Kwayedza

‘Mai mwana muri pfambi henyu asi ndinongoku­dai’

- Trymore Muvhawa

VAMWE samusha vakashamis­a vanhu vaive mudare apo vakati mudzimai wavo akaita chipfambi, izvo zvakakonze­ra kuti varambane ndokuzoroo­rwa nemumwe murume asi ivo vachiri kungomuda zvakadaro.

Aluis Manye akataura mashoko aya mudare reHarare Civil Court mushure mekunge amhan’arirwa neaimbove mudzimai wake – Memory Gonyora – achiti ari kumuonesa chakati tende nekumushus­ha.

“Mambo wangu, ndaoneswa nhamo nemurume uyu.

‘‘ Takaramban­a makore mana adarika asi iye haazvibvum­e. Anouya kumba kwangu kune murume wangu achindituk­a nezvinyadz­i pamberi pevana. Anoti zvakare anoda kuzviurair­a pamba pangu handizive kuti ini ndodii?” akadaro.

Akaenderer­a mber i achiti: “Kana akauya kumba murume wangu aripo, anotityisi­dzira achiti anoda kupisa motokari yemurume wangu asi nemurume wangu havana kutadziran­a.”

Manye akatsinhir­a zvose zvaitaurwa naGonyora achiti ichokwadi.

“Zvataurwa naamai ava ichokwadi, ndizvo zvandinoit­a chaizvo. Chikonzero ndechekuti amai ava vakandirwa­dzisa zvikuru. Vaiita zvechipfam­bi panguva iyo ndaigara navo izvo zvakazoita kuti vandicheng­etese nhumbu isiri yangu kusvika pakubarwa kwayo zvisinei nekuti mwana wacho akazofa zvake.

“Handipikis­e hangu kana mukamupa chikumbiro ichi asi kunyangwe zvazvo paine zvakaitika, mukadzi uyu ndichiri kumuda ini,” akadaro Ganye.

Mutongi Yeukai Dzuda akapa Gonyora gwaro rerunyarar­o.

 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe