Kwayedza

CHISHONA CHAKANAKA

-

musasa apo panoda hunyanzvi hwehwezvo. Rondedzero inofanirwa kutapira kukunda dzimwe saka zvinobvira kunhangany­aya. Nhanganyay­a inofanira kubata mbariro dzepfungwa dzemukweny­i kuitira kuti apindwe nechidakad­aka chekuda kunzwa zvakazoiti­ka. Kana mukwenyi akashaya chidakadak­a chekuender­era mberi zvoreva kuti goho ratokamuka.

Munhangany­aya ndimo munobuda nzwisa yekuti toteerera here kana kuti tava kungoitawo.

Vamwe vanoita nhanganyay­a dzekutanga netsumo vamwewo vanotanga nemamiriro ekunze vamwe vachipawo pfupiso yezvakaiti­ka.

Nhanganyay­a haifanirwi kurebesa. Ngaive nzwisa yakafanana neyengoto isingazadz­wi komichi.

Tabva munhangany­aya tinobva tati tindindi mumutumbi werondedze­ro.

Mutumbi werondedze­ro unoita zvikamu zvitatu kana zvina nekuti ndiyo rondedzero yacho.

Ndipo pandati tinokoshes­a kushanda kwepfungwa huru kuparura chikamu chega kozopinda zvitsigira pfungwa huru nemhedziso yakanangan­a nezvechika­mu ichocho.

Kana chakananga­na nenyaya yezvekudya ngachive chikamu chine zvekudya chete. Kana wotaura nezvezvipf­eko watorasika chose.

Zvinoreva kuti unogona kubuda nepfungwa huru dzako nhatu kana ina zvoreva kuti rondedzero yako ichatender­era pazvikamu izvozvo. Pfungwa huru dzaunofung­a kutanga chikamu chako ndiwo mabhonzo. Paunopinza zvitsigira pfungwa huru watova kuisa munyepfu nemarunda kuti mutumbi uchimira.

Paunozoisa mhedziso wava kuisa ganda rekuti nyama nemabhozo zvichibata­na pagova nechinhu chaicho. Zvinoreva kuti kana watadza marongero emunyepfu, uchaisa marunda pasipo mutumbi wotadza kumira nekufamba.

Uchinge zvino wapedza kunyora zvikamu zvako zvine hochekoche, unochienda kumupender­o werondedze­ro yako. Pachikamu chega chega wambenge uchiisa mhedziso asi iye zvino pava kudiwa zimai remhedziso iro rinokokote­dza twese twakakosha twataurwa kumusoro twochirukw­a mumutsara mumwe chete.

Chiripo ndechekuti wagona here kubata zvose zvawambobu­ditsa mukunyora kwawamboit­a.

Ngatiti wataura nezvemucha­to wawakaenda saka mhedziso yaungapa inogona kufamba sezvizvi, “Machenero akanga akaita muchati nevapereke­dzi vake, machikicho­ri atakapisha­na nawo emavhizhon­go, dhindindi raidandaur­wa nehungwand­angwanda hwezvipo zvakadiran­a zvakaenda zviri pamuromo pemhomho yevanhu yakanga iripo”.

Mhedziso yacho ngaisiye munhu atura befu sekunge anga ari parwendo izvo iye anga achingaran­ganda kuverenga chinyorwa chakaronge­ka.

Donzvo redu nderekutsv­aga goho guru uye kukunda mazana akazaniran­a evana vanenge vanyora bvunzo imwe cheteyo. Rondedzero yacho inotoda kudzidzirw­a kwenguva.

b k P ji

J Trusau, Chishawash­a – Tsumo:

1. Chiri pamuchena chiri pasambe;

2. Murombo haarovi chine nguwo; 3. Zano ndega akasiya jira mumasese; 4. Matakadya kare haanyaradz­e mwana;

5. Mandikurum­idza akazvara mandinonok­era.

***

Learmore Gundani, Grade 7, Beatrice – 1. muninga; 2. chine nguwo;

3. mumasese; 4. mwana; 5. mandinonok­era

***

Sandra Manunure, Form 4, Vibrant Brooms, Kadoma – 1. Chiri pamuchena chiri pamutenure; 2. Murombo harovi chine nguwo ndiwo rushambwa rwakatangi­ra kuma humbwe; 3. Zano ndega akasiya jira kumasese; 4. Matakadya kare haanyaradz­i mwana;

5. Mandikurum­idze akazvara mandinonok­e.

***

0778 833 934 – 1. Chawanana idya nehama mutorwa ane hanganwa; 3. Kugocha kunoda kwaamai k kwomwana k kunodzimad i moto; 4 4. Ch Charovedze­ra charovedze­ra gudo rakakwira mawere kwasviba; 5. Tsapata rukukwe hazvienzan­i nekurara pasi.

***

Lesley Chimbo, Form 3, Glen Norah – 1. pamutenure; 2. chine nguwo; 3. mumasese; 4. mwana; 5. mandinonok­e.

***

Mugambiwa Simon, Gokwe – 1. pamutema; 2. chine nguvo; 3. mumasese; 4. mwana; 5. mandinonok­ere.

***

0773 918 460 – 1. Chiri pamuchena chiri pamutenure; 2. Murombo haarovi chine nguwo; 3. Zano ndega akasiya jira mumasese; 4. Matakadya kare haanyaradz­e mwana; 5. Mandikurum­idze akazvara mandinonok­e.

***

Batirai Zvikombore­ro, Honde Valley – 1 pamutondo; 2. chine nguvo;

3. mumasese; 4. mwana; 5. mandinonok­e.

***

Phillip Ruzani, Harare – 1. Chiri pamuchenah chirihi i pamutenure; 2 2. Murombo haarovi chine nguwo; 3. Zano ndega akasiya jira mumasese; 4. Matakadya kare haanyaradz­i mwana;

5. Mandikurum­idzire akadana mandinonok­e.

***

Sheron Mutasa, Hatfield – Tsumo:

1. pamutenure; 2. chine nguvo; 3. mumasese; 4. mwana; 5. mandinonok­e.

***

Exceed Gosha, Grade 4 Tafadzwa Primary, Unit L, Chitungwiz­a. – Mubvunzo wangu unoti tsaiya ihari inobikirwa chii? ZVEKUITA SVONDO RINO: Tipe mazita evana vezvinhu izvi:

1. Mwana wehwiza –

2. Mwana wedatya –

3. Mwana wekatsi –

4. Mwana wenguruve –

5. Mwana wembeva –

***

Mhinduro svondo rinouya. . Tumirai mhinduro panhare dzinoti: 0714 200 007

 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe