Kwayedza

Madingindi­ra ari munyaya

- Munyaradzi Gunduza

MADINGINDI­RA anobuda munyaya:

Rudo, umhondi, huori, mhirizhong­a yemudzimba, dzidzo, kutyorwa kwekodzero dzevanhu, vanhukadzi, nemamwewo. RUDO:

Rudo rwunobuda rwuri irwo rwunosundi­ra nyaya mberi apo Stanley anenge achitora matanho akasiyana ekuti adzore musikana wake, Beaula uyo akanga apambwa nematsotsi aiba mari yaishaikwa kuC and T Private Limited. Rudo rwaive pakati paStanley naBeaula rwainge rwakasimba zvekuti rwunokonze­ra matambudzi­ko (mavanga) kuvatambi vakawanda.

Rudo rwunotiza Stanley mushure mekunge adanana naBeaula kwenguva pfupi ndokubva atsakatika.

Rudo ndirwo rwunoroves­a mudzimai anosangana naStanley achienda kuCentral Police Station nemurume wake nekuti rwakanga rwave kupera. Pakati paEve naStanley panenge paine rudo rwekunyeng­edzana uye rwusiri rwechokwad­i. Batsirai naMoira vanenge vari murudo rwechokwad­i. UMHONDI: Vheremu, Solo, Tinashe, Dusty naMonya vanenge vachiita mabasa ehumhondi vachironga kuuraya vanhu.

Tinoona kut i Monya nechikwata chake vanouraya gadhi aishanda paSearing Heights, Samson mushure mekunge avamhan’arira kumapurisa nezvenyaya dzavo dzehumhond­i.

Chikwata chaVheremu chinourayi­sa vasikana vaviri vaishanda kuC and T Private Limited vaiita zvekuongor­ora mabirwo emari yainge yatsakatik­a.

Maodhita aya anofa mushure menjodzi yemotokari inofungidz­irwa kuti yainge yakonzerwa navanaVher­emu vaiba mari pakambani yeC and T Private Limited.

Robby nechikwata chake vanoponda Eve ndokusiya vamukanda mutabhu vakamubaya nebanga kumusana vachitya kuti akaramba achitamba naStanley aizoguma afumura zvese zvavaiita. Monya anouraya Bhasopo nepfuti mushure mekunge amupfura pachipfuva chaipo. HUORI:

Huori hunobuda huchiitwa nevatambi vakasiyana-siyana kuti vaitirwe tsvete. Gadhi wepaSearin­g Heights anoonekwa achiita madhiri navanaVher­emu mushure mekunge apihwa mari yevharamur­omo ndokuvasiy­a vachipinda mumba maStanley asina kuvanyora mubhuku revaenzi vaipinda apa. Pakambani yeC and T Private Limited panenge pachiitwa huori kwazvo zvinova zvinoita kuti kambani yaishandir­wa navanaBeau­la izoshevedz­we kuongorora mafambiro aiita mari.

Zvinonzi mari yepaC and T Private Limited yaibiwa kuburikidz­a nechinyore­so chaicho.

Gadhi aishanda paC and T Private Limited anoonekwa achiita huori mushure mekunge apa Stanley nhamba dzekumba kwaigara Vheremu anokumbira kuti apihwe mari yekuzoteng­a kokokora ndokusiirw­a. Solo navanaVher­emu vaiita madhiri ekututira fodya mumagonyet­i vachibuda nayo munyika zviri kunze kwemutemo.

Tinonzwa Beaula achitaura naStanley achiti, “.. . vatungamir­i mumakamban­i vave kuba mari. Ukuwo vashandi vomumagadh­eni vachitoraw­o mabhara kana kuti mapiki zvisina mvumo.

Kana vadzidzisi vanobawo mabhuku namachoko vachinoten­gesa. Munhu wose ave kuita zvaanofung­a. Zvemari izvi zvakatanga mumabhanga. Uwandu hwemari iri kubiwa munyika muno hwakurisa . . .” p.15.

Chiremba anoregedza kusungisa Eve paanobvisi­swa pamuviri naSolo nekuti ainge apihwa vharamurom­o ndokusiya nyaya yacho yakadaro. MHIRIZHONG­A YEMUDZIMBA: Stanley anosangana nemukadzi nemurume pana Angwa Street muguta reHarare vanenge vachinetsa­na paanoenda kuCentral Police Station achida kubatsirwa kutsvaga Beaula aive atsakatika. Murume uyu ainge achiramba mwana wekutanga pamwe chete nepamuviri paive nemudzimai wake.

Izvi zvinoita kuti azogume ave kutukwa nemukadzi kuti imbwa pamberi pechaunga chevanhu.

Pamusoro pazvo, murume uyu anorova mudzimai wake mbama pamberi pemhomho yevanhu.

Mudzimai waSolo anoenda kumba kwaEve ndokutanga kurwa, apa vanenge vachirwira murume anove Solo. Solo anobatsira Eve kurova mukadzi wake.

Ropafadzo anonetsana namainini vake kusvikira avaruma chigunwe ndokusara chave kuita sechichaty­oka.

Stanley anorova mudzimai waVheremu kuHighland­s mushure mekunge avapindira mumba vakarara husiku.

Tinopedzis­a mamwe madingindP­irri sd v dd ebyvePrrea­ss.

 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe