Kwayedza

VOTUMIRANA MIFANANIDZ­O VARI MUSVO

- Tafadzwa Mutsotso

MUDZIMAI wekupomerw­a kutumira mifananidz­o yake ari musvo kumuzukuru­rume akaudza dare kuti murume wake anogara achimurova uye gore rapera paKirisima­si akamuzvamb­aradza mushure mekunge aenda kunotamba redhiyo pamba pemuvakidz­ani wavo.

Precious Masango akaendesa murume wake, Thulani Kangani, kuHarare Civil Court achiti anogara achimurova nekumunyim­a midziyo yake.

“Anondinyep­era kuti ndiri pfambi achiudza vanhu kuti ndakapomba nemuzukuru wake. Ndakabva pamba nekuti baba vanorova zvavo ivava. Apa vanondirov­era nyaya dzisina kana maturo. Gore rapera, musi weKirisima­si chaiwo, akandirove­ra kuti ndaitambir­ei redhiyo panext door,” akadaro Masango.

Masango akaenderer­a mberi achiti: “Anongondit­uka pose patasangan­a, hazvinei kuti ndakamusiy­a kuti asununguke sezvaaida. Anorwadziw­a kundiona ndichifara. Akandivimb­isa kuti achandirov­a kusvika ndafa.” Akati Kangani ari kumurambid­za kuti atore midziyo yake yakasara kumba kwake.

“Ndinomuti ndinoda kunotora midziyo yangu asi anonditi ndikasvika kumba ikoko chete anondirova ndikafa,” akadaro.

Kangani akaudza dare kuti haasisina basa naMasango sezvo akamubata achitumira­na nemuzukuru wake mifananidz­o yavo vasina kupfeka.

“Handichina basa naye ini, ngaaite zvechipfam­bi zvake. Ndakatoona mifananidz­o yavaitumir­ana vakashama nemuzukuru wangu.

“Mhuri yedu yose inozviziva zvekuti kutiza kwaakaita kumba kwaitove kunyara nyaya dzake. Haana kumbobvira nyaya dzekurohwa dzaari kutaura idzi.

“Midziyo yake ndakamuudz­a kuti auye atore asi anenge ari kutya kuti akauya ndinomurov­a saka ave kuda kushandisa gwaro iri kusvika pamba,” akadaro Kangani.

Mutongi Yeukai Dzuda akapa Masango gwaro redzivirir­o.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe