Kwayedza

‘Jeri rikange nani’

- Trymore Muvhawa naTafadzwa Mutsotso

MUKADZI wemuHarare anoti ari kushunguru­dzwa nemurume wake zvikuru zvekuti anoona kugara mujeri kuri nani pane ndondo yaari kuoneswa.

Caroline Moyo akaendesa murume wake — Shame Gatsi — kudare reHarare Civil Court achimupome­ra mhosva yekumurova, kumumaniki­dza bonde pamwe nekumutuki­rira.

“Mambo wangu, ndatambisw­a nhova nemurume uyu, mufunge kuti anondirova nemboma kana bhurumu pasikarudz­i zvinoita kuti ndisare ndava kujuja ropa. Mushure mezvo, anobva ada kushinha neni nguva iyoyo, apo ndinenge ndichijuja ropa kudaro izvo zvinoita kuti ndirwadziw­e zvikuru.

“Anondirova pamberi pevana anova mamwe maitiro anondishun­gurudza zvikuru. Haatodi kuti ndiitewo kana chimwe chinhu chinoita kuti ndinhonge nhongewo kamari kekurarami­sa mhuri yedu,” akadaro Moyo.

Anoenderer­a mberi achiti: “Musi waapedzisi­ra kundirova, ndakafenda iye kwava kunyepa kumapurisa kuti ndanwa mushonga wekuti ndizviuray­e asi zvakazoone­kwa kwachiremb­a kuti kwaive kunyepa.

“Izvozvi muviri wangu wakazara nemavanga ekurohwa naye. Zvakare, imba yemunin’ina wangu yakatopara­ra nekuda kwake nekuti anodanana naye.

‘‘Handizive kuti murume uyu munhu akaita sei chaizvo. Ndinoona sekuti jeri chairo rinotova nani pane kugara naye nekuti ndaona chisionekw­i ini,” akadaro Moyo achiratidz­a kushunguru­dzika.

Gatsi akaudza dare kuti mudzimai wake ane tsika yekunyepa achiti haana kumbobvira amurova asi kuti akangomuts­iura chete nekuda kwemafambi­ro ake ayo aasingaone zvakanaka.

“Handina kumurova uye handisati ndambomuro­va asi kuti nyaya iripo ndeyekuti iye haadi kutsiurwa kana aita zvakashata. Ndakamuti mafambiro aari kuita ini handisi kuaona zvakanaka mushure mekunge ndaona mameseji mufoni yake.

“Zvekuti ndakamurov­a akafenda ini handizvizi­vi asi kuti akanwa ‘rust remover’ mushure mekunge ndamutsiur­a. Haana kukuvara sezvaari kuda kuti vanhu vabvume muno mudare,” akadaro Gatsi.

Mutongi Yeukai Dzuda akapa Moyo gwaro redzivirir­o.

 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe