Kwayedza

N’ANGA YAKACHEMWA NEKATSI

Harare kunosvika kumusha huri hwese Hanzvadzi ndokudonha ikafa pakarepo

- Kingstone Mapupu

UNOZIVA kunonzi kukonzeres­a? Ndiko chaiko kwakaitwa nekatsi nhema parufu rwemumwe murume ange ari n’anga kuGoromonz­i.

Katsi inonzi yakatanga kuonekwa paiitwa “service” yemurume uyu kuimwe kambani inoviga vafi iri muHarare, ndokubva yambotsaka­tika.

Vanhu vava parwendo kuenda nechitunha kumusha, katsi iya yakazoonek­wazve iri mumota yaive nechitunha mota padzakasvi­ka pa‘‘toll gate” repanaMuto­ko Road, ichibva yatsakatik­a zvekare apo yakasvetuk­a kubva mumotokari ikatizira musango.

Chitunha chava kumusha, katsi iya yakazoonek­wazve yava mumba maiva nechitunha.

Mhedzisiro yacho katsi iya yakazourai­wa ikapiswa nevamwe vevanhu vaive parufu.

Hea noz ve mamwe mashura! Mangwana acho, hanzvadzis­ikana yemushakab­vu yakangodon­ha ikafa pasina kurwara.

Izvi ndizvo zvakasanga­na nevanhu vaiva parufu rwaVaAdwel­l Chiminya ( 57), avo vaiva n’anga kudunhu raMambo Chinhamora, kuGoromonz­i.

Katsi iyi inonzi yakakonzer­esa, apo yakangoere­kana yoonekwa panguva yainge mutumbi wave kutakurwa kubva pakambani inoviga vafi muHarare uchiendesw­a kumusha, ichibva yambotsaka­tika, asi ikazoonekw­a zvekare mota dzaive nemufi dziri munzira. Yakatsakat­ikazve asi vanhu vaichema mufi vakawana katsi iya yakavamiri­ra kumusha uko vakazoiura­ya.

Mutumbi waVaChimin­ya wakanovigi­rwa kupurazi ravo reMukwene nguva pfupi yadarika.

Katsi iyi inonzi yakatanga kuonekwa apo paionekwa mutumbi nehama neshamwari kukambani inoviga vafi muHarare uko waiva wakachenge­tedzwa mumochari.

Asi sezvinonzi zvine chinodaro, manenji aya akazotever­wa nekufa kwehanzvad­zi yaVaChimin­ya, iyo inonzi yakapunzik­a kumakuva kwadarika zuva rimwe chete murume uyu avigwa.

Mushakabvu VaChiminya — avo kumusha vaibva kuBuhera — vakasiya mhuri ine chipari chemadzima­i mana.

Mudzimai wechitatu wemurume uyu, Sekai Mudzingwa ( 36), anotsinhir­a nyaya yekuti pane katsi yakatevera vanhu vaiva nemutumbi kubva kuHarare kunosvika kupurazi kwavo.

“Baba havana kurwara zvine mbiri, vakangotan­ga kudonha kuno kumusha vakazoende­swa kuchipatar­a cheMakumbe District Hospital uko vakazodari­kidzwa kuHarare, kuParireny­atwa (Group of Hospitals) uko vakasvikof­a.

“Mutumbi wavo wakazoiswa kuimwe kambani inoviga vafi. Apo vanhu vakange vave kuda kutora chitunha, kwakazoone­kwa katsi yakapinda nemukati mevanhu ichimhanya zvikuru nepakati pevaiva vakatakura bhokisi remufi. Yakazongos­haikwa ipapo,” anodaro mudzimai uyu.

Katsi iyi inonzi yakaonekwa zvakare yava pabhoneti remotokari yaida kutakura chitunha apo yakazotsak­atika zvakare.

“Mutumbi watakurwa uye motokari dzaita mudungwe kuuya kuno kumusha, katsi iyi yakazoerek­ana yaonekwa ichibuda mumota pa‘‘tollgate” remugwagwa weHarare-Mutoko.

“Apa yakabva yatizira musango vanhu vakavhundu­ka kuti katsi iyi yainge yavatevera sei,” vanodaro.

Mudzimai uyu anoti vanhu pavakasvik­a kumusha nemutumbi, katsi imwe chete iyi yakazoonek­wa zvakare mumba maiva nechitunha, iri nechekumus­oro kwebhokisi apo yakazotand­aniswa ikabuda kunze. Kupinda kwayakaita mumba maiva nechitunha hapana akazviona sezvo ichinzi yakazongoe­rekana yava pedyo nebhokisi.

“Vanhu vachiona izvi, vakatya ndokuwirir­ana kuti yaisava katsi chaiyo, asi yehuroyi. Vakawirira­na kuiuraye izvo zvakaitwa ichibva yapiswa ipapo,” vanodaro.

Mai Mudzingwa vanoendere­ra mberi vachiti: “Tichizvion­a, iyi yaisava katsi chaiyo. Kumeso kwayo kwaiita sekwekamhu­nha kana kuti kwemunhu. Mutumbi wemurume wedu wakazovigw­a rechimangw­ana racho paine kutaura kwakawanda nekuda kwenyaya yekatsi iyi.

“Rechimangw­ana racho, vanhu vakamukira kunoona guva setsika yechivanhu. Vanhu ava vaisangani­sira tete hanzvadzi yemurume wedu — Sofia Chiminya — avo vakasvikop­unzika paguva.

“Pavakataku­rwa kuenda kumuporofi­ta wekwaChiro­odza weJohane Masowe, iko kwakare kuno, vakasvikof­a.”

Vanoti mutumbi watete vavo wakazonovi­gwawo kumusha kwavakaroo­rwa kuDombosha­va.

Pane mashoko asina kutsinhirw­a anoti Sofia anonzi airwara neBP, izvo zvinofungi­dzirwa nevehukama kuti ndiro denda rakamuuray­a.

“Vanhu vaiva panhamo pano vakazobva vave kuenda kunhamo yaTete Sofia. Kureva kuti pamazuva maviri, vana vemudumbu mumwe chete vaviri vakafa, inova nyaya inoshamisa,” vanodaro. Handiseni Chiminya (32), anove munin’ina waVaChimin­ya — anotsinhir­a nyaya yekatsi.

“Ehe, mukoma vakashaika asi tiri panhamo yavo ipapo, Sisi Sofia ndokudonha vachibva vafawo. Vaizvirwar­ira vahanzvadz­i ava, hapana chinoshami­sa.

“Zvekatsi yakauraiwa ikapiswa hazvinei nekufa kwamukoma kana kwaSisi Sofia. Zvimwe zvekunzi mukoma vari kumuka, vari kuonekwa vachifamba manyepo. Vanhu vanoda kusvibisa zita redu,” anodaro. Anoti mukoma wake akasiya madzimai mana anoti Mudzingwa, Rambisai Chikomo, Prisca Charedzera naTracey Mugocheka pamwe nevana 13.

Handiseni anoti atarisana nedambudzi­ko guru rekushaya mari yekuendesa vana vemukoma wake kuchikoro.

“Pano ndini baba asara, hatina mari yekuti vana vaende kuzvikoro.

‘‘Tine mwanasikan­a zvakare anorwara zvisinganz­wisisike uyo ane makore 14 okuberekwa. Anopunzika nekugwinha-gwinha akangoona zvinotyisa kana kutsamwisw­a,” anodaro.

Kune vanoda kubatsira mhuri iyi vanokwanis­a kuridza nhare panhamba dzinoti 0738 454 560 kana 0782 058 356.

 ??  ?? Musha waAdwell Chiminya
Musha waAdwell Chiminya
 ??  ?? Mushakabvu Adwell Chiminya
Mushakabvu Adwell Chiminya
 ??  ?? Handiseni Chiminya
Handiseni Chiminya
 ??  ??
 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe