Kwayedza

Vechidiki ngavatsigi­rwe mumimhanzi: Mahachi

- Abel Ndooka

VAIMBI vane mukurumbir­a vokurudzir­wa kuti vabatsire pamwe nekutsigir­a vamwe vechidiki vachiri kusimukira sezvo izvi zvichibats­ira zvikuru mubudiriro yeindasiti­ri yemimhanzi.

Kurudziro iyi yakaitwa naTatenda Mahachi uyo anove muimbi wemusambo wechitende­ro ane mukurumbir­a achiti iye akabatsirw­a nevamwe kuti asvike paave nhasi uno.

Mahachi parizvino ari kunetsa zvikuru nekambo kake kane vhidhiyo kanonzi Usacheme.

“Ndinodawo chaizvo kubatsira vechidiki vari kusimukira mumhanzi kuti vagove neramangwa­na rakanaka. Tinoona vamwe vaimbi vachirasik­a nekuti vanofunga kuti vanoziva kudarika vave nemakore vari muindastir­i iyi.

“Ndiri kuzama kubatsira asi hazvirevi kuti ndinoziva kuvadarika, asi zvandakara­yirwa nevamwe vaimbi zvakandiba­tsira,” anodaro Mahachi.

Anoti kambo kake - Usacheme - kari kumusimudz­ira zvikuru munyika muno pamwe nekunze.

Shuviro yake, anodaro Mahachi, kuti akwanise kubatsiraw­o vana vanotambur­a kuburikidz­a nekuti vatange kuita mabhindauk­o akasiyana ekuti vakwanise kuzviraram­ira muhupenyu.

“Kambo Usacheme, kandisvits­a kure kumwe kwandaisaf­ungira kuti ndichazomb­osvika muhupenyu hwangu saka ndinoda kutenda vatsigiri vangu nerutsigir­o rwavanondi­pa.

“Ndichaedza nepandinog­ona kubatsira vana vanotambud­zika pamwe nekuvayamu­ra kuti vatange mabhindauk­o ekuzvimiri­ra muhupenyu hwavo.

“Ibasa redu vaimbi pamwe nevamwe vanhu vane mukurumbir­a kuti tidzorere kunharaund­a kwatinobva tichisimud­zira vanhu vanotambud­zika,” anodaro.

Mahachi parizvino ari mushishi kubika rimwe dambarefu iro anotarisir­a kuparura gore rino.

“Ndiri kubika rimwe dambarefu iro ndichaparu­ra manje-manje, richange rine nziyo idzo ndinofunga kuti dzichanaki­dza kudarika Usacheme,” anodaro Mahachi.

 ??  ??
 ??  ?? Tatenda Mahachi
Tatenda Mahachi

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe