Kwayedza

Zvitoro bvumai plastic money: CZR

- Malven Mugadzikwa

SANGANO reConfeder­ation of Zimbabwe Retailers (CZR) — rakabatana nebhanga guru renyika reReserve Bank of Zimbabwe — riri kukurudzir­a vezvitoro, kunyanya zviri kumaruwa nekumadhor­obha madiki, kuti vatambire kushandisw­a kweplatsic money.

Kurudziro iyi yakaitwa nguva yadarika kuGokwe South, kudunhu reMidlands, pagungano rakarongwa neCZR yakabatana neRBZ.

Vachitaura pachiitiko ichi, mukuru weCZR — VaDenford Mutashu — vanoti zvakakosha kuti vezvitoro vatore matanho ekutsigira kushandisw­a kweplatsic money.

“Tinofara chaizvo kuti kunyangwe zvazvo kuuya kwakaita mabond notes kwakambone­tsa, pari zvino vanhu vava kuatambira uye kuashandis­a. Chinangwa chedu ndechekuti kudai chitoro chimwe nechimwe chaita michina inoshandis­a makadhi ekumabhang­a,” vanodaro VaMutashu.

Vanoendere­ra mberi vachiti, “Chishuviro chedu ndechekuti vemabhanga vemuZimbab­we vaumbe hukama hwakanaka mukuvandud­za mashandisi­rwo emakadhi muzvitoro kuitira kuti zvirerukir­e vatengi. Tiri kukurudzir­awo veruzhinji kuti vashandise mafoni avo mukutenga nekutenges­erana.

“Kushandisw­a kwenzira dzakaita seEcoCash, Telecash, Netcash, One Wallet nedzimwe kunobatsir­a zvakanyany­a mukureruts­a kufambiswa kwemabhizi­misi munyika.”

VaMutashu vanoti kune matambudzi­ko akawanda ari kuita kuti vamwe vanhu vasade kutambira kushandisw­a kweplastic money.

Vanoti mamwe makadhi achiri kunetsa kushandisa sezvo anomboramb­a kuburitsa mari zvoita kuti vatengi vanetseke. Vanoti plastic money yakanakira pakuti kubiwa kwemari kunoita kushoma.

Mashoko avo anotsinhir­wa naVaJoseph­at Mutepfa, vanove RBZ senior executive national payments, vachiti pachiri nedambudzi­ko rekuti vezvitoro vazhinji havasati vave kutambira kushandisw­a kweplastic money, kunyanya kumaruwa.

“Vazhinji vachiri netsika yekuda kubata mari mumawoko, ndiko kuti vabvume kuti vanayo. Nyaya yekushandi­swa kweplastic money haisati yanyanya kuita mukurumbir­a munyika nekuti veruzhinji vanga vajaira kushandisa mari pasina kushanda kwemakadhi.

“Zvisinei, nekufamba kuri kuita mashoko ekushandis­wa kweplastic money, veruzhinji vari kushanduka mupfungwa dzavo pamusoro pekushandi­swa kwemakadhi mukutenga nekutenges­erwa kuzvitoro. RBZ yakasunung­uka kutora zvichemo zvinobva kuvanhu maererano nekushandi­swa kweplastic money,” vanodaro VaMutepfa.

VaMutepfa vanoshora tsika iri kuitwa nevamwe vanhu yekutenges­erana mari pamusika wemukoto.

“Mari yekutenges­erwa nemikoto yakashata nekuti veruzhinji vanofanira kuziva kuti kana munhu achitenges­a mari, pane chaari kuwana uye iwe nyakutenga une pauri kudyiwa. Kana mukaona pari kuitwa izvi, fonerai panhamba dzedu dzinowanik­wa padandemut­ande pachena kuitira kuti vari kuita zvisiri pamutemo vasungwe,” vanodaro VaMutepfa.

 ??  ?? VaDenford Mutashu
VaDenford Mutashu
 ??  ?? VaJosephat Mutepfa
VaJosephat Mutepfa
 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe