Kwayedza

Pwere dzoshungur­udzwa: Mambo

- Muchaneta Chimuka

MAMBO Mangwende vekwaMureh­wa vanoti vari kushushika­na zvikuru nekuwanda kuri kuita nyaya dzekumbuny­ikidzwa kwevanasik­ana — zvikuru munyaya dzepabonde – mudunhu ravo, izvo zviri kukanganis­a raramo yavo pamwe nekuti vatadze kuenderera mberi nedzidzo.

Muhurukuro neKwayedza nguva pfupi yadarika, Mambo Mangwende, VaTichafa Chibanda — vanoti vari kubatana nemapurisa mukurwisa kumbunyiki­dzwa kwevanasik­ana ava kuburikidz­a nekuvapa chenjedzo.

“Nyaya yenzara uye kushairwa mar i dzechikoro ndizvo zvatinoona semviro-mviro dzinozoita kuti vana vapedzisir­e vave kupinda munyaya dzepabonde vasati vabva zera kana kutengesa miviri yavo.

“Gore rapera nerapera paseri, nyaya idzi dzakange dzakawandi­sa uye vamwe vana vaitopedzi­sira vave kusiira chikoro panzira nekuda kwekuti vanenge vatove nemimba.

‘‘ Izvi zvinopa mutoro mukuru kuzvipatar­a nekuti vana ivavo havana mari yekunyores­a pamuviri nekudaro vanenge vave kukumbira kuti vabatsirwe pachena,” vanodaro mambo ava.

Vanoendere­ra mberi vachiti: “Nekuda kwekukura kwedambudz­iko iri, ini samambo ndinoona zvakakosha kuti tishambadz­e takabatana nemapurisa ari muchikamu cheVictim Friendly Unit uye masabhuku nemasadunh­u kuti tidzidzise vanhu nezvehuipi hwekuti vanasikana vasati vabva zera vapinde munyaya dzepabonde,” vanodaro.

Vanotizve pamwedzi wega-wega vane mikana yekuita misangano nemapurisa nevanhu vemunharau­nda vachipanan­a mazano pamusoro pekurwi sa kushunguru­dzwa kwevanasik­ana.

Mambo Mangwende vanoti kana vanasikana vakapinda munyaya dzepabonde vasati vabva zera, zvinounza matambudzi­ko akaita sekutapuri­rwa utachiona hweHIV, pamuviri pasina kurongeka, kusiira chikoro panzira uye kuwanda kwenyaya dzechipfam­bi.

Nedonzvo rekubatsir­a vanotambur­a mudunhu ravo, mambo ava vanoti, vari kuita chirongwa cheZunde raMambo icho chinoyamur­a vanoshaya nezvekudya.

 ??  ?? Mambo Mangwende
Mambo Mangwende
 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe