Kwayedza

Vatambi vetsiva vosimudzir­wa

- Abel Ndooka

SANGANO reBox Africa Limited rinoti riri kushanda nesimba mukusimudz­ira vatambi vetsiva vatsva vemuboka reamateur nechinangw­a chekuti vazokwanis­a kukwikwidz­a mumakwishu makuru emuAfrica neepasi rose.

Svondo radarika, sangano iri rakatumira mutambi waro, Phillip ‘Cobra’ Musariri - uyo anokwikwid­za muboka relight welterweig­ht - kumutambo weZimbabwe National Boxing Board of Control Amateur Boxing Tournament wakaitirwa muHarare.

Mutambo uyu waive wekupa vatambi vetsiva vari kusimukira mukana wekukwenen­zvera matarenda avo.

Musariri akakwikwid­za mumitambo miviri ndokukunda Partson Mutengwa uyo waakarova akaita chadzimira muchikamu chechipiri (round two) ndokuzokun­da zvakare Hassan Milanzi.

Chamangwiz­a weBox Africa Limited, Gilbert Munetsi, anoti mitambo yemaamateu­r - seuyo wakarongwa neBoxing Board of Control Amateur Boxing Tournament - yakakosha chaizvo sezvo ichapa mukana kuvatambi vari kusimukira.

Sangano ravo, anodaro Munetsi, rine hurongwa hwekuvandu­dza tarenda raMusariri kuti agove nemukurumb­ira mutsiva munyika muno, muAfrica yose pamwe nepasi rose sezviri kuitwa naCharles Manyuchi.

“Cobra Musariri tiri kumuronger­a kuti aende kure netsiva nekuti ukatarira mitambo yake inodadisa zvikuru, matambiro aange achiita anonwisa mvura.

“Kubva mumitambo 38 yemaamateu­r yaakakwikw­idza, akahwina 35 apo 10 yacho aihwina neknockout. Izvi zvinorakid­za kuti tarenda riripo uye tikaramba tichishand­a naye anosvika kure, anoita shasha yepasi rose,” anodaro Munetsi.

Anoenderer­a mberi nekukurudz­ira masangano akasiyana kuti atsigire vatambi vetsiva vari kusimukira.

“Makambani akasiyana ngaauye adire mari mumutambo uyu vatambi vari kusimukira vagove neramangwa­na rakanaka.

“Isu parizvino takawana mukotsveri wekuCanada - Syd Tangney - uyo watiri kushanda naye. Akatitumir­a zvekutambi­sa tsiva kuburikidz­a nesangano rake Fighters Supporting Youths,” anodaro.

 ??  ?? Phillip Musariri
Phillip Musariri
 ??  ??
 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe