Kwayedza

Murume otsvagira mukadzi zvikomba

- Tafadzwa Mutsotso

MUMWE mudzimai akashamisa vanhu vaive mudare apo akati murume wake anotuma vamwe varume kuti vaende naye pabonde, izvo iye anotendera­na nazvo.

Christine Chinyanyi akamhan’arira murume wake – Moses Phiri – kuHarare Civil Court achimupome­ra mhosva yekumushun­gurudza panyaya dzepabonde.

Chinyanyi akaudza dare kuti ave negore asiyana nemurume wake asi vachigara pamba pamwe chete, kunyangwe zvazvo vachirara mudzimba dzakasiyan­a.

Chinyanyi anoti: “Baba ava vanogara vachindish­ungurudza nekundituk­a vachinditi ndiri chifeve asi vari ivo vanonditsv­agira varume vekushinha navo. Vanondidzi­nga pamba vachiti ndinogara nevarume vandinorar­a navo asi ini handibvi nekuti ndine vana navo uye ndikabva vana ndinovaisa kupi? “Varume vaanoti ndinoshinh­a navo ndiye anenge avatuma. Gore rapera, akatuma mumwe murume kuti andiite mukadzi. Murume uyu akasvika kumba kwangu husiku akati, ‘Ndatumwa nemurume wenyu kuti ndiite bonde nemi’.

“Ivo baba ava vakabva vangonyang­arika husiku hwese ndakazovao­na mangwana acho. Ndakabvuma kushinha naye murume uyu asi nemhaka yekuti ainge atumwa nemurume wangu.”

Phiri akaramba mashoko ekuti anoshungur­udza Chinyanyi achiti anoita chipfambi.

“Amai ava vari kunyepa nekuti ini ndakaramba­na navo kare, muna 2013 mushure mekunge vandisungi­sa ndikaenda kutorongo kwemwedzi mitanhatu. Ndakadzoka vabva pamba, vave kugara kuEpworth nemurume wavari kutaura nezvake kuti ndakamutum­a kuti aite bonde navo,” akadaro Phiri.

Akaenderer­a mberi achiti: “Musi wavari kuti murume uyu ndakamutum­a kuti ashinhe navo, ndakatomus­vikira ari mumba vakagara vose uye kuti vaiitei handizivi.

“Pavakanzwa kuti ndasvika, vakabva vanyarara ini ndikanyepe­ra kunyarara vakafunga kuti ndaenda kure. Ndipo pavakabva vaburitsa bhasikoro apo ndaive ndakamira kuseri kwemba. Saka paakabuda ndakabva ndamubata ndikamubvu­nza kuti anga achiitei mumba mangu. Vanhu vemunharau­nda vakatounga­na.”

Phiri akapikisan­a negwaro raikumbirw­a naChinyany­i achiti inzira yekuti awane maitiro chipfambi.

“Gwaro raari kukumbira ndinotopik­isana naro nekuti iye ndiye ari kutondishu­ngurudza achiita chipfambi pamba pangu. Ngaaende asiye vana vangu ndinocheng­eta ndega,” akadaro Phiri.

Mutongi Yeukai Dzuda akati vaviri ava vadzoke kudare apo nyaya yavo yaizopihwa mutongo.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe