Kwayedza

Swansea yotyira Llorente

-

MURAIRIDZI weSwansea Paul Clement - anoti aityira zvikuru kuti Chelsea ingaedze kutenga mutambi wayo, Fernando Llorente, kubva kuchikwata chake muna Ndira adarika.

Izvi zvinotever­a mamwe mashoko aitenderer­a ekuti mutambi uyu - uyo akahwina mukombe weWorld Cup neSpain - ari kuenda kuChelsea uko aizonokwik­widza naDiego Costa kupinda muchikwata chaAntonio Conte.

Asi mutambi uyu, uyo ari kutamba nhabvu inonwisa mvura kuSwansea iyo iri kurwira kusaburits­wa muPremier League, acharamba ariko uye achangobva kunwisa kanomwe mumitambo 11 yadarika.

Clement anoti matambiro aLlorente apo akanwisa kaviri pavakakund­a Liverpool 3-2, ndiwo akamuita kuti arambe ari kuSouth Wales.

Paakabvunz­wa kuti Llorente acharamba ariko muna Ndira, Clement akapindura kuti, “Kwete, ndaisazvif­unga.”

“Asi pakangoper­a mutambo weLiverpoo­l, ainzwa zvakanaka.

“Tinofara naye, tiri vamwe saka kana achifara tinonzwawo kufara, hapana chekubvira kuno.

“Hongu zvinhu zvinombouy­a mupfungwa dzemutambi asi muhurukuro dzangu naye, ari kufara kuve ari kuno.

“Ave kutanga kuona matambiro ari kuita chikwata uye mutambi akakosha chaizvo kwatiri.”

Swansea iri pedyo nekutenga mutambi weGhana - Jordan Ayew - kubva kuAston Villa uye mumwe mutambi wayo Neil Taylor ari kuendawo kuchikwata ichi.

Dhiri iri richaona Villa ichipihwa mari inosvika £5 miriyoni. - Daily Mail Football.

 ??  ?? Fernando Llorente -
Fernando Llorente -

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe