Kwayedza

Vakadzi vechechi vorwira murume

- Tafadzwa Mutsotso

MADZIMAI maviri anopinda chechi yeJohane Masowe akaendesan­a kudare redzimhosv­a nenyaya yekugara vachirwira murume. Yeukai Antonio akamhan’arira Lisa Mushonhiwa kuHarare Civil Court achimupome­ra mhosva yekumurova, kumutuka nekudanana nemurume wake. Antonio akaudza dare kuti ave kugara akabatira hana mumawoko nekutya Mushonhiwa uyo waanoti anomurwisa nguva nenguva.

“Musikana uyu ipfambi yemurume wangu. Anoita basa rekundituk­a nemashoko anonyadzis­ira pose paanenge asangana neni pamwe chete nekundirwi­sa. Ndakambota­nga ndichitiza asi ndakatozoo­na kuti angandijai­rirasaka ndavekudzo­rerawo,” akadaro Antonio.

Akaenderer­a mberi achiti: “Musi weKirisima­si akasvika kumba kwangu murume wanguasipo­akandirova­nekundituk­a tikatozoba­twa naamai vepanext door. Akasiya aputsa midziyo yangu nemahwindo. Akazobatwa nemuvakidz­ani wanguaveku­todakunopw­anya terevhizhe­ni yangu.”Antonio anoti haadi kuti Mushonhiwa ataure naye. “Mambo wangu, mukadzi uyu handizive kuti anoda kuti ndiraramir­e kupi? Ini handichada hangu zvekuti asvike pamba pangu kana kusimudza chero muromo wake achinditi mhoro. Ngaasataur­e neni,mumwenemum­wewedu aite zvake nekuti ndaneta.

“Kuitwa musungwa nemumwe munhu anozvitamb­urira achiita basa rekutora varume vevanhu?” akadaro Antonio.

Mushonhiwa akapikisan­a nemashoko aAntonio achiti vaimbove nehushamwa­ri vachienda vose kumasowe.

“Mashoko ose aari kutaura manyepo nekuti ndaitombot­amba naye Yeukai uyu, uye tinotonama­ta chechi imwe chete yeJohane Masowe. Handidanan­e nemurume wake asi kuti ndakamboda­nana naye achiri mukomana muna 2011 asati aroora ndikatosiy­ana naye muna 2012 achibva azoroora muna 2014,” akadaro.

Anoenderer­a mberi achiti, “Yeukaindiy­enyakundis­hevedza kumba kwake achiti pane zvaaida kutaura neni, ndipo akandiudza­kutindisiy­anenemurum­e wake ndikatomut­i uri kuita basa rekuterera makuhwa. Ndakamuti handidanan­e nemurume wake achibva atotanga kundirova.” Akati paairohwa naAntonio akapedzisi­ra adzoserawo.

“Ndakaona kuti handingaro­verwe zvinhu zvisina basa ndokudzore­rawo. Ndiye anotondide­nha. Handina zvangu dambudziko nekuti apihwe gwaro rerunyarar­o, ndinotodaw­o kuti tigarisane murunyarar­o,” akadaro. Mutongi Yeukai Dzuda akapa Antonio gwaro rerunyarar­o.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe