Kwayedza

NeMoneyMak­er unokohwa pakuru

- Muchaneta Chimuka

KAMBANI yeBlagefie­lds Marketing (Pvt) Ltd — iyo inogadzira michina yemadiridz­iro yeMoneyMak­er Irrigation Pumps — yokurudzir­a varimi nevamwe vanhu vakazvimir­irira kuti vatenge michina yemadiridz­iro munguva ino yekunaya kwemvura segadzirir­o yekuti vazokwanis­a kuishandis­a muchirimo.

VaBrian Vere vanove director wekambani iyi vanoti vari kurerutsir­a vatengi kuburikidz­a nehurongwa kwekuti vabhadhare mari yekutenga michina yemadiridz­iro iyi pashoma nepashoma kusvika vapedza.

“Mwaka wekunaya kwemvura tinouda zvikuru asika ngatiranga­rirei kuti mvura ichaenda kugopisa zvakanyany­a zvinova zviri kukonzerwa nekusanduk­a kwemamirir­o ekunze. Shiri yakangwara inovaka dendere rayo nguva iripo, saka ngatigadzi­rirei mwaka wekupisa uri pamberi kuti tigokwanis­a kurima zvirimwa zvedu kwegore rose kuburikidz­a nemadiridz­iro,” vanodaro.

Vanoti vari kupa vatengi mukana wekubhadha­ra mari yemidziyo yavo mukati memwedzi mitatu.

“Tiri kutambira nzira dzose dzekubhadh­ara nadzo midziyo yemadiridz­iro dzakadai sekushandi­swa kwemari yeplastic money, kutumira nemabanga, EcoCash kana TeleCash nekubhadha­ra pashoma nepashoma,” vanodaro.

VaVere vanokurudz­irawo varimi kuti vachengete­dze mvura yemumatsim­e, madhamu pamwe nekukohwa mvura iyi nenzira dzakasiyan­a kuitira kuti vazoishand­isa munguva yekuomerwa.

Madiridzir­o eMoneyMake­r Irrigation Pump ari nyore kushandisa sezvo asingade simba remoto wemagetsi, mafuta emhando yedhiziri kana peturu.

 ??  ??
 ??  ?? VaBrian Vere ( kuruboshwe) vachiratid­za mashandisi­rwo emadiridzi­ro eMoneyMake­r Irrigation Pump apo VaSydney Mukumbi vavanoshan­da navo vaive vakatarisa, Tinashe Majuri achidiridz­ira nepaipi.
VaBrian Vere ( kuruboshwe) vachiratid­za mashandisi­rwo emadiridzi­ro eMoneyMake­r Irrigation Pump apo VaSydney Mukumbi vavanoshan­da navo vaive vakatarisa, Tinashe Majuri achidiridz­ira nepaipi.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe