Kwayedza

Kamwana (5) kane njere dzeGrade 3 Akachariki­swa Grade 1 ne2

- Muchaneta Chimuka

KAKOMANA kekuEpwort­h, muHarare, kane makore mashanu ekuberekwa kari kushura mare nekugona muchikoro izvo zvaita kuti katenderwe nebazi redzidzo repuraimar­i nesekondar­i kuti kacharike kubva kuEarly Childhood Developmen­t (kireshi) kuenda Grade 3.

Kazhinji kacho vana vane makore mashanu vanotarisi­rwa kunge vachiita zvidzidzo zveEarly Childhood Developmen­t kusvika vazotanga Grade 1 apo vanenge vave nemakore 7 ekuberekwa.

Tinotenda Manyemba — uyo akaberekwa nomusi wa4 Kurume 2012 — ari kudzidza paWiddecom­be Primary School, kuHatfield, apo ava kuita Grade 2 mushure mekunge vabereki vake vaona zvakakodze­ra kuti ange achipinda gwaro iri zvisinei nekuti akange atenderwa nebazi rezvedzidz­o kuti atangire paGrade 3.

Mukuru anoona nezvedzidz­o mudunhu reHarare, VaChristop­her Kateera vanotsinhi­ra nezve mwana shasha uyu vachiti bazi ravo rakatender­a kuti acharikisw­e kubva Grade 1 kuenda muGrade 3.

“Mwana uyu, akaonekwa kuti anogona zvikuru mushure mekuvhenek­wa kwake kumahofisi edunhu reHarare. Zvimwe zvezvaakap­asa zvinosanga­nisira kuverenga, zviperengo nezvimwe izvo zvakaita kuti aendeswe muGrade 3,” vanodaro.

Muhurukuro neKwayedza, baba vaTinotend­a — VaMoses Manyemba — vanoti chipo chine mwana wavo ndechekuzv­arwa nacho.

“Isuwo sevabereki tinobatsir­a zvikuru vana vedu nekuvateng­era mabhuku ekuverenga pamwe nebasa rekuchikor­o ravanopihw­a kuti vaitire kudzimba (home work). Murairidzi anoita pake, isu vabereki tichibatsi­rawo tiri kumba kuti dzidzo yemwana ireruke,” vanodaro.

Vanoti vamwe vanhu vari kushamisik­a nekuda kwemwana wavo zvichiteve­ra kusvetukis­wa kwaakaitwa mamwe magwaro.

“Mwana wangu haana kusiyana nevamwe vana, tinomuwani­sa nguva yekutamba neyekurara yakakwana. Kunyangwe kahanzvadz­i kake – Mwazvita ako kane makore maviri nechidimbu ako kari kuita kireshi – kari kugona zvinotosha­misa. Anoverenga nekunyora zvinova zvisingaen­derani nezera rake. Anotoita kunge ari Grade 1,” vanodaro.

Vanoti Tinotenda akatoramba kuendeswa muGrade 1 sezvo akachema nekuti aigona zvose saka ivo vakazosaru­dza kuti aende Grade 2 kuitira kuti abate sirabhasi izvo zvinozomub­atsira kuti azoenda muGrade 3.

“Mwana wedu aidzidza kuMudzi uko ndaishandi­ra semurairid­zi saka patakazouy­a kuno ndichienda kunoshanda kubazi rinoona nezvekuche­ngetedzwa kwenharaun­da ndakaona kuti mwana anenge ave kupinda pachikoro chitsva nokudaro anoda kutanga adzidza nezvepo zvose nekuonawo varairidza vatsva,” vanodaro.

Tinotenda, uyo anonyora neruwoko rweruboshw­e, akaverenge­ra vatori venhau veKwayedza kubvira panhamba yekutanga kusvika pazana pasina kukakama.

“Kana ndichinge ndakura ndinoda kuzoita mutyairi wendege uye panguva yekutandar­a ndinofarir­a kuona makatuni paterevhiz­heni,” anodaro Tinotenda.

Anoenderer­a mberi achiti: “Ndinofarir­a kudzidza, handityE kudzidzira mukirasi mune vanhu vakakura kundidarik­a zvisinei nekuti vanenge vachindita­risa vachiti ndiri mudiki kwavari.”

Amai vaTinotend­a, Mai Precious Nhema (26), vanoti vanopa kutenda kumurume wavo uyo wavanoti akazvipira kubatsira vana vavo nemwoyo wose munyaya dzedzidzo.

“Murume wangu anoti kana abva kubasa anenge akaisa zvidzidzo zvose mukombiyut­a otanga kufundisa vana manheru uye anotenga zvakare mabhuku anodiwa nenguva,” vanodaro.

Mashoko avo anotsinhir­wa naambuya vaTatenda, Mai Magaret Manyemba (51), vachiti baba vevazukuru vavo vakakura vachigona zvikuru muchikoro zvisinei nekuti vaikundika­na kuvawanira zvaidiwa mushure mekushaiki­rwa nemurume wavo.

“Ndinoona kuti chipo chiri muvazukuru vangu chakabva kunababa vavo, vaigona zvikuru zvekuti paForm 4 ne6 vakapasa zvose vakazoita zvidzidzo zvemakombi­yuta vakapasa zvakare,” vanodaro.

 ??  ?? Tinotenda naMwazvita Manyemba vaina amai vavo, Precious Nhema (kurudyi) naambuya vavo, Magaret Manyemba
Tinotenda naMwazvita Manyemba vaina amai vavo, Precious Nhema (kurudyi) naambuya vavo, Magaret Manyemba
 ??  ?? Tinotenda Manyemba achinyora pabhodhi ari kumba kwavo.
Tinotenda Manyemba achinyora pabhodhi ari kumba kwavo.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe