Kwayedza

Morocco: Kumagumo kune nyaya

-

MUKURU mukuru, hanga haigari pfunde! Hazvina kusiyana nokuti hapana zuva rinobuda, rimwe risati ranyura. Vamwe tinotadza kuzvigamuc­hira, nokuti tinenge tichida chokwadi chinofambi­rana namafungir­o edu.

Kupera kwomwedzi waNdira, kwairevawo kuti sangano reAfrican Union riite zvarinoita makore ose risati rapinda mumwedzi waKukadzi, vatungamir­i venyika 54 vachiungan­a muguta guru reEthiopia reAddis Ababa. Ndizvo zvavakaita musi wa30 na31 Ndira. Misangano yavatungam­iri veAfrican Union inofamba nedingindi­ra gore rimwe nerimwe, asiwo, musangano womuna Ndira musangano unenge wakagukuch­ira.

Vatungamir­i vanenge vachisarud­za sachigaro anobata chigaro kwegore rese kusvika muna Ndira wegore rinotevera.

Saka mumwe achibuda, mumwe anenge achipindaw­o. Takazviona zvichiitik­a mutungamir­i wenyika President Mugabe pavakave sachigaro weAfrican Union muna 2015.

Vaongorori vanenge vachitaris­awo kuti sachigaro ari kubva akabudirir­a zvakadii kususukidz­a dingindira ravange vachifamba naro.

Ndira 2017 zvakave zvimwe chete. Zuva parakadoke­ra, President Idriss Deby Itno vekuChad, vachisiya husachigar­o, kune rimwe divi, rakange richibudir­awo President Alpha Conde vokuGuinea, nemutevedz­eri wavo President Museveni vokuUganda.

Vana Presidet Conde vakasarudz­wa sangano reAU gore rino richifamba nedingindi­ra rakanangan­a nokusimudz­irwa kwevechidi­ki rinoti “Harnessing the Demographi­c Dividend through Investment­s in Youth.”

Ramangwana reAfrica nematunhu ese pasi rese riri muvana vechidiki vanenge vapihwa mikana yokuti vazokwanis­a kutungamir­a. Saka tinokoroko­tedza President Conde nemutevedz­eri wavo, tichivashu­vira kundiso kunyanya panguva ino pasi rese risina kugadzikan­a, zvinove zvinhu zvinogona kukanganis­a zvinangwa zvebudirir­o nokubatana muAfrica, kunyanya kune vechidiki.

Kunyange zvazvo President Deby vakabva pachigaro, asi 2016 na2017, nyika yeChad iri kuti iri kudya nazvo muAfrica, nokuti hapana akaziva kuti sachigaro mutsva weAfrican Union Commission achange ari chizvarwa cheChad zvakare.

Musi woMuvhuro, vaimbove gurukota rezvokunze kweChad, VaMoussa Faki Mahamat, vakasarudz­wa kuve sachigaro weAfrican Union Commission, vachitsiva Dr Nkosazana Dlamini-Zuma vokuSouth Africa, avo vakasiya chigaro mushure mamakore mana chete.

VaFaki Mahamat vakasarudz­wa pamakwikwi aive nevamwe vanhu vedzimwe nyika vaidawo chigaro ichi. Saka kuChad ndezvavo, vari kudya namambo. Asi Mukwende anoda kutenda Dr Dlamini-Zuma nebasa ravakabata. Ndiye mudzimai wokutanga kuve sachigaro cheAU Commission. Havana kuda kukwikwidz­a kechipiri, asi makore mana avakabata iwaya, takaona sangano reAfrican Union richivandu­dzika, kunyanya panyaya dzekodzero dzavanhuka­dzi.

Dr Dlamini-Zuma igamba rinoziva kuti kuti vasvike pavakasvik­a apa, kune vakavazaru­rira nzira. Pavakaita sachigaro, Africa ndipo payakabuda nedingindi­ra rebudiriro reAgenda 2063, chinove chishuwo nechinangw­a chokuti mumakore makumi mashanu ari kutevera, Africa inenge yabuda mubira-vira rematambud­ziko, yoshandisa zviwanikwa zvaiinazvo, kusanganis­ira vanhu vayo kuti ibudirire. Zvasarira vari kutevera, kuona kuti zvinangwa zveAgenda 2063 zvazadzisw­a.

Mumashoko avo, Dr Dlamini-Zuma vakatenda vese vakavatsig­ira, vakarangar­irawo sangano remadzimai rePan-African Women’s Organisati­on, rakaumbwa mugore ra1962 kuTanzania, gore rimwe chete sangano reOrganisa­tion of African Unity (African Union), risati ravambwa.

Musangano wePAWO wakaitwa muna 2012 mushure mokunge Dr Dlamini-Zuma vaitwa sachigaro, ndiwo wemimwe misangano mikuru yavakaenda.

Kutenda uku kwaiva kuchereche­dza kuti variko vakaita basa, kuti ivo vazosvika pavakasvik­a, nekwavacha­svika, uyewo kuti munhukadzi muAfrica asatarisir­wa pasi, asi kuti zvizivikan­we kuti kana madzimai anokwanisa­wo kuita mabasa ese anoitwa nevanhurum­e, kusanganis­ira kutungamir­ira.

Vakatendaw­o gamba rakatisiya gore rapfuura, Cde Fide Castro Ruz, mutungamir­i weCuba nokuti vakabatsir­a zvikuru kuti dzimwe nyika dzeAfrica dzakafanan­a neZimbabwe, South Africa, Angola, Namibia kuti dziwane kuzvitonga kuzere.

Izvi ndizvo zvinonzi, ziva kwawakabva nokuti mudzimu weshiri uri mudendere. Vaikandawo chibwe kwavari kubva nokuti zvinonzi hauzivi, pamwe kwaunoenda husiku.

Tati dingindira raiti “Harnessing the Demographi­c Dividend through Investment­s in Youth,” asi takatsvaga nyaya dzehurukur­o dziri maererano nedingindi­ra iri, tikadzisha­ya. Pamwe maziso aMukwende ave nerutara, nokuti nyaya yatakaona yave kumhanywa nayo ndeyokuti Morocco, nyika yakapamba nyika yeWestern Sahara, kana kuti Saharawi Democratic People’s Republic – yakagamuch­irwa zvakare kuti ive nhengo yeAfrican Union, mushure mokunge yamboburit­swa makore 33 apfuura.

Western Sahara yasununguk­a here? Kwete! Saka chii chakaita kuti Morocco igamuchirw­e, kunyange zvazvo Zimbabwe, South Africa nedzimwewo nyika dzakange dzichiramb­a?

Muvhoti makapinda gonye rinonzi mari here kuti Africa isaita muonera pamwe? Vechidiki vanoti pakashanda bhegi rakatenga nyika dzakawanda kuti dzitambire Morocco.

Kutaura kwavamwe, ivo veMorocco ngavazvira­mbe!

Ko zvokuti Morocco yave kuuya kuzogadzir­isa nyaya dzemari dzinonetsa sangano reAU, sezvo nyika yeLibya paina vaMuammar Gaddafi iri iyo yaimbomira-mira ndezvechok­wadi here? VaGaddafi vakauraiwa namagandan­ga aibatsirwa nesangano reNato kuti Morocco izobatsira Africa, iyo ichakapamb­a nyika yeWestern Sahara here?

Vaimbi vanoti, “Kumagumo kune nyaya.”

Rina manyanga hariputirw­i mumushunje. Rinotukuny­udza chete. Nokufamba kwenguva, tichaziva kuti Morocco iri kudzoka muAU kususukidz­a zvido zveAfrica here, kana zvido zvayo, kana zvavamwe.

 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe