Kwayedza

‘Hationane natezvara’

- Tafadzwa Mutsotso

MUKUWASHA anoti ashaiswa rugare nekugara achizvindi­kitwa kurohwa nemadzitez­vara ake pose paanovasha­nyira kumusha kwavo achida kuona vana vake zvichiteve­ra kurambana kwaakaita nemudzimai wake.

Vincent Zvinavashe akamhan’arira Sandra Chimonyo kudare reHarare Civil Court achiti ari kumurunzir­a kuti agare achirohwa nemadzitez­vara ake.

“Pari zvino hatisi kugara tose nemudzimai wangu. Ndinoitawo chido chekushany­ira vana nekuvaende­sera zvokudya nezvekupfe­ka.

“Dambudziko nderekuti pese pandinoend­a kumba kwavo, vanondirov­a vese semhuri. Vakanditem­a nematombo ndikakuvar­a ziso iri uye pari zvino ndiri kutoda kutora tsamba yekwachire­mba kuti ndinorapwa,” anodaro.

Zvinavashe akati haazive zvinotauri­rwa vanatezvar­a vake nemudzimai wake izvo zvinoita kuti vamurove.

“Pose pandosvika kumusha kwavo, madzitezva­ra vangu vanonzwa hukasha vachifunga kuti ndiri munhu akashata. Pandakaped­zisira kumushanyi­ra akandirova nepoto mumusoro.

“Gore rapera muna Gunyana zvakare, ndakabva ikoko ndichimhan­ya mushure mekunge ndadzingir­irwa nematombo nanavatezv­ara. Ini mhuri yangu ndinoida asi ndanga ndichikumb­irawo gwaro rerunyarar­o pakati pangu nemudzimai wangu kuti arege kundituka, kundirova kana kundirukir­a manyepo nekuti ndizvo zviri kundikanga­nisa hukama hwangu nehama dzake zvichindis­haisa rugare,” akadaro Zvinavashe.

Chimonyo akapikisan­a nemashoko aitaurwa naZvivanas­he achiti: “Zvaari kutaura zvese manyepo nekuti ini handina kumbobvira ndamurova kana kumutuka, ndiye atori netsika yekugara achindirov­a. Ndiri kupikisana nechikumbi­ro chake nekuti ndini ndinofanir­a kunge ndichitoku­mbira gwaro iri.”

Mutongi Yeukai Dzuda akati vaviri ava vadzoke kudare zvakare kuzonzwa mutongo wenyaya yavo.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe