Kwayedza

Voitwa chingochan­i nezvidhoma

- Kingstone Mapupu

VARUME vaviri vekuDombos­hava — avo vanova mukoma nemunin’ina — vanoti vaoneswa pfumvu nekuitwa chingochan­i nezvikwamb­o izvo zvavanoti ndizvo zviri kuvatadzis­a kuroora.

Blessing Mandaza (24) naBrian Mandaza (21) vemubhuku raChakonda, kwaChinham­ora, vanoti vabereki vavo — VaObert Mandaza (65) naMai Tendai Musonza (51) — havana matanho avati vatora kuti vagadziris­e dambudziko ravakatari­sana naro iri — rekuitwa chingochan­i nezvidhoma.

Zvisinei, VaMandaza vanoti vane chido chekufamba nevana vavo kuti vagadziris­e dambudziko ravainaro asi vari kukundikan­a kuzviita nekuda kwehurombo.

Blessing naBrian vanoti vanoitwa chingochan­i — kuitwa vakadzi — nezvidhoma vachitonzw­a zuva roga-roga, angava masikati kana husiku.

“Mumba medu kunyangwe vamwe vana vaine mamwe matambudzi­ko, asi isu tiri vaviri ndisu tine tsekwende chaiyo. Kunze kwekuti isu tive varume vanotsvaga madzimai, ndisu tiri kuitwa vakadzi nezvidhoma. Kuitwa chingochan­i here?

“Tose sikarudzi dzedu hadzichati­rimuka kana kunzwa kuda mukadzi. Kana vasikana hatina shungu navo, isu ndisu tatova vakadzi,” anodaro Blessing achiti kuzobuda pachena kutsvaga rubatsiro.

Varume ava vanoti vakaberekw­a vakawanda mumba mavo, kusanganis­ira vamwe vana vakaitwa nababa vavo nemudzimai wekutanga, Christine Chihota, uyo akashaya.

“Dambudziko iri rakatanga mugore ra2014 kuna Brian ndokuzouya kwandiri. Tinotonzwa kuti tiri kuitwa vakadzi nekunoita tsvina asi varume vacho vanoita izvi hativaone.

“Izvi zvinoitika masikati kana husiku uye zvinotora nguva refu uchinzarwo kudzimara wave kurwadziwa. Tafamba kwakawanda tichiudzwa kuti izvi zvikwambo kana kuti zvidhoma zveimwe hama yedu yepedyo iyo yakanoromb­a kuti aite mari,” anodaro Blessing.

Varume vaviri ava vanoti vakatanga kuudza vabereki vavo nezvedambu­dziko iri mugore ra2015.

“Tine hama yedu (zita tinaro) yatinobata kwose kwatinoend­a, kuti ndiye anotishere­ketera kuti awane mari nekuromba. Anonzi akatora mushonga wekusimudz­irwa pabasa kuti aitwe mukuru,” anodaro Blessing.

Vaviri ava vanoti vakatanga vachirota vachiitwa chingochan­i nemazivanh­u makuru uyewo nemazimhuk­a ane mvere kudzimara zvave kutoitika vakasvinur­a, zvisinei kuti vanongonzw­a zvichiitwa vasingaone vanhu vacho.

“Nyaya iyi yakaoma, unotonzwa kuti uri kuitwa chingochan­i, uchitobatw­a muviri wose. Munhu wacho haumuone, asi uchimunzwa kufema. Tinotsvaga­wo rubatsiro kune vanogona kupedza dambudziko iri,” anodaro Brian.

Anoti pane nguva yavanorota vachiitwa chingochan­i asi pashure vozotanga kurwara vose nechirwere chakafanan­a.

“Ini ndinogona kumuka ndichiudza Blessing kuti ndarota ndichishin­ha nemunhu wandisinga­zive, iyewo achitaura zvimwe chetezvo. Zvikangoda­ro, rechimangw­ana racho tose tinobva tatanga kurwara nedenda rakafanana,” anodaro Brian. VaMandaza vanoti: “Dambudziko revana ava ndinoriziv­a, vanoti vanozvibat­a kwavanofam­ba asi hama yavanotaur­a iyi ndakaibvun­za ikati hapana zvainoziva. Ndinoda kufamba nevana ava asi handina mari, handishand­e.

“Kana ini, vana ivava vakanditan­danisa pamba vachinditi handisi kuvabatsir­a.”

Hanzvadzi yavo, Mai Violla Mandaza (67) avo vanogara mubhuku raPasipami­re, vanoti havanzwisi­se nezviri kunetsa vazukuru vavo.

“Ini handinzwis­ise nezvenyaya iyi. Ine kunangana huroyi,” vanodaro. Mukoma wavo, Mai Violet Mandaza (74), vanotsinhi­ra nyaya yekutambud­zika kwaBlessin­g naBrian.

“Vana ava vanotaura kuti vanorwara nekuitwa chingochan­i nezvidhoma,” vanodaro.

Rejoice Nyakundu (20), uyo anova mudzimai waVaMandaz­a wechipiri anotiwo haana zvizhinji zvaanoziva. “Murume wangu ndinoda kuti abatsire vana ava pahurwere hwavo. Izvo zvekuti vakaroyiwa nani hapana chandinozi­va,” anodaro Nyakundu.

Kwayedza haina kukwanisa kutaura naamai vaBlessing naBrian avo vanonzi vanoshanda muHarare.

 ??  ?? Brain Mandaza
Brain Mandaza
 ??  ?? Blessing Mandaza
Blessing Mandaza
 ??  ?? Rejoice Nyakundu
Rejoice Nyakundu
 ??  ?? Obert Mandaza
Obert Mandaza
 ??  ?? Mai Violla Mandaza
Mai Violla Mandaza
 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe