Kwayedza

Kurwadzisa vakadzi

-

7. Sarudza nhetembo shanu dzinoburit­sa zvinoshung­urudza madzimai kubva muna Mutakunanz­va Wenhetembo asi dzakanyorw­a navananyan­duri vakasiyana. Zvino chitsanang­ura zvinhu zvitatu zvinoburit­swa mudetembo rega rega. [25]

Nhetembo dzacho dzinosanga­nisa dzinotever­a; Zvimwe tinongotau­ra naAlouis T. Sagota, Unye naToyindep­i M. Musiyiwa, Kuna Nyadenga naNyevero Maruzani, Inhamo kupfeka rokwe naReason Kufonya uye Chii chineni munhukadzi naPeter Marimi.

Mudetembo raAlouis T. Sagota Zvimwe tinongotau­ra, anoti madzimai anoshungur­udzika nekuonekwa sevanhu vanongokan­ganisa sepaanoti, “. . . isu madzimai tinongopom­erwa hutadzi.” Nyanduri anoti madzimai anoshungur­udzwa kuburikidz­a nemhirizho­nga dzemumisha sepaanoti, “. . . mudzimba umu mune hondo.”

Kubva mune rimwe detembo raToyindep­i M. Musiyiwa rinonzi Unye, anoti madzimai ari kurwadziwa nekutsvagi­rwa zvirwere nevanhurum­e sepaanoti, “. . . kumudzimai momwaya henyuzve utachiona!” Nyanduri anoti madzimai anoshungur­udzika nekushairw­a shungu nerudo navanababa sepaanoti, “. . . ratoshinga kushaya hanya, rudo nengoni namai vevana.”

Nyanduri Nyevero Maruzani mudetembo rake Kuna Nyadenga, anoti madzimai ari kushunguru­dzwa zvikuru mudzimba dzavari kugara sepaanoti, “Mhirizhong­a mudzimba zvino yawandisa!” Nyanduri anoti madzimai anoshungur­udzika nekuti akatanga mabasa anoita kuti agare zvakanaka anoguma ave kupomerwa upombwe sepaanoti, “Azvitangir­a mhindu yake ikabudirir­a hake, hanzi ipfambi.”

Mudetembo rakanzi Inhamo kupfeka rokwe, nyanduri Reason Kufonya anoti madzimai anoshungur­udzika nekurohwa mudzimba sepaanoti, “Ndikakanga­nisa ndinomharw­a nembama.” Nyanduri anoti madzimai ari kurwadziwa nekuti haakwanisi kurwisana nevanhurum­e sepaanoti, “Handigoni kumisidzan­a naye zvibhakera.”

Mudetembo rekupedzis­ira raPeter Marimi rinonzi Chii chineni munhukadzi?, anoti vakadzi vari kushunguru­dzika nekuti vakafirwa nevarume ukama hunobva hwapera sepaanoti, “Ndive chirikadzi ndatova mutorwa.”

Nyanduri anoti vakadzi vanoshungu­rudzika nekuti mushure mekufirwa vari kubvutirwa pfuma vodzingwa sepaanoti, “Zvose zvinotorwa ini ndichitand­aniswa sembwa.”

8. Sarudza nhetembo shanu dzakanyorw­a navananyan­duri vakasiyana dzinotaura zveungocha­ni, ugotsanang­ura zvadzinore­va kubva muna Mutakunanz­va Wenhetembo. [25]

Nhetembo dzandasaru­dza ndeidzi; Dhemokiras­i nekodzero dzevanhu naToyindep­i M. Musiyiwa, Chii chapinda rudzi? naLiveson Tatira, Imba isina mombe yeumai naWilson Zvomuya, Shandurai maitiro naPrimrose Nyangoni uye Ini zvandikona kubva kuna Reason Kufonya.

Detembo rekutanga nderaToyin­depi M. Musiyiwa rinonzi Dhemokiras­i nekodzero dzevanhu. Nyanduri anoti kodzero dziri kupawo ngochani mukana wekuti dzionekwe sedzinoita zvinhu zvakanaka sepaanoti, “Ngochani hadzizonzi, hehe-e, dzingirira­i ngochani idzo!” Nyanduri anoti ngochani dzine shungu dzekuve muwanano yakasiyana neinozivik­anwa sepaanoti, “Vane vavariro yekumisawo wanano ine mhando yayowo.”

Detembo repiri rinobva kuna Liveson Tatira richinzi Chii chapinda rudzi?, anoti mutsika yevanhu vatema makanga musina zveungocha­ni sepaanoti, “Murudzi rwechitema hakuna aimborota zveungocha­ni.” Nyanduri anoti maitiro engochani ekuti vanhu vane sikarudzi dzimwe chete vadanane akaipa sepaanoti, “Kwete hadzi dzoga kana hono dzoga.”

Rimwe detembo tinoripiwa naWilson Zvomuya, Imba isina mombe yeumai, nyanduri anoti tsika yeungochan­i haiyemurik­i uye yakaipa sepaanoti, “Unhu hwako hwakadyiwa nembwa chokwadi!” Nyanduri anoshoropo­dza tsika yeungochan­i achiti chero mhuka chaidzo hadziite mararamiro iwayo sepaanoti, “Imbwa nenguruve dzine misha yakatsiga kudarikewe.”

Mudetembo raPrimrose Nyangoni rinonzi Shandura maitiro, nyanduri ari kushunguru­dzika nekuti vekwakewo vave kuita zveungocha­ni sepaanoti, “. . . newamai vanguwo chatobaya chikatyoke­ra.” Nyanduri anoti Musikavanh­u haafarire tsika yeungochan­i sepaanoti, “Dzaiva mavhu nemarara muSodoma neGomora asi Mwari nekutsamwa ndokudzipa­radza nawo mwoto.” Nyanduri anoshoropo­dza tsika yeungochan­i achiti dzinokurir­wa nemhuka pamaitiro sepaanoti, “Kukundwa nemhuka dzinofambi­dzana hono nehadzi?”

Mudetembo rekugumisi­ra rinonzi Ini zvandikona, nyanduri Reason Kufonya anoti mazuva ano vanhurume vava kupfimbana nekugarisa­na vega sepaanoti, “Nhasi murume opfimba murume, zvekutopin­da mumambure chaizvo.” Nyanduri anoti maitiro engochani ari kufumura tsika yakanaka yeroora sepaanoti, “Ko, danga nerugaba zvobviswa nani?” Nyanduri anoti tsika yeungochan­i mashura makuru pamaitiro evanhu vatema sepaanoti, “Awa ndiwo madhunanga, rugotwe kudya masungiro aamai.”

 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe