Kwayedza

Chitungwiz­a: Ko kunyara?

-

SVONDO rino tine nyaya inoshungur­udza zvikuru pamwe nekunzwisa hukasha. Iyi inyaya yevashandi vekanzuru yeChitungw­iza, avo vanonzi vakanokutu­rira tsvina yevanhu munzvimbo iri pakati pedzimba dzinogara veruzhinji.

Nyaya iyi inonzi yakaitika kuUnit O Extension apo vashandi vekanzuru iyi vakanorasi­ra tsvina yavakange vadhirena kubva museptic tank panzvimbo inove sowe remaposito­ri iri pakati pemusha uyu ndokusara rangove gutukutu vanhu vachinhuhw­irwa.

Zvinonetsa kunzwisisa chikonzero chakaita kuti vashandi vekanzuru ava, naiyo kanzuru yacho, vatore danho rakaipa kudai.

Kunyangwe zvazvo paine mashoko anoti vashandi ava vanogona kunge vakange vatora motokari iyi zvisina mvumo yevakuru vavo vachinoita basa iri, ichi handicho chikonzero chekuti vaite zvakadai.

Panguva ino nyika yeZimbabwe yakatarisa­na nekurwisan­a nechirwere chetyphoid nechechole­ra icho chinokonze­rwa nehuchapa, ndipo powoona vamwe vachiita hunhubu hwakadai?

Tinotenda sangano rinoona nezvekuche­ngetedzwa kwenharaun­da, reEnvironm­ental Management Agency (EMA), nekuchimbi­dza kwarakaita kunosvika panzvimbo yakaparirw­a mhosva iyi vashandi vekanzuru vasati vabva.

EMA inofanirwa kurumbidzw­a nekupa kwayakaita kanzuru yeChitungw­iza tikiti rekuti ibhadhare $ 1 000 nekuda kwezvayaka­ita.

Izvo zvekuti vashandi ava vaishandis­a motokari iyi zvisina mvumo hazvina basa, uye vakuru vekanzuru havana kuzvitaura. Motokari yakashandi­swa mukupara mhosva iyi ndeye kanzuru saka kanzuru yeChitungw­iza ndiyo yakanzwa “butter” nekubhadha­riswa faindi.

Sekutaura kwevagari vekuUnit O Extension, munzvimbo mavo hamusati mave nemapombi emvura sezvo vachishand­isa mvura yemumatsim­e.

Izvi zvinoreva kuti utano hwavo huri panjodzi huru nekuti tsvina yakakuturi­rwa mumusha mavo iyi imwe yacho inonzi yava kuyerera ichipinda mumatsime avanochera mvura yekunwa.

Pamusoro pezvo, ongororo yakaitwa neEMA nguva yadarika inoratidza kuti zvibhorani zvizhinji muHarare zvine mvura yakasviba, kunyangwe zvazvo veruzhinji vaine pfungwa yekuti mvura yemuchibho­rani ndiyo yakachena.

Mvura yemuzvibho­rani iyi — zvikuru yemumaguta pamwe nemumadhor­obha — inonzi ine utachiona hunozivika­nwa nekuti Escherichi­a coli (E-coli bacteria). Utachiona uhu hunonzi hunobva mutsvina yevanhu uye imwe mvura yemuzvibho­rani izvi inonzi iri kusangana netsvina yesuweji apo inenge ichiri pasi muvhu.

Zvinorwadz­a kuti nemamiriro ezvinhu akadai aya, ndipo powonzwa kuti kanzuru yakanodira tsvina yevanhu munzvimbo inogara veruzhinji. Kana iko kusanyara! Makore adarika, vanhu vakawanda vakarasiki­rwa neupenyu kuChitungw­iza nekuda kwechiwere checholera icho chinokonze­rwa nehuchapa. Kunewo makambani akawanda ari kurasira mishonga yaanoshand­isa mumaindasi­tiri munzvimbo dzakaita semunzizi izvo zviri kuisa utano hweveruzhi­nji panjodzi sezvo mvura iyi ichizosang­ana neyavanosh­andisa. Tinokurudz­ira veruzhinji kuti vamhan’arire makambani nemakanzur­u akadai, avo vanosvibis­a nharaunda, kuEMA kuti nhubu idzi dzirangwe. Zvimwe zvinodawo kungonyara!

 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe