CHISHONA CHAKANAKA
musasa apo panoda hunyanzvi hwehwezvo. Rondedzero inofanirwa kutapira kukunda dzimwe saka zvinobvira kunhanganyaya. Nhanganyaya inofanira kubata mbariro dzepfungwa dzemukwenyi kuitira kuti apindwe nechidakadaka chekuda kunzwa zvakazoitika. Kana mukwenyi akashaya chidakadaka chekuenderera mberi zvoreva kuti goho ratokamuka.
Munhanganyaya ndimo munobuda nzwisa yekuti toteerera here kana kuti tava kungoitawo.
Vamwe vanoita nhanganyaya dzekutanga netsumo vamwewo vanotanga nemamiriro ekunze vamwe vachipawo pfupiso yezvakaitika.
Nhanganyaya haifanirwi kurebesa. Ngaive nzwisa yakafanana neyengoto isingazadzwi komichi.
Tabva munhanganyaya tinobva tati tindindi mumutumbi werondedzero.
Mutumbi werondedzero unoita zvikamu zvitatu kana zvina nekuti ndiyo rondedzero yacho.
Ndipo pandati tinokoshesa kushanda kwepfungwa huru kuparura chikamu chega kozopinda zvitsigira pfungwa huru nemhedziso yakanangana nezvechikamu ichocho.
Kana chakanangana nenyaya yezvekudya ngachive chikamu chine zvekudya chete. Kana wotaura nezvezvipfeko watorasika chose.
Zvinoreva kuti unogona kubuda nepfungwa huru dzako nhatu kana ina zvoreva kuti rondedzero yako ichatenderera pazvikamu izvozvo. Pfungwa huru dzaunofunga kutanga chikamu chako ndiwo mabhonzo. Paunopinza zvitsigira pfungwa huru watova kuisa munyepfu nemarunda kuti mutumbi uchimira.
Paunozoisa mhedziso wava kuisa ganda rekuti nyama nemabhozo zvichibatana pagova nechinhu chaicho. Zvinoreva kuti kana watadza marongero emunyepfu, uchaisa marunda pasipo mutumbi wotadza kumira nekufamba.
Uchinge zvino wapedza kunyora zvikamu zvako zvine hochekoche, unochienda kumupendero werondedzero yako. Pachikamu chega chega wambenge uchiisa mhedziso asi iye zvino pava kudiwa zimai remhedziso iro rinokokotedza twese twakakosha twataurwa kumusoro twochirukwa mumutsara mumwe chete.
Chiripo ndechekuti wagona here kubata zvose zvawambobuditsa mukunyora kwawamboita.
Ngatiti wataura nezvemuchato wawakaenda saka mhedziso yaungapa inogona kufamba sezvizvi, “Machenero akanga akaita muchati nevaperekedzi vake, machikichori atakapishana nawo emavhizhongo, dhindindi raidandaurwa nehungwandangwanda hwezvipo zvakadirana zvakaenda zviri pamuromo pemhomho yevanhu yakanga iripo”.
Mhedziso yacho ngaisiye munhu atura befu sekunge anga ari parwendo izvo iye anga achingaranganda kuverenga chinyorwa chakarongeka.
Donzvo redu nderekutsvaga goho guru uye kukunda mazana akazanirana evana vanenge vanyora bvunzo imwe cheteyo. Rondedzero yacho inotoda kudzidzirwa kwenguva.
b k P ji
J Trusau, Chishawasha – Tsumo:
1. Chiri pamuchena chiri pasambe;
2. Murombo haarovi chine nguwo; 3. Zano ndega akasiya jira mumasese; 4. Matakadya kare haanyaradze mwana;
5. Mandikurumidza akazvara mandinonokera.
***
Learmore Gundani, Grade 7, Beatrice – 1. muninga; 2. chine nguwo;
3. mumasese; 4. mwana; 5. mandinonokera
***
Sandra Manunure, Form 4, Vibrant Brooms, Kadoma – 1. Chiri pamuchena chiri pamutenure; 2. Murombo harovi chine nguwo ndiwo rushambwa rwakatangira kuma humbwe; 3. Zano ndega akasiya jira kumasese; 4. Matakadya kare haanyaradzi mwana;
5. Mandikurumidze akazvara mandinonoke.
***
0778 833 934 – 1. Chawanana idya nehama mutorwa ane hanganwa; 3. Kugocha kunoda kwaamai k kwomwana k kunodzimad i moto; 4 4. Ch Charovedzera charovedzera gudo rakakwira mawere kwasviba; 5. Tsapata rukukwe hazvienzani nekurara pasi.
***
Lesley Chimbo, Form 3, Glen Norah – 1. pamutenure; 2. chine nguwo; 3. mumasese; 4. mwana; 5. mandinonoke.
***
Mugambiwa Simon, Gokwe – 1. pamutema; 2. chine nguvo; 3. mumasese; 4. mwana; 5. mandinonokere.
***
0773 918 460 – 1. Chiri pamuchena chiri pamutenure; 2. Murombo haarovi chine nguwo; 3. Zano ndega akasiya jira mumasese; 4. Matakadya kare haanyaradze mwana; 5. Mandikurumidze akazvara mandinonoke.
***
Batirai Zvikomborero, Honde Valley – 1 pamutondo; 2. chine nguvo;
3. mumasese; 4. mwana; 5. mandinonoke.
***
Phillip Ruzani, Harare – 1. Chiri pamuchenah chirihi i pamutenure; 2 2. Murombo haarovi chine nguwo; 3. Zano ndega akasiya jira mumasese; 4. Matakadya kare haanyaradzi mwana;
5. Mandikurumidzire akadana mandinonoke.
***
Sheron Mutasa, Hatfield – Tsumo:
1. pamutenure; 2. chine nguvo; 3. mumasese; 4. mwana; 5. mandinonoke.
***
Exceed Gosha, Grade 4 Tafadzwa Primary, Unit L, Chitungwiza. – Mubvunzo wangu unoti tsaiya ihari inobikirwa chii? ZVEKUITA SVONDO RINO: Tipe mazita evana vezvinhu izvi:
1. Mwana wehwiza –
2. Mwana wedatya –
3. Mwana wekatsi –
4. Mwana wenguruve –
5. Mwana wembeva –
***
Mhinduro svondo rinouya. . Tumirai mhinduro panhare dzinoti: 0714 200 007