Pamusoro pezvo, hama dzemufi dzakaripiswa mhosva yekuti mufi akachererwa makuva maviri izvo zvinonzi zvinoera pachivanhu.
Chitunha chinonzi chakatambwa nacho ndechaCharles Chirwa, uyo aive hwindi achigara naambuya vake kuArcturus, kuGoromonzi.
Sadunhu Musonza, VaKufandada Musonza, vanotsinhira nyaya yekuti vakamisa mahwindi nevemhuri yemufi mudare ravo vakavatonga nemhosva yekutamba nechitunha.
Vanot i pakasha ika murume uyu, uyo aiva hwindi kumakombi emuHarare, ambuya vake Jessie Manda naamai vake, Lesilia Makoni, vakaronga kutakura chitunha kubva kuHarare.
Chitunha ichi chakatakurwa nemotokari yeimwe kambani inoviga vafi, iyo yaiteverwa nemakombi nedzimwe mota dzainge dzizere mahwindi.
“H ama dz emu f i nemahwindi vakanosvika nechitunha panzvimbo yemabhizimisi yepaGoromonzi apo vakaburitsa chitunha mubhokisi, ndokuchiisa pamusoro pekombi vakachibatirana vachiimba zvinonyadzisira vachikanda makondomu akafuridzwa mudenga.
“Vaitamba zvinonyadzisira vachiti mufi aiva pfambi yemakoko. Izvi zvaiitwa makombi achiridza mabhero nekumhanya zvakaomarara achitenderera taundishipi iyi paine mahwindi echirume, echikadzi nepfambi,” vanodaro Sadunhu Musonza.
Vanoti zvakare muchakabvu uyu akachererwa makuva maviri aiti kwaSabhuku Taf i renyika nerimwe kuArcturus.
Hama dzemushakabvu dzinonzi dzakazowirirana kuti mutumbi uvigwe kwaTafirenyika zvikazoita kuti gomba rakanga racherwa kuArcturus rifusirwe.
Dare raSadunhu Musonza rakazoshevedza mahwindi aya nehama dzemufi.
Makoni naManda vakaripiswa mombe imwe chete yekubvumidza mahwindi kutamba nemutumbi wehama yavo uye nekuti hama yavo ichererwe makuva maviri. Vaviri ava vakazoripiswa $250 pamunhu kuti ikwane $500 inova mari yemutengo wemombe imwe chete.
Mukuru wemahwindi panzvimbo yemabhizimisi yeGoromonzi, Michael Takadii, anonzi ndiye akaenda kudare raSadunhu Musonza akamirira vamwe vake.
“Hama dzemufi takapedza nadzo, mahwindi takazovapa zuva ravo voga apo tichavapa mutongo wavo wekutamba nechitunha vachiimba zvinyadzi vachitevedzera kuita bonde zvavaiti ndizvo zvaiitwa nemumwe wavo akazoshaika,” vanodaro Sadunhu Musonza.
“Hakuna munhu anochererwa makuva maviri uyewo hakuna chitunha chinobvumidzwa kutambwa nacho. Imhosva huru ndokusaka takaripisa hama dzemufi. Mahwindi akatarisana neyavowo yekutamba nechitunha,” vanodaro.
Mutauriri wemapurisa mudunhu reMashonaland East, Inspector Nobert Muzondo, vanotsinhira nyaya iyi vachiti mahwindi ane katsika kekushungurudza vanhu panhamo dzevamwe vavo izvo zvavanoti zvinoda kugadziriswa nekukurumidza.
“Nyaya iyi tichada kunzwa kuti zvakafamba sei chaizvo asi panoda kusungwa vanhu tichibatsirana nasadunhu ava. KuHwedza kune nyaya yehama dzemufi dzakaita husiku hwose vachibvutirana chitunha nemahwindi kusvikira mapurisa akazopindira.
“Ngatiremekedzei vafi kwete nyaya yave kuitwa nemahwindi iyi. Tinovasunga voenda kumatare edzimhosva,” vanodaro Insp Muzondo.