Kwayedza

‘Shirikadzi dzine kodzerowo’

- Malven Mugadzikwa

VANHUKADZI — zvikuru shirikadzi — vanokurudz­irwa kuti vave neruzivo pamusoro pekodzero dzavo panyaya dzine chekuita nenhaka yezvinhu zvavanenge vashanda pamwe chete nevarume vavo.

Kurudziro iyi yakaitwa svondo rapera naMai Bethany Brown veboka reHuman Rights Watch pagungano revanhukad­zi rakarongwa nemubatani­dzwa wemasangan­o akasiyana muHarare.

“Shirikadzi zhinji dziri kusangana nematambud­ziko ekuti dzonyoresa sei zvinhu zvevarume vavo mumazita avo.

“Vanhukadzi vazhinji vanoziva kuti vane kodzero yekuwana nhaka dzevarume vavo asi dambudziko riri pakuti vamwe vanombunyi­kidzwa munharaund­a dzavagere, kunyanya nehama dzevarume vavo vanenge vachidawo kudya nhaka yemufi,” vanodaro.

Mai Brown vanoendere­ra mberi vachiti: “Kuroorwa kwepachiva­nhu kusina michato kana magwaro mukati ndiko kuri kunyanya kusiya madzimai achimbunyi­kidzwa. Shirikadzi dzikada kuedza kumira pamberi pematare dzinonzi dziburitse magwaro anoratidza umboo zvinova zvinonetsa.

“Dzimwe shirikadzi zvakare dzikada kuti hama dzevarume vavo dzivamirir­e mudare dzinoramba nekuti dzinenge dzichidawo kudya nhaka yemufi.”

Mai Brown vanoti shirikadzi, zvikuru dzekumaruw­a, dzinotadza kuwana mukana wekuti dziende kumatare edzimhosva kuti nyaya dzavo dzinzwike zvinova zvinopedzi­sira zvaita kuti vasiyane nazvo.

Mashoko avo anotsinhir­wa naVaAmatus Rwazemba vesangano rePensione­rs Union Trust of Zimbabwe (PUTZ) vachiti shirikadzi dziri kumaruwa dzinoda rutsigiro rwakasimba maererano nekuti dzizive kodzero dzadzo.

“Kumaruwa kazhinji kwakanyany­a kuzara nyaya dzeshirika­dzi dzinotorer­wa minda pamwe chete nezvipfuyo zvavanenge vasiirwa nevarume vavo. Panoda kuti madzimai adzidziswe zvakanyany­a panyaya idzi nekuti vamwe vacho vari kutosiya misha yavakavaka nevarume vavo vachitamis­wa nehama dzevarume kuti vadzokere kuvabereki vavo,” vanodaro.

Izvi, vanodaro VaRwazemba, zvinowanzo­itika kana munhu akaroorwa kudunhu riri kure nekwaakabe­rekerwa.

“Panodiwa kuvandudzw­a kwenzira dzekuti madzimai ave neruzivo rwakakwana maererano nekodzero dzavo mushure mekunge vafirwa nevarume vavo,” vanodaro.

Mukuru wesangano reFemale Prisoners Support Trust, Dr Rita Nyamupinga, vanotiwo pavanhukad­zi vari kumajeri akasiyana, vamwe vacho ishirikadz­i avo vanopara mhosva pavanenge vachizama kuriritira mhuri dzavo.

“Izvi zvinowanzo­itika kana mukadzi adzingwa kumusha kwemurume wake ashaya ava kuda kuedza kuraramisa mhuri yaakasiirw­a. Vamwe vakadzi havapare mhosva nekuda asi kuti vanenge vachida kuriritira mhuri dzavanenge vakasiirwa. Panofanira kuva nemushandi­rapamwe wemasangan­o akasiyana-siyana mukuderedz­a matambudzi­ko akaita seaya,” vanodaro.

Mamwe emasangano aive nevamiriri pagungano iri anosangani­sira Jekesa Pfungwa, Legal Resources Foundation neMusasa Project.

 ??  ?? Bethany Brown
Bethany Brown
 ??  ?? Dr Rita Nyamupinga
Dr Rita Nyamupinga
 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe