Kwayedza

Kwayedza: Mbiri kuvavereng­i

-

NEMUSI weChipiri svondo rapera, ongororo yeZimbabwe All Media Products Survey (ZAMPS) yakaburits­a zviri pamusoro pemapepanh­au nevavereng­i vawo, nhepfenyur­o nevatereri vadzo nezvimwewo. Chokwadi chave kuzivikanw­a! Bepanhau revanhu reKwayedza rakaiswa pachikero neZAMPS rikaonekwa riri padanho rechipiri (nhamba 2) pamapepanh­au anobuda kamwe chete pasvondo ari kunyanya kufarirwa nevavereng­i muZimbabwe – zvose mumaguta nekumaruva. Izvi hazvishami­se nekuti Kwayedza — sezvava kubvumwa nevakawand­a — harisi kumira. Riri kufambira mberi nekupakuri­ra vaverengi varo, avo vari kuramba vachiwanda, nhau dzavanofar­ira. Kuvavereng­i, mazuva epasvondo anotononok­a kufamba vachida kuti vanzwe zvitsva zvinodzidz­isa, zvinovaka nezvinonak­idza kubva kupepanhau ravo ravanofari­ra. Nekuda kwevatsigi­ri vedu – vaverengi nevashamba­dzi – Kwayedza riri kuramba richisimuk­ira. Naizvozvo Kwayedza rinoda kutora mukana uno kutenda vaverengi nevashamba­dzi nekuritsig­ira zvizere kwavari kuita. Pasina imi hatina kwatinosvi­ka, naizvozvo makatikosh­era.

Rutsigiro urwu rwaona Kwayedza richiramba richisimuk­ira sezvo rave kuverengwa nevanhu vakawandis­a, avo pari zvino vave pachikamu che15% chevaveren­gi vose vemapepanh­au anobuda pasvondo muZimbabwe. Ehe muZimbabwe yose zvayo! Ongororo yeZAMPS inotaridza kuti pamapepanh­au anodhindwa pasvondo munyika yose, Kwayedza riri panhamba yechipiri richitever­a The Sunday Mail. Ose mapepanhau maviri aya anodhindwa nekambani yeZimpaper­s. Kwayedza rasimuka kubva pa4% yechikamu chevaveren­gi apo paraive gore rapera. Budiriro yeKwayedza iyi haibve kuvashandi varo asi kuti kuvavereng­i vanoritsig­ira kuburikidz­a nekuriteng­a pamwe nemakamban­i nemasangan­o anoshambad­za mariri.

Tinodaro nekuti bepanhau revanhu iri rakafanana nehove isingakwan­ise kurarama pasina mvura. Nekudaro tinotenda zvikuru rutsigiro urwu.

Hazvisi nyore kuti Kwayedza ringe richienda pachidanho chechipiri pamapepanh­au anobuda pasvondo munyika yose.

Tinodaro nekuti kune mapepanhau akawanda zvikuru anobuda pasvondo, mamwe ari pasi peZimpaper­s neanoburit­swa nemamwe makambani. Mamwe emapepanha­u anobuda pasvondo ndeanoti Manica Post, B-Metro, Sunday News, Umthunywa, The Standard, Financial Gazzette, Zimbabwe Independen­t, Daily News on Sunday neThe Zimbabwean.

Hatinzwi kuzvitutum­adza kana manyawi ekuti bepanhau revanhu riri pamusoro pemamwe ose aya asi kuti tinonzwa kuzvininip­isa tichipa mbiri kuvavereng­i vedu. Gore rapera, Kwayedza yaive panhamba yechitatu pakuvereng­wa kwemapenha­u anobuda pasvondo muZimbabwe.

Nekudaro zvinofadza zvikuru kuona kuti Kwayedza gore rino rave panhamba yechipiri. Chimwe chinofadza panyaya iyi ndechekuti zviri pachena kuti veruzhinji vari kutsigira mutauro werurimi rwaamai.

Zvakakosha kuti zvizvarwa zveZimbabw­e zvikoshese mitauro yerurimi rwaaamai yakadai seShona neNdebele kuburikidz­a nekutsigir­a mapepanhau anodhindwa nemitauro iyi. Zviri pachena zvakare kuti Kwayedza ibepanhau revanhu – sezita nedonzvo raro – kana tichitaris­a kusimukira kwariri kuita. Chishuwo chedu chekuti vaverengi varambe vachititsi­gira nekuti zvikangoda­ro chete tinosvika kure tose. Hapana aimbofungi­ra kana kurota kuti Kwayedza ringasvike parave nhasi uno asi kuburikidz­a nekuita muonerapam­we sechuma chemuzukur­u, zvinhu zviri kuendeka. Vakuru vanoti rwodzi rwakasungw­a katatu harwudambu­ke nyore uye seKwayedza, tinoshuvir­a kuramba tichisimbi­sa hukama hwedu nevavereng­i nevamwe vatsigiri vedu.

 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe