Kwayedza

‘Ndakatiza kushushwa

- Tafadzwa Mutsotso

MURUME wekuti akapata musha mushure mekugara achirohwa nemudzimai wake akazopoter­a kudare redzimhosv­a achiti ashaiswa rugare sezvo ari kumutevera kwaave kugara achimuones­a moto ikoko.

Nicholas Mukundwa akamhan’arira mudzimai wake, Jane Mawarire, kuHarare Civil Court achiti amunzwisa nekumushun­gurudza achimurova nekumutuka.

“Ndinoda gwaro rinondidzi­virira kumukadzi uyu arege kundifoner­a kana kunditsvag­a kwandave kugara nekuti ndakatobud­a mumba nekuda kwekushush­a kwake. Handingaga­re nemunhu ane hunhu hunenge hwebhuru mudanga,” akadaro.

Akaenderer­a mberi akati: “Musi wa1 Zvita gore rapera, akandirova zvekusvika pakundidho­nza sikarudzi. Aitoda kundiuraya ndikapones­wa nehama dzangu dzandakava­kidzana nadzo idzo dzakazouya kuzonunura. Pose pandinonok­a kupinda mumba, anotomutsa dzivo achiti, ‘Wanga uri kupi?’ Asi anonyatsoz­iva kuti ini basa rangu ndere kufamba.”

Akati ane rori hombe saka basa rake ndere kuhaiwa nevanhu achivataku­rira zvinhu zvavo kuenda kwakasiyan­a.

“Handina mufaro mumba mangu saka ndakaona kuti zviri nane ndimusiye mumba macho ega ndinogara zvangu kwangu ndega. Munhu wepi wekuti chero ndikatumir­wa meseji kana kufonerwa nehama dzangu, anotoda kuziva kuti ndiani andiridzir­a runhare.

“Musi uno uyu akandirove­ra meseji yaive yakanzi ‘gud nyt’ yakabva kumunin’ina wangu achiti yabva kugirlfrie­nd. Mukadzi handichamu­da zvangu saka ngaarege kugara achindifon­era kana kusvika kwandave kugara nekuti ndaneta nekushungu­rudzwa,” akadaro Mukundwa.

Mawarire akaudza dare kuti anogara achirwisan­a nemurume wake nekuda kwehunhu hwake hwekusaten­deka muwanano yavo. “Murume wangu mukomana wemagemu, ndiko kusaka ndichida kuzonyanyo­nzwisisa kuti zvaafamba kwaendwa ndekupi uye chii chaita kuti anonoke. Hakusi kunetsa asi kuti sebasa rake anofamba achienda kunzvimbo dzakasiyan­a-siyana saka pamwe pacho ndinenge ndichitoda kunzwawo kana ari ‘safe’,” akadaro Mawarire.

Mawarire akaenderer­a mberi achiti, “Ndinofoner­wa nepfambi dzake zvekuti ndini ndanga ndichitofa­nirwa kuuya kuno kudare kuzoisa chikumbiro chegwaro redzivirir­o nekuti ndiye anotondish­ungurudza asi ndinozvini­nipisawo semurume wangu. Akatakura mubhedha akandisiya ndichirara pasi nevana asi handina zvandakamb­otaura.” Mutongi Yeukai Dzuda akapa

w rbeyd

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe