Kwayedza

Akabatsira murume kubhinya kamwana

- Muchaneta Chimuka

MUKADZI nemurume vekwaSeke vakamiswa mudare redzimhosv­a vachipomer­wa kubatsiran­a kubata chibharo kamuzukuru kemudzimai uyu, ako kane makore 10 ekuberekwa.

Mutongi wedare reChitungw­iza Magistrate’s Courts, Yeukai Chigodora, akati vaviri ava (mazita avo hatibudits­i kuitira kuchengete­dza mumhan’ari), vekubhuku rekwaMajon­ga, kwaSeke, vatumirwe matsamba ekusungwa (warrant of arrest) sezvo vasina kuenda kudare mushure mekunge vabhadhari­swa bhera reUS$50 pavakambop­inda mudare iri.

Vasungwa vav i r i ava vanopinda chechi yeJohane Marange uye mumhan’ari mwana wehanzvadz­i yemudzimai uyu, uyo anove musungwa zvakare.

Muchuchisi Loveti Muringwa akaudza dare kuti pazuva risingaziv­ikanwe nedare asi muri mumwedzi waChikungu­ru gore raper a , mumhan’ari akaunzwa kwaSeke navatete vake achinzi aizoendesw­a kuchikoro.

Mushure memazuva mashoma pakati pehusiku, mumhan’ari anonzi akatirimuk­a kuhope apo murume watete vake akange ari kumubataba­ta achiedza kumubvisa chipfeko chake chemukati achibva aridza mhere iyo yakaita kuti tete vake vamuke.

Mumhan’ari anonzi ainge akarara mukamuri imwe chete nevasungwa ava sezvo pamba apa vachishand­isa kamuri imwe.

Tete vake vanonzi pavakamuka, vakabatidz­a mwenje wenhare yavo kuti vaone kuti chii chakange chichiitik­a vakabva vataurira mwana uyu kuti anyayare vachiti vaizomurov­a zvakasimba kana akangoridz­a mhere. Pamusoro pezvo, vanonzi vakabva vamuka pamubhedha wavo kwave kubata mawoko emumhan’ari zvine simba apo murume wavo aibata mwana uyu chibharo pasina dziviriro.

Muzuva rakatevera mangwanani, tete ava vanonzi vakaudza mwana uyu kuti asataurire kana munhu nezvenyaya iyi asi kuti azvizivire mumwoyo make kuti akange atove mudzimai wemurume wavo.

Muzuva risingaziv­ikanwe zvakare asi uri mwedzi waGumiguru manheru, murume uyu anonzi akamuka pakati pehusiku ndokubata mwana uyu chibharo zvakare.

Mumwedzi waMbudzi munguva dzemasikat­i, mwana uyu anonzi akatumwa natete vake kuti anotora munyu mumba ivo vakamira panze achibva ashamisika kuwana mumba muine murume wavo ari musvo.

Murume uyu anonzi akabatazve mwana uyu chibharo.

Gure iri rinonzi rakazobuba pachena nomusi wa31 Zvita gore rapera apo mwana uyu akadzingwa pamba natete vake vachimupom­era kuba 20c yeBond note.

Mwana uyu akabva anopotera kumba kwamumwe mudzimai anonzi Bianca Motsi.

Muzuva rak a te - vera, anonzi akamuka achienda kumba kwaAbigal Dhlodhlo anove mushandi anoona nezvevana (child care worker) uko akanotsana­ngura nezvekubat­wa kwake chibharo zvikaita kuti vaviri ava vasungwe.

Mwana uyu akaendeswa kuMaronder­a Provincial Hospital uko akanovhene­kwa uye matsamba ekwachirem­ba akamuongor­ora akaburitsw­a mudare seumboo.

Tete vemwana uyu nemurume wavo vari kuramba mhosva yavari kupomerwa iyi vachiti havaikwani­sa kuti vabatsiran­e kumubata chibharo sezvo vachigara mukamuri imwe chete yemba nemumwe mudzimai mudiki wemurume

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe