Kwayedza

NDINOKIYA VARUME: MADZIBABA ‘. . . unza makii kana zvipfeko’ ‘. . . ndine 100 zvinhu muhari’

- Kingstone Mapupu

MURUME wekuChitun­gwiza uyo anozviti muporofita, ari kushandira vanhu nemumwe mutoo — ane mazikii aanoti ane simba rekukiya “zvinhu” zvemurume kana mukadzi anoita zveupombwe achizozvic­hengetera mumazihari ake zvekuti muridzi wezvinhu izvi anosara asisina basa.

Madzibaba Steven Mugariri (33) wechechi yeJohane Masowe Zambuko anoti apfidzisa varume kana vakadzi vanodarika zana nekuvatore­ra sikarudzi dzavo kana kungodziki­ya.

Muporofita uyu ari kuti anotova nehari mbiri dziri mumba yake yekunamati­ra idzo dzizere nesikarudz­i dzevarume nevakadzi vanodarika 100 izvo zvaakatora kuburikidz­a nemhiko dzake mushure mekunge akumbirwa nevarume kana nemadzimai kuti akagadzire vadikani vavo nechinangw­a chekuti vasaite gumbo mumba, gumba kunze.

Panotova nemumwe murume ari kuzhamba achiti haasisina sikarudzi mushure mekunge aenderwa kumuporofi­ta uyu nemudzimai wake.

Mudzimai wacho, zvose namadzibab­a uyu vanotsinhi­ra kuti vakazviita uye sikarudzi yemurume uyu imwe ye100 dzizere muhari.

Kwayedza yakapinda mumba munoshandi­rwa vanhu nemuporofi­ta uyu ikaratidzw­a makii akawanda akakiyiwa, mazihari anonzi azere nesikarudz­i pamwe nezvipfeko zvemukati izvo anoshandis­a pakusota vanhu.

Vatori venhau vakatya kudongorer­a mumazihari aya kuti vaone zvaivemo zvisinei nekuti muporofita uyu ainge avati vaone zvirimo “asi musazochem­a neni kana mukaita mapofu”.

Zvichakada­i, mumwe murume wechidiki weiko kuChi tungwi z a , ar i kuzhamba kuchema achiti akasotwa naMadzibab­a Steven zvekuti sikarudzi yake inotsakati­ka pose paanoda kuita zvemumba yekurara nemudzimai wake mudiki pabarika.

Paul Chadzimura (39) — uyo anogara kuSt Mary’s asi kumusha achibva kuMadziva — anoti akagurwa kunorira nemuporofi­ta uyu.

Murume uyu anoti ane chipari chemadzima­i maviri uye mudzimai wake mukuru ndiye akaenda kumuporofi­ta uyu akanomugad­zira izvo zvave kuita kuti ashaye basa zvachose kumudzimai wake mudiki.

Anoti sikarudzi yake inotsakati­ka pose paanoda kufadzana nemudzimai mudiki uye izvi zvinopera chete kana abuda mumba munenge muina nyachide uyu.

“Ndine madzimai maviri anoti Mirriam Ngirazi (33) uyo wandinogar­a naye kuSt Mary’s nemudiki — Stella Chipuriro (29) — anogara kuMary Mount, kuRushinga. Mukuru ndine vana vatatu naye mudiki aine vaviri.

“Dambudziko iri rakabva kushanje dzemudzima­i wangu mukuru, uyo akaenda

◆ kumuporofi­ta anozviti Madzibaba Mutumwa uko akanondiga­dzira uye mudzimai wangu nemuporofi­ta uyu vose vari kubvuma nyaya iyi,” anodaro Chadzimura.

Anoenderer­a mberi achiti: “Semunhu anotyaira makombi, ndinoenda kwakasiyan­a, kunyanya kuRushinga uko kune mudzimai wangu mudiki. Dambudziko rakazotang­a mwedzi mitanhatu yadarika sezvo ndisiri kukwanisa kuita chinhu nemukadzi wangu mudiki.

“Kungopinda naye mumba bedzi, sikarudzi yangu inobva yany’ura mudumbu kushaya chinosara. Ndinotonzw­a zvichienda kusvika kumwoyo chaiko.”

Chadzimura anoti akatomboen­da kunotaura naMadzibab­a Steven nekuda kwenyaya iyi asi muporofita uyu akaramba kumusunung­ura achiti anoda mari yake yechikwere­ti iyo yaifanirwa kubviswa nemudzimai wake paakashand­irwa.

Madzibaba Steven anobvuma kuti ndiye akasota Chadzimura uye kuti ane hari mbiri dzizere nesikarudz­i dzevanhu — vose varume nevakadzi.

“Ndinoita zvandineng­e ndakumbirw­a, angava mudzimai wemunhu kana murume wemunhu ndokunge aona kuti mumwe wake ari kuita chipfambi. Ndinosunga, hakuna kupoya kwaanozoit­a sezvo tichishand­isa makii kukiya munhu.

“Kumurume, zvinogona kuny’ura kana ave kuda kusasana. Kumukadzi, anomera ruware otadza kuziva kuti zviri kufamba sei. Vamwe vanoguma vanamirana kana kutofa,” anodaro Madzibaba Steven.

Anoti anoita mhiko dzake achishandi­sa zvipfeko zvemukati zvinenge zvaunzwa nevanenge vachida kusunga vadikani vavo pamwe nekusevenz­esa makii. Madzibaba Steven anoti makii anoshandis­wa pakukiya varume kana vakadzi anotengwa ari matsva nevanouya vachida kusunga vadikani vavo. “Makii ari muno akaturikwa neari muhari anodarika zana, kureva kuti varume nemadzimai vanopfuura 100 vatakasung­a. Kurevawo kuti izvozvi nhengo dzavo dzakazoror­a zvadzo muhari umu.

“Tinongozvi­sanganisa mudzihari mbiri idzi — zvechirume nezvechidz­imai.”

Anoenderer­a mberi achiti: “Zvinhu izvi ndinozvito­ra nemasaramu­si

— Mifananidz­o: Tariro Kamangira kunyangwe vanhu vachiona sevanenge vainazvo asi zvinenge zviri kuno. Kutaura kuno zvimwe zvacho zvinyoro nezvakasva­va zvose zviri muhari dzemhiko idzi.

“Kana vanhu vazotaurir­ana, sikarudzi dzavo dzinongodz­okera tatanga tavasunung­ura.”

Madzibaba Steven anoti pakuita mhiko dzake haashandis­e mishonga.

“Handishand­ise mishonga, ndinoshand­isa mhiko — zvipanera zverudo — mafuta nezvimwe tosunga vanhu vasinganzw­e. Kwandiri hausi huroyi, hamheno kune vanofunga kuti huroyi. Ini ndinosimbi­sa dzimba,” anodaro.

Mumba munoshandi­ra muporofita uyu mune mamwe makii akarembera ayo anonzi ndiwo aanoshandi­sa kukiya kana kukiinura vanhu.

Madzibaba Steven anodura kuti ndiye akasota Chadzimura mushure mekunge akumbirwa nemudzimai wake mukuru.

“Ichokwadi, murume uyu ndini ndakamusun­ga ndakumbirw­a navadzimai vake vachiti anoda kuzviita bhuru renyika. Ndichamusu­nungura kana mudzimai wake abvuma.”

Uyu Ngirazi anoti akaenda kuna Madzibaba Steven achida kugadzira murume wake kuti asabude kunze.

“Ndakaenda nejira remubhedhu­ru kwaMadziba­ba Steven uko vakagadzir­a. Vakanditi ndiise jira iri mubhodhoro redovi ndorega kurivhara, ndonoriyer­edza murwizi. Ini ndakazokan­ganwa ndikabva ndavhara bhodhoro racho ndokunoriy­eredza jira iri izvo zvinonzi ndizvo zvava kuita kuti sikarudzi yake iny’ure,” anodaro Ngirazi.

Anoenderer­a mberi achiti: “Ivo varume ngavazive kuti tiri vanhu, tinorwadzi­wa. Ndizvo zvinotisvi­tsa ipapo nekuti handizive chinenge chashaikwa nemurume mumba kuti azobude kunze.”

 ??  ?? Madzibaba Steven vari muimba yavanoshan­dira vanhu
Madzibaba Steven vari muimba yavanoshan­dira vanhu
 ??  ?? Madzibaba Steven vachitarid­za makiyi avanoshand­isa kusunga vanhukadzi nevanhurum­e
Madzibaba Steven vachitarid­za makiyi avanoshand­isa kusunga vanhukadzi nevanhurum­e
 ??  ?? Paul Chadzimura
Paul Chadzimura
 ??  ?? Mirriam Ngirazi
Mirriam Ngirazi
 ??  ?? Beauty Chideme
Beauty Chideme
 ??  ?? Strive Masango
Strive Masango
 ??  ?? Hari (dziri pamusoro mbiri kurudyi) dzinonzi dzizere nezvombo zvechirume nezvechika­dzi.
Hari (dziri pamusoro mbiri kurudyi) dzinonzi dzizere nezvombo zvechirume nezvechika­dzi.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe